Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 113


Chikamu 113

Mhinduro kune mimwe mibvunzo pamusoro pezvinyorwa zvaIsaya, dzakapihwa naJoseph Smith Muporofita, Kurume 1838 (History of the Church, 3:9–10).

1–6, Muti waJesi, bazi rinobva pauri, uye nedzinza raJesi zvinodudzirwa; 7–10, Vakasara vevakapararira veZioni vane mvumo yehupirisita uye vanodaidzwa kuti vadzokere kuna Ishe.

1 Ndiani weMuti awaJesi ari kutaurwa nezvake mundima yekutanga, yechipiri, yechitatu, yechina neyechishanu muchitsauko chegumi neimwechete muna Isaya?

2 Zvirokwazvo vanodaro Ishe: Ndiye Kristu.

3 Chii chitanda chirikutaurwa nezvacho mundima yekutanga yechitsauko chegumi neimwechete chaIsaya, chinofanira kuuya chichibva pamuti waJesi chii?

4 Tarisai, vanodaro Ishe: Muranda ari mumaoko aKristu, ari rumwe rutivi wechizvarwa chaJesi anechaEfraimi, kana wemba yaJosefa, uyo akapihwa bsimba rakawanda.

5 Chii chirikunzi mudzi waJesi chirikutaurwa mundima yegumi muchitsauko chegumi neimwechete?

6 Tarisai, vanodaro Ishe, ndiye wechizvarwa chaJesi, nechaJosefa, zvakare uko kunofanirwa kuve nehupirisita, anemakiyi eumambo, kuve bsemureza, cmukuunganidza vanhu vangu mumazuva ekupedzisira.

7 Mibvunzo yaElias Higbee: Zvinorevei zviri kutaurwa muna Isaya chitsauko makumi mashanu nembiri, chikamu chekutanga chinoti: Pfeka simba rako, Zioni—uye ndivanani vanhu vaitaurwa kuna Isaya?

8 Aitaura avo vaizodaidzwa naMwari mumazuva ekupedzisira, avo vachange vaine simba rehupirisita rekuunza zvakare aZioni, nokununurwa kweIsraeri, uye kupfeka bsimba ravo kupfeka mvumo yehupirisita, uho iyo Zioni ine ckodzero kwahuri kuburikidza nedzinza rayo; nokudzokerawo kusimba riya rayakanga yarasa.

9 Chii chatinonzwisisa kana zvichinzi Zioni izvisunungure majoto ari mumutsipa mayo; ndima yechipiri?

10 Tinofanira kunzwisisa kuti vakasara avevakapararira vanonyengetedzwa kuti bvadzokere kuna Ishe uko kwavakakoromoka vachibva; zvekuti kana vakazviita, chivimbiso chaIshe ndechekuti vachataura kwavari, kana kuvapa zvakazarurwa. Onai ndima yechitanhatu, yechinomwe, neyerusere. Majoto emutsipa wayo kutukwa naMwari kuri paari, kana vakasara veIsraeri mukupararira kwavo pakati pemaJentairi.