Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 118


Chikamu 118

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paFar West, Missouri, 8 Chikunguru 1838, yaive mhinduro kuchichemo, “Tiratidzei chido chenyu Ishe, pamusoro pevaneGumi neVaviri” (History of the Church, 3:46).

1–3, Ishe vachariritira mhuri dzevaneGumi neVaviri; 4–6, Nzvimbo dzisina vanhu mune vaneGumi neVaviri dzinozadziswa.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe: Ngakuitwe muchechi izvozvi, vaneGumi neVaviri ngavarongwe; uye ngakudomwe vanhu avanotora nzvimbo dzeavo vakapunzika.

2 Regai muranda wangu aThomas ambogara kwechinguva munyika yeZioni, kuti ashambadze izwi rangu.

3 Regai avo vakasara varambe vachiparidza kubvira panguva iyoyo, uye kana vakaita izvi mukurereka chaiko kwemwoyo, muhunyoro uye anomukuzvininipisa, uye bnemwoyo murefu, Ini Ishe, ndinopa kwavari chivimbiso chekuti ndichariritira mhuri dzavo; uye musiwo unoshanda vachauzarurirwa kubvira zvino.

4 Uye mwaka unouya ngavabve vaende mhiri kwemvura huru, uye ikoko vasvikotaura vhangeri rangu, kuzara kwaro, uye nokupupura pamusoro pezita rangu.

5 Regai vaende kunowoneka vatendi vangu vari muguta reFar West, muzuva rechimakumi maviri nenhanhatu remwedzi waKubvumbi panzvimbo apo pachavakwa imba yangu, vanodaro Ishe.

6 Regai muranda wangu John Taylor, uyewo nemuranda wangu John E. Page, uyewo nemuranda wangu Wilford Woodruff, uyewo nemuranda wangu Willard Richards, vadomwe kuti vatore nzvimbo dzeavo vakapunzika, uye vagoziviswa zviri pamutemo kuti vadomwa.