2018
Apo Patinofambira Mberi Pamwechete
Kubvumbi 2018


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kubvumbi 2018

Apo Patinofambira Mberi Pamwechete

Mabhuratha nemasisita anodikanwa, ndinoninipiswa kuva nemi mangwanani ano. Mazuva mana apfuura ayo takaviga murume mukurusa, muporofita waMwari—Mutungamiri Thomas S. Monson. Hakuna mashoko anokwanisa kutsanangura zvakakwana hukuru nehunaki hwehupenyu hwavo. Ndichakudza kusvika narinhi hushamwari hwedu nekuvonga izvo zvavakandidzidzisa. Zvino tinofanira kutarisa mberi kune ramangwana nerutendo rwakazara muna Ishe wedu Jesu Kristu, uyo anova muridzi weChechi ino.

Mazuva maviri apfuura ayo Vaapositora vose vapenyu vakasangana mumupanda wepamusoro weTemberi yeSalt Lake. Imomo vakaita sarudzo yavakawirirana vose, chokutanga, kuronga pakare Hutungamiri Hwekutanga iyezvino uye, chechipiri, kuti ndishande seMutungamiri weChechi. Mashoko haakwanisi kutsanangura zvakakwana kwamuri manzwiro andakaita apo Mabhuradha angu—Mabhuradha vane makiyi ose ehupirisita ayo akadzorerwa neMuporofita Joseph Smith mumukuwo uno—pavakaisa maoko avo pamusoro wangu kundigadza nokunditsaura seMutungamiri weChechi. Chakanga chiri chiitiko chinoera uye chinoninipisa.

Zvino rakabva rava basa rangu kuziva avo Ishe vavakanga vagadzirira kuti vave vatevedzeri vangu. Ndaizokwanisa seiko kusarudza vaviri chete kubva kuVaapositora Gumi neVaviri, avo mumwe nemumwe wavo wandinoda zvikurusa? Ndinovonga zvikuru kuna Ishe nokupindura minamato yangu yemwoyo wose. Ndinotenda zvikuru kuti Mutungamiri Dallin Harris Oaks naMutungamiri Henry Bennion Eyring vane chido chokushandira neni seVatevedzeri vangu, Mutungamiri Oaks seMutevedzeri Wokutanga uye Mutungamiri Eyring seMutevedziri weChipiri. Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf vakadzokera kuchinzvimbo chavo muChikwata cheVaapostori vaneGumi neVaviri. Vakatotambira mabasa makuru chaizvo ayo avane ruzivo neunyanzvi maari rusina vamwe.

Ndinopa kutenda nerukudzo kwavari uye kuna Mutungamiri Eyring nekushandira kwavo kwakanakisisa kwavakaita savatevedzeri kuna Mutungamiri Monson. Vakanga vachikwanisa zvikuru, vakazvipira zvakazara, uye vaine femero yakazara. Tinovonga zvikuru kwavari. Mumwe nemumwe wavo anechido chokushandira iyezvino uko kwavanenge vachinyanya kudikanwa

SeMuapositora wechipiri muhukuru, Mutungamiri Oaks vanobva vavawo Mutungamiri wechikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri. Zvisinei, nokuda kwekudaidzwa kwavo kuHutungamiri Hwekutanga uye nokutevedzera hurongwa hweChechi, Mutungamiri M. Russel Ballard, avo vanotevera muhukuru, vachashandira seMutungamiri akasanobata chinzvimbo wechikwata ichocho. Hutungamiri Hwokutanga huchashanda pamwechete neVane Gumi neVaviri kuti vazive chido chaIshe uye vafambise mberi basa rinoera Ravo.

Tinokutendai neminamato yenyu. Yakapihwa panyika pose kuitira isu. Pamangwanani mushure mokushaya kwaMutungamiri Monson, mumwe weminamato iyi wakapuwa nekamukomana kanamakore mana kanonzi Benson. Ndinotapa zvidimbu kubva kutsamba yaamai vake iyo yakanyorerwa mudzimai wangu, Wendy. Benson akanamata, “Baba Vokudenga, ndinokutendai kuti Mutungamiri Thomas S. Monson vanokwanisa kuona mudzimai wavo zvakare. Ndinokutendai nemuporofita wedu mutsva. Mubatsirei kuti ave akashinga uye asatya nokuda kokuti mutsva. Mubatsirei kuti akure kuva akagwinya uye akasimba. Mubatsirei kuti ave nesimba nokuti ane hupirisita. Uye tibatsirei kuti tive vakanaka nguva dzose.”

Ndinotenda Mwari nevana vakaita seuyu uye nevabereki vanokoshesa kuzvipira kwavo kuhubereki hweururami, hunechinangwa—nemubereki wose, mudzidzisi wose, uye nenhengo yose avo vanotakura mitoro inorema asi vanoshandira nechido chikuru. Nemamwe mashoko, kune mumwe nemumwe wenyu, ndinovonga nokuzvininipisa kukuru.

Ishe Vari paChigaro Chokutonga.

Apo patinofambira mberi pamwechete, ndinokukokai kuti mufunge pamusoro penzira yakanakisisa iyo Ishe yavanotonga nayo Chechi Yavo. Apo Mutungamiri weChechi paanoshaya, hakuna zvakavandika pamusoro pokuti ndiani anozodaidzwa kushandira muchinzvimbo ichocho. Hapana zvokutsvaga mavhoti, hapana kuzvishambadza kunoitwa, asi chete kushanda zvinyerere kwechironga cheumwari cheutevedzano, icho chakamiswa naIshe paChavo.

Zuva rega rega rekushandira kweMuapositora izuva rokudzidza nokugadzirira mamwe mabasa akawanda muneramangwana. Zvinotora makumi emakore ekushandira kuti Muapositora azobva pachigaro cheudiki kuenda kuchigaro cheukuru muchikwata. Panguva iyoyo, anowana zviitiko zvake pachake muchikamu choga choga chebasa reChechi. Anovawo anonyatsoziva vanhu vepanyika, kusanganisira nhoroondo dzavo, tsika dzavo, nemitauro yavo apo mabasa paanomuendesa kakawanda kwese kwese panyika. Nzira iyi yeutevedzano muhutungamiri hweChechi haiwanikwi kumwe kwese. Handizivi imwe yakafanana nayo. Izvi hazvifaniri kutishamisa, nokuti ino iChechi yaIshe. Havashandi maererano nenzira yavanhu.

Ndakashandira muChikwata cheVane Gumi naVaviri pasi peVatungamiri veChechi vakapfuura vashanu. Ndakacherechedza umwe neumwe weVatungamiri ava achitambira zvakazarurwa uye achiita sokuraira kwezvakazarurwa izvozvo. Ishe vakagara uye vachagara vachiraira nokufemera vaporofita Vavo. Ishe vari paChigaro Chokutonga. Isu takagadzwa kuti tipupure nezve zita Ravo dzvene panyika pose ticharamba tichitsvaka kuziva chido Chavo nokuchitevera.

Rambai muri paNzira yeChibvumirano

Zvino, kunhengo yega yega yeChechi ndinoti, rambai muri panzira yechibvumirano. Kuzvipira kwenyu kutevera Muponesi kuburikidza nokuita zvibvumirano Naye uye nokuzochengeta zvibvumirano izvozvo kunozovhura musuwo kuropafadzo nomukana wezvemweya wose unowanikwa kuvarume, vakadzi, nevana kwese kwese.

SeVatungamiri vatsva, tinoda kutanga nevavariro yekumagumo mupfungwa dzedu. Nokuda kwechikonzero ichi, tirikutaura kwamuri nhasi kubva mutemberi. Magumo ayo mumwe nemumwe wedu aanoshingirira kuwana ndeekuropafadzwa nesimba muimba yaIshe, kusunganidzwa semhuri, kutendeka kuzvibvumirano zvakaitwa mutemberi izvo zvinotikodzeresa kuwana chipo chikurusa chaMwari—icho cheupenyu hwekusingaperi. Zvisungo zvemutemberi nezvibvumirano zvamunoita imomo zvakakosha zvikuru mukusimbisa upenyu hwenyu, muchato nemhuri yenyu, uye nekwaniso yenyu yokukunda kurwisa kwemuvengi. Kunamata kwenyu mutemberi uye kushandira kwenyu imomo makamirira madziteteguru enyu kunozokuropafadzai nezvakazarurwa zvakawedzerwa zvenyu pachenyu nerunyararo rwakawedzerwa uye kunozosimbisa kuzvipira kwenyu kuramba muri panzira yechibvumirano.

Zvino, kana makatsauka kubva munzira, ndinoda kukukokai netarisiro yose mumoyo mangu kuti ndapota dzokai. Zvingava zvii zvazvo zvinokutambudzai, zvingava zvipi zvazvo zvinetso zvenyu, kune nzvimbo yenyu muno, muChechi yaIshe. Imi nezvizvarwa zvenyu izvo zvisati zvazvarwa munozoropafadzwa nokuda kwezvamunoita iyezvino zvokudzoka kunzira yechibvumirano. Baba vedu vari Kudenga vanoda zvikuru vana Vavo, uye vanoda kuti mumwe nemumwe wedu adzokere kumusha kwaVari. Ichi ndicho chinangwa chikurusa cheChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira—kubatsira mumwe nemumwe wedu kudzoka kumusha.

Ndinotaura rudo rwangu rwakadzama kwamuri—rudo rwakakura nemumakumi emakore okusangana nemi, kunamata nemi, nokukushandirai. Rairo yedu yehumwari ndeye kuenda kunyika dzose, marudzi ose, ndimi dzose, nekuvanhu vose, tichibatsira kugadzirira nyika kuKuuya kweChipiri kwaIshe. Izvi tinonozviita nerutendo muna Ishe Jesu Kristu tichiziva kuti ndiye Anotungamirira. Iri ibasa Rake uye iChechi Yake. Tiri varanda Vake.

Ndinotaura pachena kuzvipira kwangu kuna Baba vedu Vekusingaperi nekuMwanakomana Wavo, Jesu Kristu. NdinoVaziva, ndinoVada, uye ndinovimbisa kuVashandira Ivo—uye nemi—nemweya wose wasara weupenyu hwangu. Nemuzita rinoyera raJesu Kristu, amen.