2018
Shumira muMutsa
Chikunguru 2018


Mufananidzo
Ministering

Misimboti yeKushumira, Chikunguru 2018

Shumira muMutsa

Apo paunotevera muenzaniso weMuponesi wemutsa, unozoona kuti unokwanisa kuita mutsauko muupenyu hwevamwe.

Mutsa kuva neruzivo rwedambudziko revamwe pamwe nechido chekurirerutsa kana kuderedza. Chibvumirano chekutevera Muponesi chibvumirano chemutsa “wekutakurirana mitoro” (Mosaya 18:8). Basa rekutaririra vamwe mukana wekushumira semaitiro azvingaitwa naIshe: “nemutsa, muchiita mutsauko” (Judasi 1:22). Ishe vakaraira vachiti, “Ratidzai ngoni nemutsa munhu wese kuhama yake” (Zekaria 7:9).

Mutsa weMuponesi

Mutsa ndiwo wakanga uri simba raikurudzira muushumiri hweMuponesi (ona zviri parutivi: “Muponesi Ane Mutsa”). Mutsa Wake kune vamwe Vake wakamukonzera kushumira kune avo vakamukomberedza panguva dzisingaverengeke. Nokuza zvidikanwi nezvido zvevanhu, Aikwanisa kuvaropafadza nekuvadzidzisa munzira dzaikosha zvikuru kwavari. Chido cheMuponesi chekutisimudza pamusoro pematambudziko edu chakatungamirira kuchiito chikuru zvikuru chemutsa: Rudzikinuro Rwake rwezvivi nekutambudzika kwevanhu.

Kwaniso Yake yekudaira kuzvidikanwi zvevanhu chimwe chinhu chatinokwanisa kuedza kuita apo patinenge tichishandira. Apo patinorarama nekururama uye tichiteerera kukurudziro dzeMweya, tinozokurudzirwa kushumira nenzira dzakakosha.

Chibvumirano Chedu cheMutsa

Baba Vekudenga vanoda kuti vana Vavo vave nemutsa ( ona 1 VaKorinte 12:25–27). Kuti tive vadzidzi vechokwadi, tinofanira kukudziridza uye kuratidza mutsa kune vamwe, kunyanya kune avo vanoshaya(D&C 52:40).

Kutora patiri zita raJesu Kristu kuburikidza nechibvumirano chedu cherubhabhatidzo, tinopupura kuti tinoda kuratidza mutsa. Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwekutanga, vakadzidzisa kuti chipo cheMweya Mutsvene chinotibatsira kuti tiite izvozvo: “Uri nhengo yechibvumirano yeChechi yaJesu Kristu. …

“Ndokusaka uine manzwiro ekuda kubatsira munhu arikunetseka kuti afambire mberi achinzwa kuremerwa nerusuwo nedambudziko. Wakavimbisa kuti unozobatsira Ishe kuti vaite kuti mitoro yavo ireruke uye vave vanonyaradzwa. Wakapihwa simba rekubatsira kurerutsa mitoro iyoyo apo pawakagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.”1

Semuenzaniso, Mumwe sisita muRussia aive nemamiririro ezvinhu emhuri anonetsa akamutadzisa kuenda kuchechi kwenguva inopfuura gore. Mumwe sisita mubazi imomo akamushumira nemutsa musi weSvondo wega wega nekumuridzira runhare achimutaurira pamusoro penhaurwa, zvidzidzo, daidzo dzeushumiri, vana vakazvarwa, uye dzimwe nhau dzebazi. Apo pakagadziriswa mamiriro ezvinhu emhuri asisita uyu akanga asingakwanise kubva pamba, akanzwa sekunge akanga achiri chikamu chebazi nekuda kwenhare dzesvondo rega rega dzaibva kushamwari yake.

Chinyorwa

  1. Henry B. Eyring, “The Comforter,” Liahona, Chivabvu 2015, 18.