Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 129


Chikamu 129

Mazwi akapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paNauvoo, Illinois, 9 Kukadzi 1843, achizivisa nezvemakiyi makuru matatu ayo anoratidza nzira kwayo yekusiyana kwengirozi dzinosumira nekwemweya (History of the Church, 5:267).

1–3, Kudenga kune yose, miviri yakamutswa kuvakafa, nemiviri yemweya; 4–9, Makiyi anopihwa ayo ekuti vatumwa vanobva seri kwechidzitiro vakwanise kuzivikanwa.

1 Kune ndudzi mbiri dzinorarama akudenga dzinoti. bNgirozi, dziri vanhu cvakamutswa kubva kuvakafa, vane miviri yenyama nemapfupa—

2 Semufananidzo, Jesu akati: Ndibatei muone, nokuti mweya hauna anyama nemapfupa, sezvamuri kuona ndiinazvo.

3 Chechipiri: amweya yavanhu bvatsvene vakanatswa, avo vasina kumutswa kuvakafa, asi vanowana kubwinya kumwecheteko.

4 Kana mutumwa akauya achiti ane mashoko kubva kuna Mwari, mupe ruoko rwako umukumbire kuti akwazisane maoko newe.

5 Kana ari ngirozi anozviita, uye unonzwa ruoko rwake.

6 Kana ari mweya wemunhu mutsvene akanatswa anouya ari mukubwinya kwake; nokuti ndiyo nzira chete yaangaonekwe nayo—

7 Mukumbire kuti mugwinane maoko newe, asi haatsukunyuke, nokuti hazvipindirane nehurongwa hwekudenga kuti munhu akanaka anyengedze; asi anozongopa mashoko ake.

8 Kana ari adhiabhorosi achizviita sengirozi yechiedza, kana ukakumbira kukwazisa ruoko rwake anokupa ruoko rwake, uye hauna kana chaunonzwa; unobva wakwanisa kumuziva nokudaro.

9 Aya ndiwo makiyi matatu makuru amungazive nawo kana kupi zvako kushandira kuti kuri kubva kuna Mwari.