Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 134


Chikamu 134

Chirevo chechitendero pamusoro pedzihurumende nemitemo yose, zvakatorwa nekutenderana kwemunhu wose pagungano reChechi yakaitwa paKirtland, Ohio, 17 Nyamavhuvhu 1835 (History of the Church, 2:247–249). Paive pamuchechi wevatungamiri veChechi, vakaunzwa pamwechete kuti vazoona zvakanga zvichizoiswa mukudhindwa kwekutanga kweDzidziso neZvibvumirano. Panguva iyoyo, chirevo chino chakapihwa musumo unoti: “Kuti zvatinotenda pamusoro pehurumende yepano pasi nemitemo yose yose zvisazotsanangurwa zvisiri izvo kana kusanzwisiswa, tafunga kuti zvakafanira kuti tipe, mukupera kwebhuku rino, pfungwa dzedu pamusoro pazvo” (History of the Church, 2:247).

1–4, Hurumende dzinofanira kuchengetedza rusununguko rwepfungwa nerwekunamata; 5–8, vose vanhu vanofanira kutsigira hurumemde dzavo uye vanosungirwa kukudza nokutya mutemo; 9–10, Zvikwata zvekunamata hazvifanire kuita masimba ekutonga; 11–12, vanhu vanorevererwa mukuzvidzivirira ivo nezvinhu zvavo.

1 Tinotenda kuti ahurumende dzakaiswa naMwari kuitira munhu; uye nokuti anovatarisira bkuzvipindurira pazviito zvavo maererano nadzo, zvose mukuita mitemo nomukuishandisa, kuitira zvinonakira nokuchengetedza vanhu.

2 Tinotenda kuti hakuna hurumende ingagare murunyararo kunze kwekunge mitemo iyoyo yakaitwa uye ikabatwa zvakanaka zviri zvinopa kumunhu ega-ega akusununguka bmupfungwa dzake, kodzero yekuve nezvinhu nekuzvishandisa, cnokudzivirira upenyu.

3 Tinotenda kuti dzose hurumende dzinofanirwa kuva anevashandi nevatongi vedzimhosva kuitira kuti mitemo yavo itevedzwe; nokuti avo vanozoshandisa mutemo zvakanaka nokuenzanisa vanofanira kutsvagwa nokutsigirwa nezwi revanhu kana iri nyika inotongwa nevanhu, kana kuti nekuda kwamambo.

4 Tinotenda kuti kunamata kwakaiswa naMwari; uye kuti vanhu vanozvipindurira kwavari, uye kwavari chete, mukuita, kunze kwekunge pfungwa dzezvitendero dzavo dzichivaita kuti vakanganise kodzero nerusununguko rwevamwe; asi hatitende kuti mutemo wemunhu une mvumo yekupindira mukuisa mitemo ayekunamata kuti isunge pfungwa dzevanhu, kana kutaurira vanhu zvavanofanira kunamata vachiita pane vanhu kana vari vega; kuti anotonga vedzimhosva anofanira kurambidza mhosva, asi kwete kurambidza kufunga; anofanira kuranga mhosva, asi kwete kudzvinyirira rusunguko rwemweya.

5 Tinotenda kuti vanhu vose vanosungirwa kutsigira nokusimudzira hurumende dzakasiyana-siyana idzo dzavanogara madziri, ivo vakadzivirirwa mukodzero dzavo dzakagara dziripo dzisina angadzibvise nemitemo yehurumende dzakadaro; uye kuti kufurira anekupanduka hazvifanire kumunhu wose akadzivirirwa kudaro, uye anofanira kurangwa pamusoro pazvo; uye kuti dzose hurumemnde dzine kodzero yokuisa mitemo iyo yavanoona mukufunga kwavo yakanyatsonangana nezvakanakira vanhu; mukudaro vachiyeresa rusunguko rwekufunga.

6 Tinotenda kuti munhu wose anofanira kukudzwa panzvimbo pake, vatongi nevanotonga dzimhosva saizvozvo, vakaiswa kuti vadzivirire vasina mhosva nokuranga vane mhosva; uye kuti vanhu vose vanofanira kuremekedza nokutya amitemo sezvo kana isipo runyararo nokuwirirana kunotorerwa nzvimbo nokutya nekushaikwa kwemutemo; mitemo yevanhu ichiisirwa chinangwa chekutonga zvatinoda sevanhu uye semarudzi, pakati pemunhu nemunhu; uye nemitemo mitsvene inopihwa kubva kudenga, ichipa mirawu muzvinhu zviri maererano nemweya, nokuti kutendeka nokunamata, zvose zvinopindurirwa nemunhu kuMusiki wake.

7 Tinotenda kuti vatongi, matunhu, nehurumende vanekodzero, uye vanosungirwa kuisa mitemo inodzivirira wose munhu mukunamata akasununguka; asi hatitende kuti vane kodzero mukutonga yekuti vatorere vanhu mvumo yekuita izvi, kana kuvarambidza mukufunga kwavo, chero chete hanya nokuremekedza zviri kuratidzwa kumitemo uye idzo pfungwa dzekunamata idzodzi dzisingatsigire zvekufurira kana kumukira.

8 Tinotenda kuti kuparwa kwemhosva kunofanira akurangwa zviri maererano nemamiriro enyaya yacho; kuti kuponda, kutengesa nyika, hugororo, kuba, uye nokukanganisa runyararo rwevanhu, mune zvinhu zvose, zvinofanira kurangwa maererano nokuipa kwazvo nokuunza kwazvinoita huipi pakati pevanhu, kuburikidza nemitemo yehurumende iyo inenge yaparirwa mhosva yacho; uye kuti kuve nerunyararo nerugare vose vanhu vanofanira kuuya mberi uye vagoshandisa zvavanogona kuunza vanotyora mitemo yakanaka kuti varangwe.

9 Hatibvume kuti zvakanaka kusanganisa pfungwa dzekunamata nedzehurumende, uko kunoita kuti chimwe chikwata chekunamata chinokurudzirwa uye chimwe chichirambidzwa muzvinhu zvacho zvemweya, uye kodzero dzevanhu vacho senhengo, uye sevagari vemunyika, zvichirambwa.

10 Tinotenda kuti zvose zvikwata zvekunamata zvine kodzero yekugadzirisana nenhengo dzazvo kana dzaita zvisina kufanira, maererano nemitemo nemirau yezvikwata izvozvo; kana kugadzirisana ikoko kuri kwekuwadzana nokumira zvakanaka; asi hatitende kuti chikwata chekunamata chipi zvacho chine simba rekutonga vanhu munyaya yepfuma kana upenyu, kuvatorera zvinhu zvemunyika ino, kana kuvaisa munjodzi yeupenyu kana nhengo dzemuviri, kana kuvaranga nokuvarwadzisa ivo pamuviri. Vanogona chete akuvabvisa muchikwata chavo, uye vobva vabvisa kwavari ruwadzano rwavo.

11 Tinotenda kuti vanhu vanofanira kuchema kumutemo wevanhu kunogadziriswa zvose zvinotadzwa nezvinosuwisa, apo panenge patadzirwa munhu kana pakanganiswa kodzero yezvinhu kana hunhu, apo pane mitemo yakadaro inogona kudzivirira izvozvo; asi tinotenda kuti vose vanhu zvakarurama kuti vadzivirire, shamwari dzavo nezvinhu, nehurumende, mukurohwa kusiri pamutemo nekutambudzwa kwevanhu vose munguva, apo pasingakwanisike kusvitsa zvichemo nekukurumidza kumurau, uye kuti pave nekuyamurwa.

12 Tionotenda kuti zvakanaka akuparidza vhangeri kumarudzi enyika, nekuyambira vakarurama kuti vazviponese kubva mukuora kwenyika; asi hatibvume kuti zvakanaka kupindira nyaya dzevakatapwa, kana kuparidza vhangeri kwavari kana kuvabhabhatidza zvisingapindirane nezvido kana kuda kwavatenzi vavo, kana kuvafurira kana kuvakuridzira kana nepakadiyi kukonzera kuti vave vasingagutsikane nekugara kwavo muupenyu huno, mukudaro tichikanganisa upenyu hwevanhu; kupindira ikoko tinokuti hakuzi mumutemo uye hakuna kururama, uye kune njodzi kurugare rwehurumende yega yega inobvumira vanhu kuti vagare muhuranda.