2010–2019
Pamusoro peKukungura nepeSarudzo Dzine Ushingi
Gumiguru 2012


Pamusoro peKukungura nepeSarudzo Dzine Ushingi

Apo patinozvipira pakutsvaga utsvene nerufaro, kashoma kuti tizove munzira yezvikunguro.

Pamusoro peZvikunguro

Mutungamiri Monson, tinokudai. Tinokutendai nechiziviso chakafemerwa uye chinokosha pamusoro pekuvakwa kwematemberi matsva nezvemushando wevashumiri. Nokudakwazvo, ndinechokwadi kuti maropafadzo makuru achauya kwatiri nekuzvizvarwa zvizhinji zvamangwana.

Vadiwa mabhuratha nemasisita angu, vadiwa shamwari dzangu! Tose tiri vanhu vanofa. Ndinovimba izvi hazviuye sechishamiso kuna aninani.

Hakuna mumwe wedu achazova panyika kwenguva yakareba zvikuru. Tine nhamba yemakore akakosha ayo, mumaonerwo ezvekusingaperi, haatomboenzana nekubwaira kweziso.

Zvino tobva taenda. Mweya yedu “inoendeswa kumusha kuna Mwari akatipa [isu] upenyu.” 1 Tinoradzika miviri yedu pasi uye tosiya kumashure zvinhu zvenyika ino apo patinoenda kuumambo hunotevera hwekurarama kwedu.

Apo patinenge tiri vadiki, zvinoratidzika sekuti tichararama nokusingaperi. Tinofunga kuti kune kubuda kwezuva kusina mugumo kwakamirira kuri mumhiri memuchecheto, uye ramangwana rinoratidzika kwatiri senzira isina ganhuro inoenderera zvisingaperi mberi kwedu.

Zvisinei, apo patinokura, ndipo patinyanya kutarisa kumashure tichishamisika nemapfupikiro akanyatsoita nzira iyoyo. Tinoshama kuti makore akafamba nekukurumidza kudaro sei. Uye totanga kufunga pamusoro pesarudzo dzatakaita uye nezvinhu zvatakaita. Mukudaro, tinoyeuka nguva zhinji dzakanaka idzo dzinopa kudziirwa mumweya yedu nerufaro mumwoyo yedu. Asi tinoyeukawo zvikunguro—zvinhu zvatinoda kuti dai taikwanisa kudzokera shure tichinozvishandura.

Mukoti anochengeta vanehurwere husingarapike anoti kazhinji aibvunza mubvunzo wakareruka kuvarwere vake apo pavaigadzirira kubva muupenyu huno.

“ Mune zvikunguro zvamuinazvo here?” aivabvunza.2

Kuva padyo kudaro nezuva iroro rekupedzisira reupenyu hwenyama zvinowanzopa jekeso kupfungwa uye zvinopa nzwisiso yemaonero nemafungiro aunoita chinhu.Saka apo vanhu ava pavakabvunzwa pamusoro pezvikunguro zvavo, vakazarura mwoyo yavo. Vakafunga pamusoro pekuti ndezvipi zvavaizoshandura dai chete vaikwanisa kudzorera nguva kumashure.

Apo pandaifunga zvavainge vataura, pakarepo ndakabva ndaziva mashandurirwo anokwanisa kuitwa nzira yeupenyu hwedu zvakanaka nemisimboti yekutanga yevhangeri raJesu Kristu,kana chete tikaishandisa.

Hapana chakavanzika pamusoro pemisimboti yevhangeri. Takainzvera mumagwaro matsvene, takaikurukura muChikoro cheSvondo, uye takainzwa kubva munhaurwa nguva dzakawanda. Misimboti nemwero yemagariro mitsvene iyi iri pachena uye yakajeka; yakanaka, yakadzama uye yakasimba; uye inonyatsokwanisa kutibatsira kudzivirira zvikunguro zveramangwana.

Dai Ndakaziva Ndakapedza Nguva Yakawanda neVanhu Vandinoda

Zvichida chikunguro chakanyanya kufanana chakataurwa nevarwere vaiva vavakufa chaiva chekuti vaiti dai vakapedza nguva yakawanda nevanhu vavanoda.

Varume kunyanya ndivo vakaimba dunuro yakafanana iyi: vai “kungura zvikuru kuti vakapedza upenyu hwavo hwakawanda kudaro pamushando wainetesa we[zuva rega rega] we … basa.” 3 Vazhinji vakarasikirwa nendangariro dzakanaka dzinouya kubva pakupedza nguva nemhuri uye neshamwari. Vakarasikirwa nekukudziridza kubatana kwakadzama neavo vaikosha zvikuru kwavari.

Hachisi chokwadi here kuti tinowanzova nebasa rokuita rakawanda? Uye, zvinosuwisa kutaura, kuti tinopfeka kugara tiinebasa rokuita kwedu senyembe yerukudzo, sekunge kugara tiine basa rokuita, iko kuri kwega, kubudirira kana kuti chiratidzo cheupenyu hwepamusoro-soro.

Ndizvo here?

Ndinofunga nezvaIshe neMuenzaniso wedu, Jesu Kristu, neupenyu Hwake hupfupi ari pakati pevanhu veGarirea neJerusarema. Ndinoedza kufungidzira Achimhanya mhanya pakati pemisangano kana kuti Achiita zvinhu zvakawanda panguva imwechete kuti apedze hurongwa hwezvinhu zvinodikanwa kuitwa nekukurumidza.

Handizvione izvozvo.

Kunze kwaizvozvo ndinoona Mwanakomana waMwari ane rudo uye ane hanya achirarama zvinechinangwa zuva rega rega. Apo paAishanda neavao vakanga Vakamukomberedza, vainzwa kuva vakakosha uye vanodiwa. Aiziva kukosha kusingaperi kwevanhu vaAkasangana navo. Akavaropafadza, akavataririra. Akavasimudzira, akavarapa. Akavapa chipo chinokosha chenguva Yake.

Mumazuva ano edu zvirinyore kungonyepedzera kupedza nguva nevamwe. Nekudzvanya mausi yekombiyuta, tinokwanisa “kubatana” nezviuru zve“shamwari” tisingambofa takava tinotarisana kana nemumwechete wavo. Tekinoroji inokwanisa kuva chinhu chakanakisisa chaizvo, uye inobatsira zvikuru apo patisingakwanise kuva padyo nevadikanwi vedu. Mudzimai wangu neni tinogara kure nenhengo dzemhuri dzinokosha; tinoziva kuti izvozvo zvakaita sei. Zvisinei, ndinotenda kuti hatisi kufamba takananga gwara chairo, semhunhu pachake uye sevagari venyika, kana tichibatana nemhuri kana shamwari kazhinji nekutumira mifananidzo inosekesa, kutumira zvinhu zvisina mature, kana kubatana nevadikanwi vedu nenzvimbo dziri paindaneti. Ndinodaira kuti pane nzvimbo yezviitwa zverudzi urwu, asi inguva yakakura zvakadii yatinoda kupedza pazviri? Kana tikatadza kuzvipa isupachedu nemwoyo wese uye nenguva isina zvimwe zvikangaidzo kune avo vanokosha zvechokwadi kwatiri, rimwe zuva tichazvikungura.

Ngatisarudzei kukoshesa avo vatinoda nekupedza nguva yakanaka navo, tichiita zvinhu pamwechete, uye tichiunganidza ndangariro dzinokosheswa.

Dai Ndakaziva Ndakazadzisa Kwaniso Yangu

Chimwe chikunguro chaitaurwa nevanhu ndechekuti vakatadza kuva munhu wavaifunga kuti vaikwanisa kuva uye wavaifanira kunge vakava. Apo pavaitarisa kumashure paupenyu hwavo, vakaona kuti havana kumbobvira vazadzisa kwaniso yavo, uye nziyo zhinji dzakasara dzisina kuimbwa.

Handisi kutaura pano nezvekukwira manera ebudiriro mumabasa edu akasiyana-siyana. Manera iwayo, zvisinei nekuti angangoratidzika kureba zvakadii pasi pano, haatombosvika kana panhano imwechete murwendo rukuru-kuru rwekusingaperi rwakatimirira.

Kunze kwaizvozvo, ndirikutaura nekuva munhu uyo Mwari, Baba vedu Vekudenga, wavaida kuti tive.

Tinosvika muno munyika, sekutaura kwakaita mudetembi, “tichikweva makore ekubwinya” 4kubva munzvimbo yataive tisati tazvarwa pano pasi.

Baba vedu Vekudenga vanoona kwaniso yedu chaiyo. Vanoziva zvinhu pamusoro pedu zvatisingazive isu pachedu. Vanotikurudzira munguva yeupenyu hwedu kuti tizadzikise mwero wekusikwa kwedu, kuti tirarame upenyu hwakanaka, uye kuti tigodzokera pamberi Pavo.

Sei, zvino, tichipira nguva yedu yakawanda nesimba redu rakawanda kudaro kuzvinhu zvinopfuura, zvisina kana kukosha, uye zvisingareve kana chinhu? Tinoramba here kuona upenzi mukutsvaga zvisina maturo uye zvinopfuura?

Hatingave takachenjera here kuti “tizvivunganidzire [pachedu] fuma kudenga, pasinezvipfunho nengura zvinopedza, pasinembava dzinopaza dzichiba”?5

Tinozviita sei izvi? Nekutevera muenzaniso weMuponesi, nekuisa dzidziso Dzake muupenyu hwedu hwamazuva ose, nekuda zvechokwadi Mwari nevamwe vedu.

Hatikwanise zvechokwadi kuita izvi kana tichiita chinono, tichitarisa nguva, tichinyunyuta apo tinenge tosvika kuudzidzi.

Kana zviri zvekurarama vhangeri, hatifanire kuva semukomana akanyika chigunwe chake chekutsoka mumvura akati akanga aenda kuno tuhwina. Sevanakomana nevanasikana vaBaba vedu Vekudenga, tinokwanisa kuita zvakawandisisa. Nokuda kwaizvozvo, kungova nezvinangwa zvakanaka hazvina kukwana. Tinofanirakuita. Uye zvakanyanya kukosha ndezvokuti, tinofanira kuva izvo zvinodikanwa naBaba veKudenga kuti tive.

Kuzivisa uchapupu hwedu hwevhangeri zvakanaka, asi kuva muenzaniso mupenyu wevhangeri rakadzorerwa zvirinani. Kuda kuva takanyanya kutendeka kuzvibvumirano zvedu zvakanaka; chokwadi ndechekuti kuva takatendeka kuzvibvumirano zvinoera—kusanganisira kurarama upenyu hwakarurama, kupa zvegumi nemipiro yedu, kuchengeta Shoko reUchenjeri, nekubatsira avo vanoshaya—zvirinani. Kuzivisa kuti tichapa nguva yakawanda kumunamato wemhuri, kukunzvera magwaro matsvene, uye nekuzviitwa zvakanaka zvemhuri zvakanaka; asi pachokwadi kuita zvinhu zvese izvi zvishoma nezvishoma kunozounza maropafadzo ekudenga kuupenyu hwedu.

Udzidzi kutsvaga utsvene nerufaro. Ndiyo nzira yekukunakisisa uye nekufara zvikuru kwedu.

Ngatisarudzei kutevera Muponesi uye toshanda neushingi kuti tive munhu watakaumbwa kuti tizova. Ngatiteererei uye nekutevera kurudziro dzeMweya Mutsvene. Apo patinodaro, Baba Vekudenga vanozozarura kwatiri zvinhu zvatangatisingazive pamusoro pedu. Vanozojekesa nzira iri mberi uye vozarura maziso edu kuti tione matarenda edu asingazivikanwe uye zvichida asina kumbofungidzirwa.

Tikazvipira pachedu zvakawanda mukutsvaga utsvene nerufaro, kashoma kuti tizova panzira yekuzvikunguro. Tikavimba zvakanyanya nenyasha dzeMuponesi, tinozonyanyakunzwa kuti tiri munzira yatakarongerwa kuti tive naBaba vedu Vekudenga.

Dai Ndakaziva Ndakazvirega Ndichiva Munhu Anofara Zvakanyanya

Chimwe chikunguro cheavo vaiziva kuti vavakufa chingangova chinoshamisa. Vakati dai vakazvirega vachivavanhu vanofara zvakanyanya.

Nguva zhinji tinozviwana tiri mufungidziro yekuti kune chimwe chinhu chinongova mhiri kwatisingasvikire chinozokwanisa kutiunzira rufaro: mamiriro emhuri arinani, mamiriro ezvemari arinani, kana kupera kwechiedzo chiri kutitambudza.

Apo patinokura, ndipo patinonyanya kutarisa shure uye tichiona kuti mamiriro ekunze ezvinhu haana basa kana kuti haaziwo anoronga rufaro rwedu .

Isutakakosha .Isu tinozvirongera rufaro rwedu.

Iwe neni pekupedzisira tisu tinozvionera nezve rufaro rwedu pachedu.

Mudzimai wangu, Harriet, neni tinofarira kuchovha mabhasikoro edu. Zvinofadza kubuda kunze tichinakirwa nerunako rwezvisikwa. Tine dzimwe nzira dzatinoda kuchovha tichienda nadzo, asi hatitarise zvakanyanya kuti tinochovha kusvika kupi kana mamhanyisiro atinoita pakuchovha mukuenzanisa nevamwe vachovhi.

Zvisinei, nguva nenguva ndinofunga kuti tinofanirawo kuva tinokwikwidza. Ndinofunga zvakare kuti tinokwanisa kuchohva tichipedza nenguva irinani kana kuchovha tichikurumidza kana chete tikayedza zvakanyanya. Uye dzimwe nguva ndinoita chikanganiso chikuru chekutaura pfungwa iyi kumukadzi wangu akanakisa.

Mapinduriro ake kupfungwa dzangu dzerudzi urwu anogara aine nyasha zvikuru, akajeka zvikuru, uye akanyatsotwasanuka. Anonyemwerera uye oti, “Dieter, hausi mujawo; rwendo. Nakirwa nechinguva ichocho.”

Anotaura chokwadi chaizvo!

Dzimwe nguva muupenyu tinova takanangisisa pakupedza zvekuti tinotadza kuwana rufaro murwendo rwacho. Handiende kunochovha bhasikoro nemudzimai wangu nekuti ndine manyunyuku pamusoro pekupedza. Ndinoenda nekuti chiitiko chokuva naye chinonakidza uye nekufadza.

Hazviratidzike seupenzi here kukanganisa zviitiko zvinonakidza nekufadza nekuda kwekuti tinogara tichingotarisira chinguva chazvinopera?

Tinoteerera here mumhanzi wakanaka tichimirira noti yekupedzisira kuti ipere tisati tazvibvumira kufadzwa nawo pachokwadi? Kwete. Tinoteerera tichipinda mukusiyana-siyana kwechuni, mutinhimira, nekupindirana kwemanotsi mumumhanzi wese.

Tinoita here minamato yedu nezwi chete rekuti “ameni” kana kuti tiine mhedzisiro mupfungwa? Kwete hatidaro. Tinonamata kuti tive padyo naBaba vedu Vekudenga, Kuti tigashire Mweya Wavo nekuti tinzwe rudo Rwavo.

Hitifanire kumirira kufara kusvikira tasvika paneimwe nguva yepamberi, tichizoona kuti rufaro rwanga rwuripo—nguva dzose! Upenyu hauna kufanira kukosheswa tichitarisa chete zvekumashure. “Rino izuva rakaitwa naJehova … ,” akanyora munyori weMapisarema. “Ngatifare kwazvo tirifarire.”6

Mabhuratha nemasisita, zvisine nekuti mamairiro ezvinhu edu akaitasei, zvisinei nezvinetso kana zviedzo zvedu, pane chimwe chinhu muzuva rega rega chekutambira nekukoshesa. Mune chimwe chinhu muzuva rega rega chinokwanisa kuunza kutenda nerufaro kana chete tikachiona uye nekuchikoshesa.

Zvimwe takafanira kutarisa zvishoma nemaziso edu uye totarisa zvakanyanya nemwoyo yedu. Ndinofarira chitapwa chinoti: “Munhu anoona zvakajeka chete nemwoyo. Zvinhu zvose zvinokosha zvakavandika kumaziso.” 7

Tinorairwa kuti “tipe kutenda muzvinhu zvose.” 8 Saka hazvisi zvirinani here kuona nemaziso edu nemwoyo yedu zvinhu zvidiki zvatinokwanisakutenda nazvo, kunze kwekukudziridza zvakaipa mumamiriro ezvinhu edu iyezvino.

Ishe vakavimbisa kuti, “Uye uyo anogashira zvose zvinhu nokutenda acharopafadzwa; uye zvinhu zvepano pasi zvichawedzerwa kwaari, kunyangwe zvakapetwa kazana.” 9

Mabhuratha nemasisita, nemaropafadzo mazhinji aBaba vedu Vekudenga, nechirongwa Chavo cheRuponeso, nezvokwadi zvisingatsanangurike zvevhangeri rakadzorerwa, nerunako ruzhinji rwerwendo rwuno rwepasi, “hatina chikonzero chekufara here?”10

Ngatisarudzei kuva tinofara, zvisinei namamiriro edu ezvinhu.

Pamusoro peSarudzo Dzine Ushingi

Rimwezuva tichatora nhano iyoyo isingadzivirirwe toyambuka kubva munzvimbo ino yenyama tichienda munzvimbo inotevera. Rimwe zuva tichazotarisa kumashure paupenyu hwedu tofunga kana taikwanisa kuva tirinani, kuti dai takaita sarudzo dzirinani, kana kuti dai takashandisa nguva yedu zvirinani.

Kuti tidzivirire zvimwe zvezvikunguro zvakadzamisisa zveupenyu, zvingange zvakakosha kuita sarudzo nhasi. Naizvozvo, ngati:

  • Sarudzei kupedza nguva yakawanda neavo vatinoda.

  • Sarudzei kuedza zviri pachokwadi kuva munhu anodiwa naMwari kuti tive.

  • Sarudzei kutsvaga rufaro, zvisinei nemamiriro ezvinhu edu.

Uchapupu hwangu hwekuti zvikunguro zvakadzamisisa zvedu zvizhinji zvemangwana zvinokwanisa kudzivirirwa nekutevera Muponesi nhasi. Kana tiri takatadza kana kuti takaita zvikanganiso—kana takaita sarudzo idzo dzatava kukungura iyezvino—kune chipo chinokosha cheRudzikinuro rwaKristu, rwatinokwanisa kuregererwa kuburikidza narwo. Hatikwanise kudzokera shure panguva kunoshandura zvekare, asi tinokwanisa kutendeuka. Muponesi vanokwanisa kupukuta misodzi yedu yekunguro11vachibvisa mutoro wezvitadzo zvedu.12 Rudzikinuro Rwavo runotibvumira kuti tisiye zvekare kumashure uye tofambira mberi tiine maoko akachena, mwoyo mutsvene,13 neushingi hwekuita zvirinani uye kunyanya kuti tigova nani.

Hongu, upenyu huno huri kupfuura nekukurumidza; mazuva edu anotaridzika kunyangarika nekukurumidza; uye rufu rwunoratidzika serwunotyisa dzimwe nguva. Zvisinei, mweya wedu uchaenderera mberi nekurarama uye rimwe zuva uchabatanidzwa nemuviri wedu wakamutswa kuvakafa kuti ugamuchire kubwinya kusingapere. Ndinopa uchapupu hwechokwadi hwekuti nokuda kwaKristu ane nyasha, tose tichararama zvakare uye narini wose. Nokuda kweMuponesi neMununuri wedu, rimwe zuva tichanzwisisa zvechokwadi uye nokufara munezvinoreva mazwi anoti “uturu hwerufu hunomedzwa munaKristu.”14

Nzira inonanga kunozadzikisa magumo edu matsvene sevanakomana nevanasikana vaMwari ndeye kusingaperi. Vadiwa vangu mabhuratha nemasisita, vadiwa shamwari, tinofanira kutanga kufamba nzira yekusingaperi iyoyo nhasi; hatikwanise kusakoshesa kana zuva rimwechete zvaro. Ndinonamata kuti hatizomirira kusvikira patinenge tagadzirira kufa tisati tadzidza zvechokwadi kurarama. Muzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.