Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 105


Chikamu 105

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paRwizi rweFishing, Missouri, 22 Chikumi 1834 (History of the Church, 2:108–111). Kurwiswa nemhomo dzevanhu kweVatendi muMissouri kwakanga kwawanda, uye mapoka akarongwa aibva mumatunhu akasiyana-siyana akanga atsidza kuda kwawo kuparadza vanhu. Muporofita akanga abva kuKirtland akatungamira chikwata chainzi Musasa weZioni, vachiunza zvipfeko nezvekudya. Chikwata ichi chakanga chiri paRwizi rweFishing, Muporofita akagashira zvakazarurwa izvi.

1–5, Zioni inovakwa nokuteedza mutemo weumambo weseresitiyaro; 6–13, Kununurwa kweZioni kunombomiswa kwechinguva; 14–19, Ishe vacharwa hondo dzeZioni; 20–26, Vatendi ngavave vakangwara uye vasingazvikudze mune zvemabasa makuru pavanoungana; 27–30, Nzvimbo dziri muJackson nemaruwa akabatana nayo dzinofanira kutengwa; 31–34, Magosa anofanira kugashira endawumenti mumba maIshe muKirtland; 35–37, Vatendi vakadaidzwa zvose nokusarudzwa vakacheneswa; 38–41, Vatendi vanofanira kusimudzira mureza werunyararo kunyika.

1 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri mazviunganidza pamwechete kuti mudzidze chido changu maererano anorununuro rwevangu vanotambudzika—

2 Tarisai, ndinoti kwamuri, dai pasina akutadza kwevanhu vangu, ndichataura maererano nechechi kwete zvemunhu mumwe nemumwe, vangadai zvimwe iye zvino vakatonunurwa.

3 Asi tarisai, havasati vadzidza kuteerera kuzvinhu zvandakati ndinozvida kubva kwavari, asi vazere nezvakaipa zvakasiyana-siyana, uye ahavape upfumi hwavo, sezvazvinofanira kuitwa neVatendi, kuvarombo nevanotambudzika vari pakati pavo;

4 Uye havana akubatana maererano nokubatana kunodiwa nemurau weumambo weseresitiyaro;

5 Uye aZioni haigone kuvakwa bkunze kwekuburikidza nebumbiro cremutemo weumambo hweseresitiyaro, pasina izvozvo handingaigashire kwandiri.

6 Uye vanhu vangu vanofanira akurangwa kudakara vadzidza bkuteerera, kana zviri zvakafanira, kuburikidza nematambudziko.

7 Handizikutaura pamusoro peavo vakadomwa kuti vatungamire vanhu vangu, vari ivo magosa aekutanga echechi yangu, nokuti havasi vose vari pasi pekutongwa kuno.

8 Asi ndiri kutaura pamusoro pechechi dzangu dziri kure—kune vazhinji vachati: Ko Mwari wavo aripi? Tarisai achavanunura munguva dzematambudziko, nokuti hatingaende kuZioni, uye tichachengeta mari dzedu.

9 Naizvozvo, pamusana apekutadza kwevanhu vangu, zvakanaka kwandiri kuti magosa angu ambomirira kwechinguva rununuro rweZioni.

10 Kuti ivo pachavo vagadzirire, uye kuti vanhu vangu vadzidziswe zvakakwana, uye vagoona, nokuziva zvakakwana pamusoro apebasa ravo, uye nezvinhu zvandinoda kubva kwavari.

11 Uye izvi hazvizoitika kusvika amagosa angu baropafadzwa nesimba rinobva kumusoro.

12 Nokuti tarisai, ndagadzira endawumenti huru nemaropafadzo aachadirwa pavari, kana vari vakatendeka uye vachiramba vakazvininipisa pamberi pangu.

13 Naizvozvo zvakanaka kwandiri kuti magosa angu anofanira kumirira kwechinguva, rununuro rweZioni.

14 Nokuti tarisai, handidi kuti ivo varwe hondo yeZioni; nokuti sekutaura kwandakamboita mune mumwe murairo, kunyangwe saizvozvo ndichazvizadzikisa—andicharwa hondo dzenyu.

15 Tarisai, amuparadzi ndamutumira kuti anoparadza nokusakadza vavengi vangu uye pasina makore mazhinji kubva zvino havachazoregwa vachisvibisa nhaka yangu, bnokutuka zita rangu munyika cdzandakatsaurira kuitira kuungana pamwechete kwevatendi vangu.

16 Tarisai, ndaraira muranda wangu Joseph Smith, Mwana kuti ati akusimba remba yangu, kunyangwe mawuto angu, majaya angu, neavo vabvezera, kuti vaungane pamwechete kuitira rununuro rwevanhu vangu, uye vagokoromora nharire dzevavengi vangu, nokuparadza bnharire dzavo;

17 Asi vesimba remba yangu havana kuteerera kumazwi angu.

18 Asi kana pane avo vakateerera kumazwi angu, ndavagadzirira maropafadzo aneendawumenti, kana vakaramba vari vakatendeka.

19 Ndanzwa minamato yavo, uye ndichatambira mipiro yavo; uye zvakanaka kwandiri kuti vanofanira kusvitswa kwose uko kuitira kuti vayedzwe amurutendo rwavo.

20 Uye zvino zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinokupai murairo kuti vose vakauya kuno,vanokwanisa kugara mudunhu rino, regai vagare;

21 Uye avo vasingakwanise kugara, vane mhuri dziri kumabvazuva, regai vambogara kwechinguva, kana muranda wangu Joseph ari avadomera kudaro;

22 Nokuti ndichamuraira pamusoro penyaya iyi, uye nezvose zvinhu zviri zvipi zvazvo zvaachavasarudzira zvichazadzikiswa.

23 Uye vanhu vangu vagere mumatunhu akatenderedza vanofanira kuve vakatendeka zvikuru, vazere nokunamata, uye vakazvityora pamberi pangu, uye vasingaratidze zvinhu zvandakaratidza kwavari, kusvika hwave ungwaru mandiri kuti zviratidzwe.

24 Musataure nezvekutongwa, kana akuzvikudza pamusana perutendo kana pemabasa makuru, asi nyatsounganai pamwechete, vose vanokwanisa kugara mudunhu rimwechete, maererano nezvido zvevanhu;

25 Uye tarisai, ndichakupai kutarirwa nenyasha mumaziso avo, kuti muzorore muri amurunyararo uye pasina chinokuwanai, uye imi muchiti kuvanhu: Titongei uye nokururamisa maererano nemurau, uye mutigadzirise mukukanganisa kwedu.

26 Zvino tarisai, ndinoti kwamuri, shamwari dzangu, nenzira iyi mungawane kudiwa mumaziso evanhu, kusvika amauto eIsraeri ave makuru kwazvo.

27 Uye ndichapfavisa mwoyo yevanhu sezvandakaita mwoyo awaFarao nguva nenguva, kusvika muranda wangu Joseph Smith, Mwana nemaGosa angu, avo vandakadoma, vave nenguva yekuunganidza vesimba remba yangu.

28 Uye nokunge ndatumira varume vane aungwaru, kuti vazadzikise icho chandakaraira maererano bnekutengwa kwenzvimbo dziri muruwa rweJackson idzo dzinotengeka, uye nemumaruwa ari pedyo akatenderedza.

29 Nokuti chido changu chekuti nzvimbo idzodzi dzitengwe; uye mushure mekunge dzatengwa, kuti vatendi vangu dzive dzavo, uye zviri maererano nemirau ayekutsaurwa yandakapa.

30 Uye mushure mekunge nzvimbo idzi dzatengwa, handizowana amauto eIsraeri aine mhosva mukutora kwavo nzvimbo dzavo, idzo dzavakanga vatenga nemari yavo, uye nokukoromora nharire dzevavengi vangu avo vanenge vari pavari uye vachiparadza varindi vavo, bnokunditsivira vavengi vangu kusvika kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga.

31 Asi chekutanga regai hondo yangu itange yakura chaizvo, uye murege aicheneswe pamberi pangu, kuti ive yakanaka sezuva, uye yakachena bsemwedzi, uye kuti mireza yavo ive inotyisa zvikuru kumarudzi ose;

32 Kuti umambo hwepasi pano hungamanikidzwe kuti huzive kuti umambo hweZioni ndihwo zvirokwazvo aumambo hwaMwari wedu naKristu wavo; nokudaro ngativei bpasi pemitemo yahwo.

33 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvakanaka kwandiri kuti magosa ekutanga echechi yangu vanofanira kugashira aendawumenti dzavo kubva kumusoro mumba mangu, iyo yandakati ivakwe muzita rangu munyika yeKirtland.

34 Uye itai kuti iyo mirairo yandakapa pamusoro peZioni uye anemutemo wayo zviitwe uye zvizadzikiswe, mushure merununuro rwayo.

35 Kwakaita zuva arekudzidza, asi nguva yasvika yezuva rekusarudza; uye regai vasarudzwe avo bvakakodzera.

36 Uye zvicharatidzwa kumuranda wangu nezwi reMweya, avo avakasarudzwa; uye bvachacheneswa;

37 Uye kana vari vanotevedza akurairwa kwavachagashira, vachawana simba mushure memazuva mazhinji rekuita zvose zvinhu zviri maererano neZioni.

38 Uye zvakare ndinoti kwamuri, kumbirai runyararo, kwete chete kuvanhu vakurwisai, asiwo nekuvanhu vose;

39 Uye simudzai amureza bwerunyayaro, uye mudaidzire runyararo kusvika kumagumo enyika;

40 Uye itai zvirongwa zverunyararo kune avo vakurwisai, zviri maererano nezwi reMweya uyo uri mamuri, uye azvose zvinhu zvichashanda pamwechete kukupundutsai.

41 Nokudaro, ivai makatendeka; uye tarisai, uye onai, andinemi kana kusvika kumagumo. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.