2010–2019
Nguva Dzose Rambai Muine Ruregerero rweZvivi Zvenyu
Kubvumbi 2016


Nguva Dzose Rambai Muine Ruregerero rweZvivi Zvenyu

Nesimba rinotsvenesa reMweya Mutsvene semufambidzani wedu wenguva dzose, tinokwanisa kuramba tiine ruregerero rwezvivi zvedu nguva dzose.

Ndevo yakadzama yakashandiswa naMambo Benjamini mudzidziso dzake pamusoro peMuponesi neRudzikinuro Rwake yanga iri musoro wenyaya unodzokororwa wekunzvera uye kufungisisa kwangu kwemakore mazhinji.

Mumharidzo yake inomutsidzira zvepamweya yeruoneko kuvanhu vaakanga ashandira uye vaaida, Mambo Benjamini akatsanangura kukosha kwekuziva kubwinya kwaMwari uye nekuravira rudo Rwavo, kwekugamuchira ruregerero rwezvivi, kwekurangarira nguva dzose hukuru hwaMwari, uye kwekunamata mazuva ose nekumira usingazungunuki murutendo.1 Akavimbisawo kuti nekuita zvinhu izvi, “muchafara nguva dzose, uye mugozadzwa norudo rwaMwari, uye mugoramba muine regerero rwezvivi zvenyu nguva dzose.2

Shoko rangu rakanangana nemusimboti wekuramba tiine ruregerero rwezvivi zvedu nguva dzose. Chokwadi chinotaurwa mundevo iyi chinokwanisa kusimbisa rutendo rwedu munaIshe Jesu Kristu uye nekudzamisa hudzidzi hwedu. Ndinonamata kuti Mweya Mutsvene unozokurudzira uye nekutisimudzira apo patinofunga pamwechete pamusoro pezvokwadi zvemweya zvakakosha.

Kuzvarwazve paMweya

Muupenyu hunofa tinowana kuzvarwa panyama uye nemukana wekuzvarwazve pamweya.3 Tinorairwa nevaporofita nevaapositora kuti timuke kuna Mwari,4 tova “tinozvarwa patsva,”5 uye tova zvisikwa zvitsva munaKristu6 kuburikidza nekugamuchira muupenyu hwedu maropafadzo akaitwa kuti akwanisike kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu. “Kodzero, uye ngoni, uye nenyasha dzaMesia Mutsvene”7 zvinokwanisa kutibatsira kukurira maitiro ekuzvifunga iwe chete uye ehundingoveni emunhu wenyama uye tigonyanya kuva vasina hundingoveni, vanetsitsi, uye vakarurama. Tinokurudzirwa kurarama zvakadaro kuti tigokwanisa “kumira tisina mavara pamberi [paIshe] pazuva rokupedzisira.”8

Mweya Mutsvene uye Zvisungo zveHupirisita

Muporofita Joseph Smith vakapfupisa zvakanyatsojeka basa rakakosha rezvisungo zvehupirisita muvhangeri raJesu Kristu vachiti: “Kuzvarwa patsva, kunouya neMweya waMwari kuburikidza nezvisungo.”9 Chirevo ichi chiri nyore kunzwisisa zvakajeka uye zvakazara chinosimbisa mabasa ose eMweya Mutsvene neezvisungo zvinoera muchinhano chekuzvarwazve pamweya.

Mweya Mutsvene inhengo yechitatu yeMusoro weHumwari. Munhu wemweya uye anopa uchapupu hwechokwadi chese. Mumagwaro matsvene, Mweya Mutsvene unotaurwa seMunyaradzi,10 mudzidzisi,11 uye muzaruri.12 Pamusoro pezvo, Mweya Mutsvene mutsvenesi13 uyo anoshanangura uye anopisa marara nehuipi kubva mumweya yevanhu sokunge nemoto.

Zvisungo zvitsvene zvakakosha zvikurusa muvhangeri reMuponesi uye muchinhano chekuuya kwaAri uye nekutsvaga kuzvarwazve pamweya. Zvisungo zviito zvinoera izvo zvine chinangwa chepamweya, ukoshi hwekusingaperi, uye zvinoenderana nemirau uye mitemo yakatarwa yaMwari.14 Zvisungo zvinoponesa zvose uye nechisungo chesakaramende zvinofanira kubvumirwa neuyo ane makiyi ehupirisita anodikanwa.

Zvisungo zveruponeso nezvekusimudzirwa kumusoro-soro zvinoitwa muChechi yakadzorerwa yaIshe zvikurusa kupfuura kungova tsika dzinotevedzwa kana zviito zvekufananidzira. Asi, zvinosanganisira nzira dzakabvumirwa idzo kuburikidza nemadziri maropafadzo nemasimba edenga maanokwanisa kuuya muupenyu hwedu pachedu

“Uye hupirisita hukurusa uhu hunotungamira vhangeri uye hune kiyi yezvakavanzika zveumambo, kunyangwe kiyi yeruzivo rwaMwari.

“Naizvozvo, muzvisungo zvahwo, simba rehumwari rinoratidzwa.

“Uye pasina zvisungo zvahwo, uye mvumo yehupirisita, simba rehumwari harizarurwe kuvanhu munyama.”15

Zvisungo zvinogamuchirwa uye nokukudzwa nerutendeko chikamu chinodikanwa chekuwana simba rehumwari uye namaropafadzo ose anowanikwa kuburikidza nerudzikinuro rweMuponesi.

Kuwana uye Kuramba Tiine Ruregerero rweZvivi kuburikidza neZvisungo

Kuti tinzwisise zvakanyanya kuzara chinhano icho kuburikidza nacho tingagona kuwana uye kuramba tiine ruregerero rwezvivi zvedu, tinofanira kutanga kunzwisisa hukama husingaparadzaniswi pakati pezvisungo zvitatu zvinoera zvinopa mukana wekuwana masimba edenga: rubhabhatidzo nekunyudzwa zvakazara, kuiswa maoko pamusoro kuitira chipo cheMweya Mutsvene, uye nesakaramende.

Rubhabhatidzo nekunyudzwa zvakazara kuitira ruregerero rwezvivi “ndicho chisungo chekutanga chevhangeri”16 raJesu Kristu uye rwunofanira kutungamirwa nerutendo muMuponesi uye nerutendeuko rwemwoyo wose. Chisungo ichi “chiratidzo uye murairo uyo wakadzikwa naMwari kuitira kuti [vana Vavo] vapinde muumambo Hwavo.”17 Rubhabhatidzo rwunoitwa mumvumo yeHupirisita hwaAroni. Muchinhano chekuuya kuMuponesi uye kuzvarwazve pamweya, rubhabhatidzo runopa kushanangurwa kwekutanga kunodikanwa kwemweya wedu kubva kuchivi.

Chibvumirano cherubhabhatidzo chinosanganisira zvitsidzo zvitatu zvakakosha: (1) kuda kutora patiri zita raJesu Kristu, (2) kuMurangarira nguva dzose, uye (3) kuchengeta mirairo Yake. Ropafadzo rakavimbiswa rekukudza chibvumirano ichi “nderekuti [isu] tigova neMweya wake kuti uve [nesu] nguva dzose.”18 Nokudaro, rubhabhatidzo igadziriro yakakosha yekugamuchira mukana wakabvumirwa wehufambidzani hwenguva dzose hwenhengo yechitatu yeMusoro weHumwari.

“Rubhabhatidzo [kuburikidza] nemvura … runofanira kuteverwa nerubhabhatidzo rweMweya nokuti zvikasadaro runenge rusina kuzara.”19 Sekudzidzisa kwakaita Muponesi Nikodimo, “Kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya haangagoni kupinda muushe hwaMwari.”20

Zvirevo zvitatu zvakataurwa neMuporofita Joseph Smith zvinosimbisa rubatano rwakakosha pakati pezvisungo zverubhabhatidzo nekunyudzwa kwakazara kuitira regerero rwezvivi uye nekuiswa maoko pamusoro kuitira chipo cheMweya Mutsvene.

Chirevo chekutanga: “Rubhabhatidzo chisungo chitsvene mugadziriro yegamuchiro yeMweya Mutsvene; ndiyo nzira uye kiyi iyo kuburikidza nayo Mweya Mutsvene unozokumikidzwa.”21

Chirevo chechipiri: “Zvingangofanana nokubhabhatidza saga rejecha semunhu, kana zvikasaitwa nokuda kweruregerero rwezvivi uye nekuwanikwa kweMweya Mutsvene. Rubhabhatidzo nemvura runongova chete hafu yerubhabhatidzo, uye haruna charwakanakira kana pasina imwe hafu yacho—urwo rwunova, rubhabhatidzo rweMweya Mutsvene.”22

Chirevo Chechitatu: “Rubhabhatidzo rwemvura, pasina rubhabhatidzo rwomoto uye neMweya Mutsvene uripo, harubatsiri. Zvinodikanwa uye zvakabatana zvisingapatsanurwe.”23

Rubatanidzwo rwusingashanduki pakati pemusimboti werutendeuko, zvisungo zverubhabhatidzo uye kugamuchira chipo cheMweya Mutsvene, uye neropafadzo rinoshamisa reruregerero rwezvivi, runodzokororwa kusimbiswa mumagwaro matsvene.

Nifai akazivisa kuti: “Nokuti musuo wamunofanira kupinda nawo rutendeuko uye norubhabhatidzo nemvura; uye zvino kozouya ruregerero rwezvivi zvenyu nomoto uye noMweya Mutsvene.24

Muponesi Iye pachake akaparidza kuti, “Zvino uyu ndiwo murairo: Tendeukai, mose imi mativi ose enyika, uye muuye kwandiri mugobhabhatidzwa muzita rangu, kuti mugova munotsveneswa kuburikidza nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuti mugomira musina mavara pamberi pangu pazuva rokupedzisira.25

Kuiswa maoko pamusoro kuitira chipo cheMweya Mutsvene chisungo chinoitwa mumvumo yeHupirisita hwaMerkizedeki. Muchinhano chekuuya kuMuponesi nekuzvarwazve pamweya, kugamuchira simba rinotsvenesa reMweya Mutsvene muupenyu hwedu kunounza kwaniso yeshananguro inoenderera mberi yemweya wedu kubva kuchivi. Ropafadzo rinofadza iri rakakosha nokuti “hakuna chinhu chisina kuchena chinokwanisa kugara naMwari.”26

Senhengo dzeChechi yakadzorerwa yaIshe, tinoropafadzwa zvose nekushanangurwa kwedu kwekutanga kubva kuchivi kunoenderana nerubhabhatidzo uye nekwaniso yekushanangurwa kwezvivi kunoenderera mberi kwaitwa kuti kukwanisike kuburikidza nehufambidzani uye nesimba reMweya Mutsvene—uyo uri nhengo yechitatu yeMusoro weHumwari.

Funga pamusoro pemavimbiro anoita murimi pamutoo usingashanduki wekudyara nekukohwa. Kunzwisisa rubatano rwuri pakati pekudyara nekukohwa ndiko kunobva chinangwa chisingashanduki uye kunotungamira zviito nesarudzo zvinoitwa nemurimi mumwaka yese yegore. Nenzira imwecheteyo, rubatano rusingaparadzaniswi pakati pezvisungo zverubhabhatidzo nekunyikwa zvakazara kuitira ruregerero rwezvivi uye nekuiswa maoko pamusoro kuitira chipo cheMweya Mutsvene zvinofanira kushandura chikamu chose cheudzidzi hwedu mumwaka yose yeupenyu hwedu.

Sakaramende chisungo chechitatu chinodikanwa kuti tiwane mukana wesimba rehumwari. Kuitira kuti tizvichengete zvakanyanya kuzara tisina mavara kubva munyika, tinorairwa kuti tiende kuimba yemunamato uye tonopa sakaramende dzedu pazuva dzvene raIshe.27 Ndapota fungai pamusoro pekuti zviratidzo zvemuviri neropa zvaIshe, chingwa nemvura, zvose zvakaropafadzwa uye zvakatsveneswa. “Mwari Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nekutsvenesa chingwa ichi [kana mvura iyi] kumweya yeavo vose vanochidya [kana vanoinwa].”28 Kururamisa ndiko kuchenesa uye kutsvenesa. Zviratidzo zvesakaramende zvinoruramiswa mukurangarira ururami hwaKristu, nekuvimba kwedu kwakazara paRudzikinuro Rwake, uye nebasa redu rekukudza zvimwechetezvo zvisungo uye nezvibvumirano zvedu kuti tikwanise “kumira tisina mavara pamberi [Pake] pazuva rokupedzisira.”29

Chisungo chesakaramende kukokwa kutsvene uye kunodzokororwa kwekuti titendeuke nemwoyo wose uye tivandudzwe pamweya. Chiito chekutora sakaramende, chega pachacho, hachibvisi zvivi. Asi apo patinogadzirira tichiziva uye tichitora chinhano muchisungo chitsvene ichi nemwoyo wakatyoka uye mweya wakazvirereka, zvino chivimbiso ndechekuti tigova nguva dzose neMweya waIshe kuti uve nesu. Uye nesimba rinotsvenesa reMweya Mutsvene semufambidzani wedu wenguva dzose, tinokwanisa nguva dzose kuramba tiine ruregerero rwezvivi zvedu.

Tinoropafadzwa zvechokwadi svondo rega rega nemukana wekuongorora upenyu hwedu kuburikidza nechisungo chesakaramende, kuvandudza zvibvumirano zvedu, uye nekugamuchira chivimbiso chechibvumirano ichi.30

Kubhabhatidzwa Zvakare

Dzimwe nguva Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vanotaura chishuwo chekuti dai vakwanisa kubhabhatidzwa zvakare—uye nokudaro vova vakachena uye vakakodzera sepazuva iro ravakagamuchira chisungo chevhangeri chinoponesa chekutanga chavo. Ndingapa here neruremekedzo pfungwa yekuti Baba vedu Vokudenga neMwanakomana Wavo Anodiwa havatarisire kuti isu tinzwe manzwiro akadai ekuvandudzwa, kumutsidzirwa, uye kudzorerwa pamweya kamwechete chete muupenyu hwedu. Maropafadzo ekuwana uye nokuramba tiine ruregerero rwezvivi zvedu nguva dzose kuburikidza nezvisungo zvevhangeri anotibatsira kunzwisisa kuti rubhabhatidzo ndiyo nzvimbo yokutangira murwendo rwedu rwenyama rwepamweya; harusi mhedzisiro yatinofanira kushuvira kushanyirazve nguva zhinji.

Zvisungo zverubhabhatidzo kuburikidza nekunyudzwa zvakazara, kuiswa maoko pamusoro kuitira chipo cheMweya Mutsvene, uye nesakaramende hazvisi zviitiko zvakamira zviri zvega uye zvakaparadzana; asi zvikamu, mumutoo unoenderana uye unowedzera kufambira mberi kunoshandisa rurunuro. Chisungo chega chega chinozotevera chinokwidziridza uye chinokudza chinangwa chepamweya chedu, chishuwo chedu, uye nezviito zvedu zvepamweya. Chirongwa chaBaba, Rudzikinuro rweMuponesi, nezvisungo zvevhangeri zvinopa nyasha dzatinoda kuti tisaidzire mberi uye tifambire mberi mutsetse nemutsetse uye chirevo nechirevo takananga kumugumisiro wedu wekusingaperi.

Vimbiso uye Uchapupu

Tiri vanhu vasina kururama vari kuedza kurarama muupenyu hunofa maererano nechirongwa chakarurama chaBaba Vokudenga chekufambira mberi nekusingaperi. Zvidikanwi zvechirongwa Chavo zvinoshamisa, zvine tsitsi, uye zvinotevedzwa nemazvo. Tinogona pane dzimwe nguva kuzadzwa neushingi uye pane dzimwe nguva tonzwa setisingakodzeri zvachose. Tinogona kushamisika kana pane zvepamweya tichizombokwanisa kuzadzikisa murairo wekumira tisina mavara pamberi paVo pazuva rekupedzisira.

Nerubatsiro rwaIshe uye kuburikidza nesimba reMweya Wavo “[kuti] dzidzisa zvinhu zvose,”31 zvirokwazvo tinokwanisa kuropafadzwa kuti tizive kwaniso dzepamweya dzedu. Zvisungo zvinokoka chinangwa chepamweya nesimba repamweya muupenyu hwedu apo patinoedza kuzvarwa patsva uye tova varume nemadzimai vaKristu.32 Utera hwedu hunokwanisa kusimbiswa, uye miganhu yedu inokwanisa kukurirwa.

Kunyangwe zvazvo pasina mumwe wedu anokwanisa kuwana ururami muupenyu huno, tinokwanisa kunyanya kuva takakodzera uye tisina mavara apo “patinoshanangurwa neropa reGwayana.”33 Ndinovimbisa uye nekupupura kuti tinozoropafadzwa nerutendo rwakawedzerwa muMuponesi uye nevimbiso hurusa yepamweya apo patinotsvaga kuramba tiine ruregerero rwezvivi zvedu nguva dzose uye, pakupedzisira, tigomira tisina mavara pamberi paIshe pazuva rekupedzisira. Ndinopupura kudaro muzita rinoera raJesu Kristu, ameni.