Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 123


Chikamu 123

Basa reVatendi pamusoro pevanovanetsa sekutsanangurwa kwazvakaitwa naJoseph Smith Muporofita, ari musungwa mujeri paLiberty, Missouri, Kurume 1839, (History of the Church, 3:302–303).

1–6, Vatendi vanofanira kuunganidza uye vagoshambadza nhoroondo yekutambudzika kwavo nekushungurudzwa kwavo; 7–10, Iwoyo mweya mumwechetewo wakamisa zvitendero zvekunyepa unokonzera zvakare kushungurudzwa kwevatendi; 11–17, Vazhinji mukati mezvikwata zvose vachagashira chokwadi.

1 Uye zvakare, tinokurudzira kuti mumbofunga kuti vatendi vose vaunganidze ruzivo rwezvechokwadi nokutambudzika nokutukwa kwakaiswa pavari nevanhu veDunhu rino;

2 Uye zvakare nemidziyo zvose nekukura kwekukuvadzwa kwavakaitwa, zvose zvekukuvadzwa hunhu nezvekukuvadzwa chaiko, nezvinhu chaizvo;

3 Uye zvakare nemazita evanhu vose avo vakabatsira mukudzvinyirirwa kwavo, avo vose vavanokwanisa kuwana nokuvanongedzera.

4 Uye zvimwe kungasarudzwe dare rekutsvaga zvinhu izvi, uye nokutora mazwi nemagwaro eruvimbiso; nokuunganidza magwaro ane nhema akashambadzwa ayo ari muvanhu;

5 Uye neose ari mumapepanhau, nemumabhuku eruzivo, uye nenhoroondo dzose dzine nhema dzakashambadzwa, neavo vakadzinyora, uye muise zvose zveunhubu hwadhiabhorosi nokuipa nehumhondi uhwo hwakaitwa pavanhu ava—

6 Kuti tisangozvishambadza kupasi rose chete, asi kuti tizivise kuvakuru vehurumende mukusviba kwazvo kwose nemavara azvo egehena, sechinhu chekupedzisira chatakanzi naBaba vedu Vekudenga tiedze, tisati takwanisa kugashira zvakakwana uye zvizere icho chivimbiso chichavadaidza kuti vachibuda kubva panzvimbo yavo ayekuhwanda, uye nokuti rudzi rwose rwuwanikwe rwusina chekutaura vasati vatumira simba guru reruoko rwavo.

7 Ibasa ratinosungirwa kuitira kuna Mwari, kungirozi, idzo dzatichaita kunzi timire nadzo pamwechete, nekwatiri pachedu, kuvakadzi nevana vedu, avo vakaitwa kuti vakotame pamusana pekuchema, kusuwa, nehanya, pasi peruoko rwakawomesesa rwekuponda, hudzvinyiriri, nokubatwa zvakaipa, vachitsigirwa nokukuridzirwa nokusimudzirwa nokuita kwemweya uya uyo wakasimbisa zvikuru zvitendero zvemadzibaba, avo vakagara nhaka yekureva nhema, vachiisa mumwoyo yevana, uye zvange zvichizadza nyika nekukangaidzika, uye azvange zvichiramba zvichisimba, uye zvino zvave ndiwo musimboti weuori hwose, uye pasi rose ririkugomera nokuremerwa nezvitema zvawo.

8 aIjoko resimbi, ibhande rakasimba; ndidzo chaidzo simbi dzemumaoko, nesimbi dzemumakumbo, misungo yegehena.

9 Ibasa ratinosungirwa kuita, kwete chete kuvakadzi vedu nevana vedu pachedu, asi kune chirikadzi nevasina ana baba, avo vane varume naanababa avakapondwa pasi peruoko rwayo rwesimbi;

10 Kuita uku kwerima kunosvibisa zvekuti kana gehena pacharo rinotya nako, uye rinomira nokutya nokushamiswa, uye maoko adhiabhorosi chaiye agodedera nokubvunda.

11 Uye zvakare ibasa ratinosungirwa kuitira zvose zvizvarwa zviri kukura nekune vose vakachena mumwoyo—

12 Nokuti kuchine vazhinji vari munyika mukati memapoka ose, zvikwata, nedzisvondo, avakapofomadzwa nekunyengedza kwakavanda kwevanhu, kwavanohwanda nako vakamirira kunyengedza, uye vanoshaiswa chokwadi chete nekuti bhavazive kwekuchiwana—

13 Kuti tiparadze nokupedza upenyu hwedu mukuunza muchiedza zvose zvinhu azvakavandika zverima, semaziviro atinozviita; uye zvakaratidzwa chokwadi kubva kudenga—

14 Izvi zvinofanira kuitwa nokuzvipira kukuru.

15 Hapana munhu akafanira kuzvitora sezvinhu zvidiki nokuti kune zvizhinji zviri munguva ichauya zviri maererano nevatendi, zvinotarisirwa kuzvinhu izvi.

16 Munoziva hama kuti ngarava huru kwazvo ainoyamurwa nechityairiso chengarara chidiki-diki munguva dzedutu, nokunangiswa kumhepo nemasaisai.

17 Naizvozvo, hama dzinodiwa zvikuru, ngatiite zvose zvinhu atakafara izvo zviri musimba redu; uye kana tadaro tozomira, tiine chokwadi chizere, chokuona bruponeso rwaMwari, uye kuti ruoko rwavo rwugoratidzwa.