Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 101


Chikamu 101

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio 16 Zvita 1833 (History of the Church, 1:458–464). Panguva iyi Vatendi vakanga vaungana muMissouri vakanga vachitambudzwa zvikuru. Mhomho dzakanga dzavabvisa mudzimba dzavo muRuwa rweJackson; uye vamwe veVatendi vakanga vayedza kunogara kuRuwa rweVan Buren, asi kutambudzwa kwakavatevera. Chikwata chikuru cheVatendi chakanga panguva iyoyo chiri muRuwa rweClay, Missouri. Kutyisidzirwa nerufu kwevanhu veChechi kwakanga kwakawanda. Vanhu vakanga varasikirwa nemidziyo yemumba, zvipfeko, zvipfuwo, nezvimwewo zvinhu zvavo; uye zhinji dzembeu dzavo dzakanga dzaparadzwa.

1–8, Vatendi vanorangwa nokutambudzwa pamusoro pekutadza kwavo; 9–15, Kugumbuka kwaIshe kuchawira pamusoro pemarudzi, asi vanhu vavo vachaunganidzwa vagonyaradzwa; 16–21, Zioni nehoko dzayo zvichamiswa; 22–31, Mararamiro eupenyu munguva yeMereniamu anotsanangurwa; 32–42, Vatendi vacharopafadzwa nokupihwa mubairo ipapo; 43–62, Rungano rwemufananidzo wemurume anokudzwa uye nemiti yemiorivhi, zvinoratidza matambudziko nekuzonunurwa kweZioni; 63–75, Vatendi vanofanira kuramba vachiungana pamwechete; 76–80, Ishe vakamisa bumbiro remitemo yeUnited States; 81–101, Vatendi vanofanira kukumbira kuti zvichemo zvavo zvigadzirwe, maererano nerungano rwemufananidzo wemudzimai nemutongi akanga asingatonge zvakanaka.

1 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamusoro pehama dzenyu dzakatambudzwa, uye adzikashungurudzwa, uye bdzikabviswa munyika yenhaka yadzo—

2 Ini Ishe, ndakabvumira akutambudzwa uku kuti kuuye pavari, uko kwakava kutambudzwa nechikonzero bchekutadza kwavo;

3 Asi ndichavatora, uye vachave avangu muzuva iro randichauya kuzounganidza zvinokosha zvishongo zvangu.

4 Naizvozvo, vanofanira kuti avarangwe uye nokuyedzwa, kunyangwe bsaAbrahama, uyo akaudzwa kuti apire mwanakomana wake mumwechete.

5 Nokuti avo vose vasingagone kushingirira kurangwa, asi avachindiramba, bhavangatsveneswe.

6 Tarisai ndinoti kwamuri, kwaive anokupesana, uye negakava, uye bnokuchiva, uye nekunetsana, uye nemwoyo yehutsvina cneruchiva pakati pavo; nokudaro nezvinhu izvi vakasvibisa nhaka yavo.

7 Vainonoka akunzwa izwi raIshe Mwari vavo; nokudaro, Ishe Mwari vavo vanononoka kunzwa minamato yavo, kuvapindura muzuva redambudziko ravo.

8 Muzuva rerunyararo rwavo havana kukoshesa kuraira kwangu; asi muzuva aredambudziko ravo, pamusana penhamo bvanonditsvaga.

9 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana nezvitadzo zvavo, ura hwangu hwakazadzwa anetsitsi kwavari, bhandizovarasa chose; uye muzuva crehasha ndichavarangarira netsitsi.

10 Ndapika, uye chisungo chikaenda nemumwe murairo uyo wandakapa kwamuri, kuti ndiregerere amunondo wekugumbuka kwangu ndakamirira vanhu vangu; uye kunyangwe sezvandakataura, zvichaitika.

11 Kugumbuka kwangu kuri pedyo nekuzodirwa zvisina mwero pamarudzi ose; izvi ndichazviita kana mukombe wekutadza kwavo awazara.

12 Uye muzuva iroro vose vanowanikwa vari apanharire, kana kuti nemamwe mazwi, yose Israeri yangu ichaponeswa.

13 Uye vose vakanga vakapararira avachaunganidzwa.

14 Uye avo vose avakachema vachanyaradzwa.

15 Uye vose vakapa aupenyu hwavo pamusana pezita rangu vachapfekedzwa korona.

16 Naizvozvo, regai mwoyo yenyu inyaradzwe pamusoro peZioni, nokuti yose nyama iri amumaoko angu; nyararai uye bmuzive kuti ndini Mwari.

17 aZioni haizobviswa panzvimbo payo, kana dai zvazvo vana vayo vakapararira.

18 Avo vanosara, uye vari vakachena mumwoyo, vachadzoka, uye vouya akunhaka yavo, ivo nevana vavo, bnenziyo dzerufaro rwusingaperi, ckuzovaka matongo eZioni—

19 Uye zvose zvinhu izvi kuti vaporofita vazadzikiswe.

20 Uye, tarisai hakuna imwe anzvimbo yakadomwa kunze kweiyo yandakadoma; kana kuti pachazove neimwe nzvimbo yakadomwa kunze kweiyo yandadoma, mubasa rekuunganidza vatendi vangu—

21 Kudakara zuva rauya apo pachashaikwa nzvimbo yavo; uye zvino ndine dzimwe nzvimbo dzandidoma kwavari, uye dzichanzi ahoko, kuitira kudzivirira simba reZioni.

22 Tarisai, chido changu, kuti vose avo vanodaidza zita rangu, nokundinamata maererano nevhangeri rangu risingaperi, vanofanira akuungana pamwechete, bnokumira munzvimbo tsvene;

23 Uye gadzirirai zvakazarurwa zviri kuuya, apo achidzitiro chinofukidza mutemberi mutabernakeri yangu, icho chinoviga nyika, chichabviswa, uye yose nyama bichandiona pamwechete.

24 Uye chose chinhu achinoora, chemunhu, kana chemhuka dzesango, kana cheshiri dzematenga, kana chehove dzegungwa, icho chinogara pamusoro penyika, bchichaparadzwa.

25 Kana izvowo zvechiumbiso, azvichanyungudika nekupisa kukuru; uye zvose zvinhu bzvichavezvitsva, kuti ruzivo cnokubwinya kwangu kugare pamusoro penyika yose.

26 Uye muzuva iroro aruvengo rwemunhu, neruvengo rwemhuka, hongu ruvengo rwenyama yose, brwuchapera pamberi pechiso changu.

27 Uye muzuva iroro chose zvacho chinokumbirwa nemunhu, chichapihwa kwaari.

28 Uye muzuva iroro aSatani haazove nesimba rekuedza kana munhu upi zvake.

29 Uye hakuchazove anekusuwa nokuti hakuna rufu.

30 Muzuva iroro akacheche hakazofa kusvika kachembera; uye upenyu hwake huchaita sezera remuti;

31 Uye kana ofa, haazorara, zvichireva kuti muvhu, asi aachapindurwa mukubwaira kweziso, uye bachatorwa, uye kuzorora kwake kugoropafadzwa.

32 Hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, amuzuva iroro richauya Ishe, bvacharatidza zvose zvinhu—

33 Zvinhu zvakapfuura, nezvinhu azvakavigwa zvisina munhu aizviziva, zvinhu zvenyika, zvayakaumbwa nazvo, uye nezvakavandika uye nemagumo acho—

34 Zvinhu zvinokoshesesa, zvinhu zviri pamusoro, nezvinhu zviri pasi, zvinhu zviri muvhu, nezviri pamusoro pevhu, nezviri mudenga.

35 Uye nevose avo avanotambudzwa pamusoro pezita rangu, uye vachashingirira murutendo, kana dai vakadaidzwa kuti vaise upenyu hwavo pasi bpamusana pangu, asi vachave mukubwinya kwose uku.

36 Nokudaro, musatye kunyangwe kusvika akurufu, nokuti munyika muno rufaro rwenyu haruna kuzara, asi mandiri brufaro rwenyu rwuzere.

37 Naizvozvo, musave nehanya nemuviri, kana upenyu hwemuviri; asi torerai hanya amweya, neupenyu hwemweya.

38 Uye amutsvake chiso chaIshe nguva dzose, kuti bmumwoyo murefu munogona kuve nemweya yenyu, uye muchave neupenyu hwokusingaperi.

39 Kana vanhu vadaidzwa kuvhangeri rangu arisingaperi, uye vakabvumirana nechibvumirano chisingaperi, vanotariswa bsemunyu wenyika nemurungi wevanhu;

40 Vanodaidzwa kuti vazove varungi vevanhu, naizvozvo, kana munyu wenyika ukarunduka, tarisai, kubvira ipapo hauchisina chawakanakira, kunze kwekuti uraswe kunze nokutsikwa-tsikwa pasi petsoka dzevanhu.

41 Tarisai houno ungwaru maererano nevana veZioni, kunyangwe vazhinji asi kwete vose; vakawanikwa vari vatadzi, naizvozvo vanofanira akurangwa

42 Uyo aanozvikwidziridza achadzikiswa, uye banozvidzikisa achakwidziridzwa.

43 Uye zvino, ndichakuratidzai rungano rwemufananidzo, kuti mugoziva chido changu maererano nerununuro rweZioni.

44 Mumwe murume aaikudzwa aive nenzvimbo yake yakanaka chaizvo, uye akati kuvaranda vake: Endai bkumunda wangu wemizambiringa, kunyangwe panzvimbo yakanaka chaizvo iyi, uye munodyara miti yemiorivhi gumi nemiviri;

45 Uye moisa avarindi vakaikomberedza, uye movaka nharire, kuti munhu agotarisa dunhu rose rakatenderedza, kuti ave murindi panharire, kuti miti yangu yemiorivhi irege kutyorwa kana muvengi akauya kuzokanganisa nokuzvitorera michero yemunda wangu wemizambiringa.

46 Zvino varanda vemurume anokudzwa vakaenda vakanoita zvavakanga varairwa naishe wavo, uye vakadyara miti yemiorivhi, uye vakavaka ruzhowa rwakatenderedza, uye ndokuisa murindi, uye ndokutanga kuvaka nharire.

47 Uye vachiri kuisa hwaro hwacho, vakatanga kutaura pachavo: Iye ishe wedu anoidii nharire iyi?

48 Uye vakataura kwenguva huru, vachiti pakati pavo: Ko ishe wangu anodireiko iyi nharire, tichiona kuti inguva yerunyararo?

49 Mari iyi hayaifanira kunge yakapihwa kune vanoshanda nezvemari here? Nokuti zvinhu izvi hazvina basa.

50 Uye vari mukupesana kudaro vakavamba kuita nungo chaidzo, uye vakasateerera kumirairo yatenzi wavo.

51 Uye muvengi akauya husiku, uye akapaza aruzhowa; uye varanda vemurume aikudzwa vakamuka uye vakatya, uye vakatiza; uye muvengi akaparadza basa iroro, uye akatyora miti yemiorivhi.

52 Zvino tarisai, murume anokudzwa uyu, ishe wemunda wemizambiringa, akadaidza varanda vake, akati kwavari, Sei? Chii chakakonzera zvakaipa kudai?

53 Hamaifanira here kungemakaita zvandakakurairai, uye—mushure mekunge madyara mumunda wemudzambiringa, uye mukavaka ruzhowa makatenderedza, uye mukaisa varindi pachidziro chacho—mukavakawo nharire, uye mukaisa murindi panharire, uye akarinda munda wangu wemuzambiringa, uye asina kukotsira, potse muvengi angauye pamuri?

54 Uye tarisai, murindi panharire angadai akaona muvengi achiri kure; uye zvino mungadai makagadzirira uye makatadzisa muvengi kutyora ruzhowa, uye makadzivirira munda wangu wemizambiringa kubva mumaoko emuparadzi.

55 Uye ishe wemunda wemuzambiringa akati kune mumwe wevaranda vake: Enda unounganidza vasara vevaranda vangu, uye utore arose simba remba yangu, rinove iwo mawuto angu, majaya angu, uye neavo vasati vakwegura pakati pevaranda vangu vose, vari ivo simba remba yangu, kunze kweavo vandadoma kuti vagare;

56 Uye mobva maenda kunzvimbo yemunda wemuzambiringa wangu, uye munodzikinura munda wangu, nokuti ndewangu; ndakautenga nemari.

57 Naizvozvo, endai iye zvino kunyika yangu; pazai zvidziro zvevavengi vangu; koromorai nharire yavo, uye muparadze varindi vavo.

58 Uye kana vari vanounganidzana pamwechete kukurwisai, anditsividzirei vavengi vangu, kuti pamberi apo ndingazouya nevakasara vemba yangu uye ndobvandatora nyika.

59 Uye muranda akati kuna ishe wake: Zvinhu izvi zvichaitika rinhi?

60 Uye iye akati kumuranda wake: Kana ndavekuda; endai iye zvino uye munoita zvose zviri zvipi zvazvo zvandakurairai;

61 Uye izvi zvichave chisimbiso changu uye nemaropafadzo kwamuri mutariri anotendeka aakangwara pakati pemba yangu, bmutongi muumambo hwangu.

62 Uye muranda wake akabva aenda pakarepo, uye akanoita zvose zvinhu zvazvo zvaakanga arairwa naishe wake; uye amushure memazuva mazhinji zvose zvinhu zvakazadzikiswa.

63 Zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndicharatidza kwamuri ungwaru huri mandiri maererano nechechi dzose, kana ari anoda kutungamirirwa nenzira kwayo yakanaka kuruponeso rwavo—

64 Kuti basa rekuunganidzwa pamwechete kwevatendi vangu rirambe richiitwa, kuti ndivavake muzita rangu panzvimbo atsvene; nokuti nguva byekukohwa yauya, uye izwi rinofanira kuti crichizadzikiswa.

65 Naizvozvo, ndinofanira kuunganidza pamwechete vanhu vangu, maererano nerungano rwemufananidzo wegorosi anemasawi, kuti gorosi richengetwe mutsapi kuti riwane upenyu hwokusingaperi, uye kugadzwa nekubwinya bkweseresitiyaro, apo pandichauya muumambo hwaBaba vangu kuzopa mubairo kune munhu wose maererano nezvichange zvakaita basa rake;

66 Apo masawi achisungwa mumasvinga, uye tambo dzawo dzichiitwa kuti dzisimbe, kuti aagopiswa nemoto usingadzime.

67 Naizvozvo, ndinopa murairo chechi dzose, kuti varambe vachiungana pamwechete munzvimbo dzandakadoma.

68 Zvisinei, sezvandakambotaura kwamuri mune mumwe murairo, akuungana kwenyu ngakurege kuitwa nokukurumidza, kana nokutizira, asi zvinhu zvose ngazvigadzirirwe pamberi penyu.

69 Uye kuti zvinhu zvose zvigadzirirwe pamberi pangu, cherechedzai murairo wandakapa pamusoro pezvinhu izvi—

70 Uyo unoti, kana unodzidzisa, akutenga dzose nzvimbo nemari, dzinogona kutengwa nemari, mudunhu iro rakapoteredza nyika yandakasarudza kuti ive nyika yeZioni, mukutanga kwekuungana kwevatendi vangu;

71 Yose nyika inogona kutengwa muruwa rweJackson, nematunhu akatenderedza, uye musiye zvinosara muruoko rwangu.

72 Zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai chechi dzose dziunganidze pamwechete mari yadzo; regai zvinhu izvi zviitwe nenguva yazvo, asi kwete amukukurumidza; uye mucherechedze kuti zvinhu zvigadzirirwe pamberi penyu.

73 Uye regai kudomwe varume vaneruremekedzo, kunyangwe varume vaneungwaru, uye movatuma kuti vanotenga nzvimbo idzi.

74 Uye chechi dziri munyika dzekumabvazuva, kana achinge avakwa, kana akateerera kurairwa kuno anogona kutenga nzvimbo uye voungana pamwechete padziri; uye munzira iyi anokwanisa kumisa Zioni.

75 Kune kunyangwe iyezvino zvakachengetedzwa kare zvakakwana, hongu, kunyangwe zvakatowandisisa, zvekununura Zioni, nokumisa matongo ayo, kuti asazopunzwa zvakare, ndokunge chechi idzo dzinozvidaidza nezita rangu adzaida kuteerera kuzwi rangu.

76 Uye zvakare ndinoti kwamuri, avo vakaparadzwa nevavengi vavo, chido changu kuti varambe vachitsvaga kuti zvigadziriswe, nerununuro, nemaoko eavo vakaiswa sevatongi uye vaine simba pamusoro penyu—

77 Maerererano nemutemo anebumbiro remutemo revanhu, iro randakabvumira kuti riitwe, uye kuti richengetwe kuitira bkodzero nokudziirirwa kweyese nyama maererano nemitemo yakarurama uye iri mitsvene;

78 Kuti munhu wose ashande ari mudzidziso uye mumitemo iri maererano nenguva ichauya, maererano nekugona akuzvifungira kwandakamupa, kuti wose munhu bazvipindurire pamusoro pezvivi zvake muzuva crekutongwa.

79 Naizvozvo, hazvina kunaka kuti kuve nemunhu akasungwa nemumwe.

80 Uye nechinangwa ichi ndakaita aBumbiro remirau yenyika ino, nemaoko evarume vakangwara vandakamutsira basa iri, uye nokununura nyika bmukudeura ropa.

81 Zvino, ndingafananidze nei vana veZioni? Ndichavafananidza nerungano arwemufananidzo wemukadzi nemutongi akaipa, nokuti vanhu vanofanira bkunamata nguva dzose vasinganete, uyo unoti—

82 Paive nemutongi muguta akange asingatye Mwari, kana kukudza munhu.

83 Uye makanga muine shirikadzi muguta iroro, uye yakauya kwaari ikati: ndidzorereiwo muvengi wangu.

84 Uye kwechinguva chakati akaramba asi mumashure akati nechemumwoyo kana zvazvo ndisingatye Mwari, kana kukudza munhu, pamusana pekuti shirikadzi iyi iri kundinetsa ndichaitsividzira, potse nokuramba ichiuya kwayo ingandiite kuti ndinete.

85 Ndikokufananidza kwandingaite vana veZioni.

86 Ngavacheme patsoka dzemutongi.

87 Uye kana akasavateerera, ngavaende vanonyengetedza pasi petsoka dzagavhuna;

88 Uye kana gavhuna akasavanzwa, ngavanyengetedze vari pasi petsoka dzemutungamiri;

89 Uye kana mutungamiri akasavanzwa, ipapo Ishe vachasimuka uye vachiuya kubva munzvimbo yavo ayekuhwanda, uye muhasha dzavo vagonetsa rudzi;

90 Uye mukusafadzwa kwavo kukuru, nemukushatirwa kwavo kwakaipa, munguva yavo, achabvisa avo vakaipa, vasingatendeke, anevatariri vakaipa, uye ovapa mugove wavo muvanyengedzi, bnevasingatende;

91 Kunyangwe murima rekunze, umo mune akuchema, nekuwuwura, nekugedageda kwemeno.

92 Namatai imi naizvozvo, kuti nzeve dzavo dzingazururwe mukuchema kwenyu, kuti ini ndigovaitira atsitsi, kuti zvinhu izvi zvisauye pavari.

93 Zvandataura kwamuri zvakafanira kuveizvo, kuti vose vanhu vasare vasina achekuhwanda nacho;

94 Kuti varume vakangwara nevatongi vagonzwa nokuziva icho chavasina akumbofunga;

95 Kuti ndiende mberi nekuunza chiito changu, chiito changu achinoshamisa, nokuita basa rangu, basa rangu rinoshamisa, kuti vanhu vagogona bkuziva pakati pevakaipa nevakarurama, vanodaro Mwari venyu.

96 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, hazvipindirane nemurairo wangu nechido changu kuti muranda wangu Sidney Gilbert atengese aimba yangu yekuchengetera, iyo yandakadomera kuvanhu vangu; kuisa mumaoko evavengi vangu.

97 Musaite kuti icho chandinenge ndadoma chisvibiswe nevavengi vangu, nemvumo yeavo avanozvidaidza nezita rangu;

98 Nokuti ichi chitema chinorwadza uye chakaipa zvikuru kwandiri, nekuvanhu vangu, pamusoro pezvinhu izvo zvandakadzika uye zvave pedyo nokuwira marudzi.

99 Naizvozvo, chido changu kuti vanhu vangu vatore uye vabatirire pane icho chandakavadomera, kana dai vasingafanire kubvumirwa kugarapo.

100 Zvisinei, handizikuti havachazogara ipapa; nokuti kana vari varikuunza michero nemabasa akafanira umambo hwangu, vachagaramo.

101 Vachavaka, uye hakuna aanozozvitora; vachadyara minda yemizambiringa, uye vachadya michero yacho. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.