Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 126


Chikamu 126

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, mumba maBrigham Young, paNauvoo, Illinois 9 Chikunguru 1841 (History of the Church, 4:382). Panguva iyi Brigham Young akanga ari Mutungamiri weChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri.

1–3, Brigham Young anorumbidzwa pamusoro pebasa rake uye obva asunungurwa pakuzofamba achienda mhiri.

1 Mudiwa nehama inodiwa zvikuru, Brigham Young, zvirokwazvo ndizvozvinotaura Ishe kwauri: Muranda wangu aBrigham, hazvichadiwa kwauri kuti usiye mhuri yako sezvaiitika munguva yakapfuura, nokuti mupiro wako unogashirwa neni.

2 Ndaona basa rako anokushanda kwako kwakaoma uchifambira zita rangu.

3 Ndinokuraira naizvozvo kuti utumire izwi rangu mhiri, uye kuti unyatsochengeta amhuri yako kubva panguva ino, zvichienda mberi uye nariini nariini. Ameni.