Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 100


Chikamu 100

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, naSidney Rigdon, paPerrysburg, New York, 12 Gumiguru 1833 (History of the Church, 1:416, 419–421). Hama idzi mbiri dzainge dzava nemazuva akati kuti vasiri pane mhuri dzavo.

1–4, Joseph naSidney vachaparidza vhangeri rekuponeswa kwemweya; 5–8, Zvichapihwa kwavari panguva iyoyo zvavanofanira kutaura; 9–12, Sidney achave mutauri uye Joseph achave muzaruri ari mukuru muhupupuri; 13–17, Ishe vachamutsa vanhu vakachena, uye vanoteerera vachaponeswa.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwamuri, shamwari dzangu aSidney bnaJoseph, mhuri dzenyu dziri zvakanaka; dziri mumaoko angu, ndichaita navo izvo zvandinoona zvakandinakira; nokuti mandiri mune simba rose.

2 Naizvozvo, nditeverei, muteerere mirairo yandichapa kwamuri.

3 Tarisai muone, ndine vanhu vakawanda munzvimbo ino mumatunhu akatenderedza, kuchazarurwa musiwo chaiwo mumatunhu akatenderedza munyika ino iri nechekumabvazuva.

4 Naizvozvo, ini Ishe, ndakakubvumirai kuti muuye munzvimbo ino, nokuti zvakanga zvakafanira kwandiri akuitira kuponeswa kwemweya.

5 Naizvozvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, simudzai mazwi enyu kuvanhu ava; ataurai pfungwa dzandichaisa mumwoyo menyu, uye hamuzonyadziswa pamberi pevanhu.

6 Nokuti azvichapihwa kwamuri munguva iyoyo, hongu muchinguva ichocho, zvamuchataura.

7 Asi ndinokupai murairo, kuti muchataura chose chirichipi chinhu achamunotaura muzita rangu, mukuyera kwemwoyo, mumweya bwekuzvininipisa, muzvinhu zvose.

8 Uye ndinopa kwamuri chivimbiso ichi, kuti kana muri munenge muchiita izvi Mweya aMutsvene uchadirwa mukupupura zvinhu zvose zvazvo zvamuchataura.

9 Uye zvakafanira mandiri kuti iwe, muranda wangu Sidney, unofanira kuve amutauri kuvanhu ava; hongu, zvirokwazvo, ndichakugadza kubasa iri, kunyangwe kuve mutauri wemuranda wangu Joseph.

10 Uye ndichamupa simba rekuve akasimba amukupupura.

11 Uye ndichapa kwauri simba rekuti uve awakasimba mukutsanangura ose magwaro matsvene, kuti uve mutauri kwaari, iye achave bmuzaruri kwauri, kuti uzive chokwadi chezvinhu zvose zviri maererano nezvinhu zveumambo hwangu pano pasi.

12 Naizvozvo, endai mberi nerwendo rwenyu uye murege mwoyo yenyu ifare, nokuti tarisai, uye muone, ndinemi kunyangwe kusvika kumagumo.

13 Uye zvino ndavekukupai shoko anezveZioni. Zioni bichanunurwa, kunyangwe dai icharangwa kwemwaka mupfupi.

14 Hama dzenyu, varanda vangu Orson aHyde naJohn Gould, vari mumaoko angu; uye sekugara kwavanoita vachichengeta mirairo yangu vachaponeswa.

15 Naizvozvo mwoyo yenyu ngainyaradzwe; nokuti azvose zvinhu zvichashanda pamwechete kunakira avo vanofamba zvakarurama, uye mukutsvindiswa kwechechi.

16 Nokuti ndichazvimutsira vanhu avakachena, avo vachandishandira mukururama;

17 Uye avo vose avanodaidza zita raIshe, vachichengeta mirairo yavo, vachaponeswa. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.