Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 115


Chikamu 115

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paFar West, Missouri, 26 Kubvimbi 1838 zvichizivisa chido chaMwari pamusoro pekuvakwa kwenzvimbo iyoyo uye nemba yaIshe (History of the Church, 3:23–25). Chakazarurwa ichi chakanangana nevanotungamira vashandi veChechi.

1–4, Ishe vanotumidza chechi yavo kuti Chechi yaJesu Kristu yaVatendi yaMazuva Ekupedzisira; 5–6, Zioni nehoko dzayo inzvimbo dzekudzivirira uye nedzekuhwanda kweVatendi; 7–16, Vatendi vanorairwa kuti vavake imba yaIshe paFar West; 17–19, Joseph Smith ane kiyi dzeumambo hwaMwari pasi pano.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe kwauri, muranda wangu aJoseph Smith, Mwana, uyewo nekumuranda wangu bSidney Rigdon, uye nemuranda wangu cHyrum Smith, uye nemakurokota enyu varipo uye navadomwa pano mushure;

2 Uye nekwauriwo, muranda wangu aEdward Partridge, uye nemakurukota ake;

3 Uye nekuvaranda vangu vakatendeka avo vari mudare repamusoro rechechi yangu muZioni, nokuti ndikokudaidzwa kwarichaitwa, uye nekumagosa ose nevanhu veChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, vakapararira nenyika;

4 Nokuti ndikokudaidzwa kuchaitwa achechi yangu mumazuva ekupedzisira, kunyangwe bChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira;

5 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri mose; aSimukai mupenye kuti chiedza chenyu chive bmureza wemarudzi;

6 Uye nekuti akuungana pamwechete munyika byeZioni; cnepahoko dzayo zvigova dchidziviriro, uye neruchengeto kubva kudutu nekubva kuhasha epadzichadirwa dzisina kusanganiswa pamusoro penyika yose.

7 Regai guta rinonzi Far West, rive dzvene, nyika yakatsaurirwa kwandiri; uye richanzi dzvene kupfuura mamwe, nokuti paumire apatsvene.

8 Naizvozvo, ndinokuraira kuti aundivakire imba yekuunganidzira vatendi vangu pamwchete kuti bvagondinamata.

9 Uye ngakuve nokutanga kwebasa iri, uye nehwaro, uye nebasa rekugadzirira, muzhizha rino ririkutevera;

10 Uye regai kutanga kuitwe muzuva rechina raChikunguru anouya; uye kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi vanhu vangu ngavashande neshungu kuti vavake imba muzita rangu;

11 Uye mushure megore arimwechete kubvira nhasi ngavatange zvakare kuisa hwaro bhwemba yangu.

12 Saka regai kubvira panguva iyoyo vashande neshungu kudakara yapera, kubvira padombo rechitsigiro kusvika kumusoro, kudakara pasisina kana chii zvacho chisina kupera.

13 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, musarege muranda wangu Joseph, kana muranda wangu Sidney, kana muranda wangu Hyrum, vachipinda muzvikwereti zvakare pamusana pekuvakwa kwemba muzita rangu;

14 Asi regai kuvakwe imba iri muzita rangu maererano anemutowo wandichavaratidza.

15 Uye kana vanhu vangu vakaivaka zvisiri maererano nemutowo wandicharatidza vatungamiri vavo, handizoibvuma kubva kwavari.

16 Asi kana vanhu vangu vakaivaka maererano nemutowo wandicharatidza vatungamiri vavo, vanove muranda wangu Joseph nemakurukota ake, ipapo ndinozoibvuma kubva mumaoko evanhu vangu.

17 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chido changu kuti guta reFar West rinofanira kuvakwa nokukurumidza mukuunganidza vatendi vangu;

18 Uye nokutiwo dzimwe nzvimbo ngadzidomwe kuitira ahoko mumatunhu akatenderedza, sekuratidzwa kwazvichaitwa kumuranda wangu Joseph, nguva nenguva.

19 Nokuti tarisai, ndichave naye, uye ndichamuchenesa pamberi pevanhu; nokuti kwaari ndapa akiyi dzeumambo huno nebasa. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.