2010–2019
Funga Maropafadzo
Gumiguru 2012


Funga Maropafadzo

Baba vedu Vokudenga vanoziva zvidikanwi zvedu uye vanozotibatsira apo tinokumbira rubatsiro kwaVari.

Mabhuratha namasisita angu anodikanwa, musangano mukuru uno unosvitsa makore makumi mana nemapfumbamwe kubva pandakatsigirwa, musi wa 4 Gumiguru, 1963, senhengo yeChikwata cheVaapositori vane Gumi neVaviri. Makore makumi mana nemapfumbamwe inguva yakareba chaizvo. Nenzira dzakawanda, zvisinei, nguva inoratidzika sedikidiki kubvira pandakamira papodhiyamu muTarbenakeri ndikapa nhaurwa yangu yokutanga pamusangano mukuru.

Zvizhinji zvakachinja kubvira 4   Gumiguru, 1963. Tirikurarama munguva yakasiyana zvikuru nedzimwe nguva munhoroondo yenyika. Takaropafadzwa nezvakawanda zvikuru. Asi dzimwe nguva zvakaoma kutarisa matambudziko nemadiro arikuitwa pahunhu zvakatikomberedza tisingaoremwoyo. Ndakaona kuti, pane kungofunga zvinetso nguva dzose, kana tikarisa shure tikafunga maropafadzo ari muupenyu hwedu, kusanganisira ayo maropafadzo anotaridzika semadiki uye dzimwe nguva atisingaoni, tinokwanisa kuwana rufaro rukurusa.

Apo pandakawongorora makore makumi mana nemapfumbamwe apfuura, ndakawana zvinhu zvakawanda. Chimwe ndechekuti zviitiko zvisingaverengeki zvandakava nazvo zvakanga zvisiri izvo munhu zvaangatora sezvinhu zvinoshamisa. Chokwadi ndechekuti, panguva yazvaiitika, kazhinji zvaitaridzika sezvinhu zvisingakatyamadzi uye kunyangwe zvinoitika mazuva ose. Asi, kana ndichitarisa shure, zvakanatsa nokuropafadza upenyu – kunyangwe nehwangu pachangu hwakaropafadzwawo. Ndinokukurudzirai kuti muiite zvimwechetezvo – kureva kuti muwongorore upenyu hwenyu uye mutsvake chete maropafadzo, makuru nemadiki, amakatambira.

Chakasimbisiswa nguva dzose munguva yokuwongorora kwangu makore aya chaiva ruzivo rwangu rwekuti minamato yedu inonzwikwa nokupindurwa. Tinoziva chokwadi chinowanikwa muna 2 Nifai muBhuku raMormoni: “Vanhu varipo, kuti vave norufaro.” 1 Ndinopupura kuti ruzhinji rwerufaro irworwo runouya apo tinoziva kuti tinokwanisa kutaurirana naBaba vedu Vokudenga kuburikidza nemunamato uye kuti minamato iyoyo inozonzwikwa nokupindurwa – zvimwe kwete nenzira uye nenguva yatinotarisira kuti ipindurwe, asi inopindurwa uye naBaba Vokudenga vanotiziva nokutida zvakarurama uye vanoda rufaro rwedu. Havana here kutivimbisa kuti, “Iva wakazvininipisa, uye Ishe Mwari vako vachakutungamirira neruoko, uye nokukupa mhinduro kuminamato yako.”? 2

Mumaninetsi mashoma anotevera andakatarirwa, ndinoda kugoverana nemi muenzaniso mudikidiki chete wezviitiko zvandakava nazvo umo minamato yakanzwikwa nokupindurwa uye izvo, mukutarisa shure, zvakaunza maropafadzo muupenyu hwangu pamwechete nemuupenyu hwevamwe. Jenari rangu randinonyora zuva roga roga, iro randachengeta mumakore ese aya, rabatsira kundipa zvimwe zvinhu zvandingaida ndisina kukwanisa kuyeuka dai ndisinaro.

Mukutanga kwegore ra1965, ndakapiwa basa rokupinda misangano yemasiteki uye nokuita mimwe misangano munharaunda yose yeSouth Pacific. Iyi ndiyo yaiva nguva yangu yokutanga kushanyira nzvimbo iyoyo yepanyika, uye yaiva nguva isingambofi yakakanganikwa. Zvizhinji zvakanga zviri zvomweya pamamiriro zvakaitika panguva yebasa iri apo pandaisangana nevatungamiri, nhengo, nevashumiri.

Musi weMugovera neSvondo, waNdira 20 na 21, takanga tiri muBrisbane, Australia, kunoita misangano yekonifarenzi yeSiteki yokuBrisbane. Panguva yemisangano yeMugovera, ndakasumwa kumutungamiri wedunhu aibva munharaunda yaiganhurana neyataiva tiri. Apo pandakamumhorosa neruoko, ndakava nemanzwiro akasimba okuti ndaifanira kutaura naye uye kumupa rairo, saka ndakamukumbira kuti andiperekedze kumusangano wemangwanani eSvondo zuva raitevera kuitira kuti izvi zvikwanisike kubudirira.

Mushure memusangano weSvondo, takava nemukana wekukurukura pamwechete. Takataura nezve mabasa ake akawanda semutungamiri wedunhu. Apo pataidaro, ndakanzwa kuti ndaifanira kumupa mamwe mazano maererano nebasa roushumiri uye mapiro aangaita iye nenhengo dzake rubatsiro kuvashumiri venguva dzose mumabasa avo munharaunda yake. Pashure ndakazodzidza kuti murume uyu akanga achinamatira hutungamiri panyaya iyi. Kwaari kushanya kwedu kwaiva uchapupu hwakakosha hwekuti minamato yake yakanga yanzwikwa uye yapindurwa. Uyo waitaridzika semusangano usingashamisi asi uyo wandiine chokwadi kuti wakatungamirirwa neMweya uye uyo wakaunza shanduko muupenyu nebasa zvemutungamiri wedunhu uyu, muupenyu hwenhengo dzake, uye mukubudirira kwevashumiri ikoko.

Mabhuratha nemasisita angu, zvinangwa zvaIshe kazhinji zvinozadzikiswa apo tinoteerera kunhungamiro yeMweya. Ndinotenda kuti apo patinonyanya kutevera kukurudziro nefemero dzinouya kwatiri, Ishe Vanozonyanyawo kupa kwatiri mabasa Avo.

Ndakadzidza, sokutaura kwandakaita mune dzimwe nhaurwa, kuti usambofa wakanonokera femero. Pane imwe nguva makore mazhinji apfuura, ndaishambira muduhwino remuDeseret Gym muSalt Lake City apo pandakanzwa femero yokuenda kuUniversity Hospital kunoshanyira shamwari yangu yakanaka uyo akanga arasikirwa nekushanda kwemitezo yake yezasi nokuda kwechirwere chegomarara uye nekuvhiyiwa kwakatevera. Pakarepo ndakabuda muduhwino, ndokupfeka, uye nenguva diki ndakanga ndava munzira kunoona murume wakanaka uyu.

Pandakasvika mumupanda wake, ndakawana musina munhu. Pandakabvunza ndakaudzwa kuti pamwe ndaizomuwana kunzvimbo yaiva neduhwino rechipatara, nzvimbo yaishandisirwa kuita zvekugwinyisa mitezo yakarukutika. Izvi zvakava izvo. Akanga azvisunda kuenda ikoko ari muchigaro chemaviri chake uye akanga ariye chete aivamo mumupanda iwoyo. Akanga ari kure kurumwe rutivi rweduhwino, pedyo nedivi rakadzika. Ndakadeedza kwaari, uye akasunda chigaro chake chemaviri ouya kuzondimhorosa. Takava nekushanyirana kwainakidza uye ndikamuperekedza kudzokera kumupanda wake wemuchipatara, umo mandakanomupa ropafadzo.

Pashure ndakadzidza kubva kushamwari yangu iyi kuti akanga apererwa netariro zvachose zuva iroro uye akanga arikufunga kuzviuraya. Akanga anamatira rubatsiro asi akanga atanga kunzwa kuti minamato yake yakange isiri kupindurwa. Akaenda kuduhwino nepfungwa yokuti iyi ndiyo yaiva nzira yokugumisa kutambura kwake – nokusundira chigaro chake chemavhiri mudivi rakadzika reduhwino. Ndakanga ndasvikapo panguva inokosha yakadzivirira njodzi huru, mukudavira kune izvo zvandinoziva kuti ifemero yaibva kudenga.

Shamwari yangu yakakwanisa kurarama mamwe makore akawanda – makore akazadzwa nerufaro nekutenda. Ndinofara zvikurusa kuti ndakave mudziyo mumaoko aIshe pazuva rakakosha iro paduhwino.

Pane chimwe chiitiko, apo Sisita Monson neni pataichaira motakari kudzokera kumba mushure mekushanyira shamwari, ndakanzwa femero yokuti taifanira kuenda muguta – mufambo wemamaira akawanda – kunoshanyira shirikadzi yechikuru iyo yaimbogara muwadhi medu. Zita rake raiva Zella Thomas. Panguva iyoyo, akanga achigara munzvimbo inochengetwa vachembera. Masikati iwayo takamuwana ari mutenda zvikuru asi akarara zvakanaka pamubhedha.

Zella akanga ava bofu kwenguva yakareba, asi akaziva manzwi edu pakarepo. Akakumbira kuti ndimupe ropafadzo, achiti akanga agadzirira kufa kana Ishe vaida kuti achidzokera kumusha. Pakanga pane mweya wakanaka, unerunyararo mumupanda imomo, uye tose taiziva kuti nguva yake yakanga yasara muupenyu huno yaiva pfupi. Zella akatora ruoko rwangu akati akanga anamata nesimba rose kuti ndiuye kuzomuona uye ndigomupa ropafadzo. Ndakamuudza kuti takanga tauya nokuda kwefemero yakabva kuna Baba Vokudenga chaiko. Ndakamutsvoda pahuma, ndichiziva kuti pamwe handaizomuona zvakare muupenyu huno. Izvi zvakava chokwadi, nokuti akashaya zuva rakatevera. Kuva ndakakwanisa kupa nyaradzo nerunyararo kuna Zella wedu akanaka rakava ropafadzo kwaari nokwandiri.

Mukana wekuva ropafadzo muupenyu hwemumwe kazhinji unouya tisingazvitarisiri. Mamwe manheru eMugovera aitonhora zvikuru chaizvo mumwaka wechando cha1983 – 84, Sisita Monson neni takachaira motokari kwemamaira akawanda kuenda kunhika regomo reMidway, Utah, uko kwatine mumwe musha. Tembiricha manheru iwayo yaiva –31°C, uye taida kunoona kuti zvinhu zvose zvakanga zvakamira zvakanaka pamusha wedu weikoko. Takatarisa tikaona kuti zvose zvakanga zvimire zvakanaka, saka takasimuka todzokera kuSalt Lake City. Takangokwanisa kufamba mamaira mashomanana kusvika munzira kunzira huru motokari yedu isati yafa. Takapererwa zvachose nezvekuita. Handisati ndambotonhorwa sematonhorerwo atakaitwa usiku ihwohwo.

Zvokuzvimanikidza takatanga kufamba takananga kuguta raiva pedyosa, motokari dzichingopfuura dzichitisiya. Mushure menguva yakareba imwe motokari yakamira, uye murume wechidiki akatipa rubatsiro. Takazowana kuti dhiziri mutangi remotokari rakanga ragwamba nokuda kwechando, zvichiita kuti zvisakwanisika kuti tichaire motokari. Murume wechidiki anetsitsi uye akatitakura akatidzorera kuimba yedu yekuMidway. Ndakaedza kumupa mari kuitira kumudzorera peturu yaakanga ashandisa pakutibatsira, asi norukudzo akaramba. Akati akanga ari Mukomana muChisikauti uye aida kuita chinhu chakanaka kune mumwe munhu. Ndakazvisuma kwaari, uye akataura kutenda kwake nemukana waakanga awana wekubatsira. Ndichifungidzira kuti akanga ari pazera rokuenda kuushumiri, ndakamubvunza kana aironga kuenda kunoshanda semushumiri. Akati akanga asina chokwadi kuti chii chaizvo chaaida kuita.

Pamagwanani eMuvhuro wakatevera, ndakanyora tsamba kumurume wechidiki uyu ndikamutenda netsitsi dzake. Mutsamba ndakamukurudzira kuti aende anoshanda semushumiri akazara. Ndakaisa rimwe ramabhuku angu uye ndikatara mutsetse pazvitsauko zviri pamusoro pemushando weushumiri.

Mushure mevhiki amai vemurume wechidiki uyu vakaridza runhare vachitaura kuti mwanakomana wavo aiva murume wechidiki akanaka zvikuru asi nokuda kwekumwe kufurirwa muupenyu hwake, chido chake chaainge anacho kwenguva yakareba chokuenda kunoshanda semushumiri chakanga chaderera. Vakataura kuti ivo nababa vake vakanga vatsanya nokunamata kuti moyo wake ushandurwe. Vakanga vaisa zita rake pamudorongodzwa wevanoda kunamatirwa wekuTemberi yeProvo Utah. Vaitarira kuti namamwe maitiro, neimwe nzira, moyo wake waizobatwa zvakanaka uye aizodzokera kuchido chake chekuzadzikisa ushumiri uye kushandira Ishe zvakavimbika. Amai vake vaida kuti ndizive kuti vaitarisa pazviitiko zvemanheru aitonhora aya semhinduro kuminamato yavo pamusoro pake. Ndakati, “Ndinobvumirana nemi.”

Mushure memwedzi yakati wandei uye nekumwe kutaurirana nemurume wechidiki uyu, Sisita Monson neni takafara zvikuru kuenda kumutambo wake wekuoneka asati asimuka kuenda kunoshanda semushumiri kuCanada Vancouver Mission.

Zvakanga zvangoitika here kuti nzira dzedu dzipesane pamanheru aZvita aitonhora iwayo? Handibvumi kudaro kana kwechinguva chidiki zvacho. Asi, ndinobvuma kuti kusangana kwedu kwaiva mhinduro kuminamato yemoyo wese yababa namai yemwanakomana wavaida zvikuru.

Zvakare, mabhuratha nemasisita angu, Baba vedu Vokudenga vanoziva zvidikanwi zvedu uye vanozotibatsira apo patinodaidza kwaVari kuti vatipe rubatsiro. Ndinobvuma kuti hakuna zvinetso zvedu zviri zvidiki kana zvisina maturo. Ishe vari muchikamu chese zvacho cheupenyu hwedu.

Ndinoda kugumisa nokutaura chimwe chiitiko chakaitika nguva diki yapfuura icho chakabata mazana avanhu. Chakaitika pabemberero rezvetsika dzemarudzi reTemberi yeKansas City, mwedzi mishanu ichangopfuura iyo. Sezvazvinoita nezvakawanda zvinoitika muupenyu hwedu, panguva iyoyo zvairatidzika kuva sechimwewo zvacho chiitiko apo zvinhu zvose pazvinofamba zvakanaka. Zvisinei, apo pandakadzidza nezve mamiriro ezvinhu maererano nebemberero rezvetsika dzemarudzi manheru aiteverwa nekutsaurwa kwetemberi, ndakaziva kuti mutambo manheru iwayo wakanga usiri wemazuva ose. Chokwadi ndechekuti waiva chishamiso.

Sezvazviri nezviitiko zvose zvetsika dzemarudzi zvinoitwa pamwepo nekutsaurwa kwematemberi, vechidiki muNharaunda yeTemberi yeKansas City Missouri vakanga vadzidzira zvemutambo uyu mumapoka akaparadzana emunzvimbo mavo. Chirongwa chaiva chokuti vaizosangana pamwechete muhoro huru yakanga yarendwa yekanzuru pamagwanani eMugovera wemutambo kuitira kuti vagodzidzira kuti vaizopinda mudariro nguvai uye nekupi, pavaifanira kumira, makuriro enzvimbo yaifanira kusiiwa pakati pavo nemunhu aiva pedyo navo, mabudiro avaizoita mudambiro guru, zvichingodaro – zvinhu zvizhinji zvavaifanira kunyatsodzidzwa zuva iroro apo avo vaitungamirira pavainge vachiisa pamwechete zviwonwa zvakasiyana siyana pamwechete kuitira kuti mutambo uzove wakarongwa zvakanaka uye zvineunyanzvi.

Pakanga paine dambudziko guru rimwechete musi iwoyo. Mutambo wese wakanga wakamisirwa pazvikamu zvakanga zvasanorekodhwa izvo zvaizotaridzwa pasikirini huru yaizikanwa seJumbotron. Zvikamu zvakarekodhwa izvi zvakanga zvakakosha zvikuru pakubudirira kwemutambo wese. Zvakanga zvisingangobatanidzi mutambo wese pamwechete, asi chikamu chega chega chaizotaridzwa pasikirini chaizosuma mutambo waitevera. Zvikamu zvakarekodhwa zvaipa chimiro apo mutambo wese pawaive wakamisirwa. Uye Jumbotron yakanga isingashandi.

Vanamakanika vakashanda nesimba kuti vagadzire zvakanga zvisingashandi apo vechidiki vakanga vakamirira, mazana avo, vachirasikirwa nenguva yakakosha yekudzidzira. Mamiriro ezvinhu akatanga kuratidzika sekunge pasina chaizobudirira.

Munyori nemutungamiri webemberero, Susan Cooper, pashure akatsanangura kuti: “Apo patakabva pachirongwa Chekutanga tikaenda kuneChechipiri kusvika kuneChekupedzisira, takaziva kuti zvakanga zvisiri kushanda….. Apo pataitarisa hurongwa hwezvaida kuitwa takaziva kuti izvi zvakanga zvichatikurira, asi takaziva kuti taiva nerimwe ramasimba makurusa muhoro yaiva pazasi – vechidiki zviuru zvitatu. Taifanira kudzika pasi tono[va]udza zvakanga zviri kuitika uye tomira nerutendo rwavo.” 3

Awa imwechete vanhu vasati vatanga kupinda muhoro, vechidiki zviuru zvitatu vakagwadama pasi vakanamata pamwechete. Vakanamata kuti avo vaishanda pakugadzira Jumbotron vaizofemerwa kuti vazive zvaifanira kuitwa kuti vaigadzire; vakakumbira Baba vavo Vokudenga kuti vazadzikise paneizvo zvaizotadza kuitwa naivo pachavo nokuda kwekushomeka kwenguva.

Mumwe akanyora nezvazvo pashure akati, “Waiva munamato vechidiki ava wavasingambofi vakakanganwa, kwete nokuda kwekuti pasi pakanga pakaomarara, asi nokuda kwekuti Mweya wakapfavisa mapfupa avo.” 4

Hapana kupfuura nguva yakareba mumwe wevanamakanika asati auya kuzovaudza kuti zvakanga zvakafa zvakanga zvawanikwa zvikagadziriswa. Akati izvi zvakanga zvakwanisika nerombo rakanaka, asi vechidiki ava vaiziva chikonzero chaicho.

Patakapinda muhoro yekanzuru manheru iwayo, hatina kumboziva nezve matambudziko ezuva iroro. Chete pashure ndipo patakazodzidza nezvawo. Zvatakaona, zvisinei, waiva mutambo wakanaka, wakaitwa neunyanzvi – mumwe wemitambo yakanakisisa yandakaona. Vechidiki vaiva vakakomberedzwa nemweya waibwinya, wakasimba uyo wakanzikwa navose vaivapo. Vaitaridzika kuti vaiziva nguva chaiyo yokupinda, pokumira, uye matambiro anowirirana nevamwe vatambi vakavakomberedza. Pandakadzidza kuti kudzidzira kwavo kwakanga kwagumisirwa panzira uye kuti zvikamu zvizhinji zvemutambo zvakanga zvisina kugadzirirwa neboka rose riri pamwechete, ndakashamiswa zvikuru. Hapana angadai akambozviziva. Ishe chokwadi vakanga vazadzikisa pese paida kuzadzikiswa.

Handimboregi kushamiswa nekwaniso yaIshe yekukurudzira nokutungamirira urebu neupamhi hweUmambo Hwavo uye pamusoro pazvo vowana nguva yokupa femero maererano nemunhu mumwechete – kana bemberero rezvetsika dzemarudzi rimwechete kana Jumbotron rimwechete. Chokwadi chokuti Vanokwanisa, chokuti Vanoita, uchapupu kwandiri.

Mabhuratha nemasisita angu, Ishe vari muupenyu hwedu hwese. Vanotida. Vanoda kuti ropafadza. Vanoda kuti titsvake rubatsiro Rwavo. Apo Pavanotiraira nokutitungamirira uye apo pavanonzwa nokupindura minamato yedu, tinozowana rufaro pano iyezvino urwo rwaVanoda kuti tive narwo. Ngativei tinoziva maropafadzo Avo muupenyu hwedu, ndinonamata nemuzita raJesu Kristu, Muponesi wedu, ameni.

Notes

  1. 2 Nifai 2:25.

  2. Dzidziso neZvibvumirano 112:10.

  3. Susan Cooper, muna Maurine Proctor, “Nothing’s Too Hard for the Lord: The Kansas City Cultural Celebration,” Meridian Magazine, Kubvumbi 9, 2012, ldsmag.com.

  4. Proctor, Meridian Magazine, Kubvumbi 9, 2012.