Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 136


Chikamu 136

Izwi uye nechido chaIshe, chakapihwa kuburikidza naMutungamiri Brigham Young paWinter Quarters, musasa weIsraeri, Dunhu reOmaha, pamahombekombe ekumadokero eRwizi rweMissouri, pedyo neCouncil Bluffs, lowa (Journal History of the Church [Zvinyorwa zveNhoroondo yeChechi], 14 Ndira, 1847).

1–16, Kuti musasa weIsraeri ucharongwa sei parwendo kuenda kumadokero zvinotsanangurwa; 17–27, Vatendi vanorairwa kuti, vagare mumirau yakawanda yevhangeri; 28–33, Vatendi vanofanira kuimba, kutamba, kunamata, uye nokudzidza ungwaru; 34–42, Vaporofita vanopondwa kuitira kuti vagokudzwa uye vakaipa vachitongwa.

1 Izwi nechido chaIshe nezveMusasa waIsraeri munzendo dzavo dzekuenda kumadokero:

2 Vanhu vose aveChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, uye neavo vanofamba navo, ngavazviise muzvikwata, vaine chibvumirano nechivimbiso chekuchengeta yose mirairo nemirau yaIshe Mwari vedu.

3 Zvikwata ngazvirongwe zviine vatungamiri avemazana, vatungamiri vemakumi mashanu, nevatungamiri vemakumi, paine mukuru nemakurokota ake maviri pamusoro pavo, vari pasi bpeVaapositori vaneGumi neVaviri.

4 Uye ichi ndicho achibvumirano chedu—kuti btichafamba tiri mune czvisungo zvose zvaIshe.

5 Regai chikwata chega-chega chizvimisire zvose zvipani zvacho chega, ngoro zvekudya zvipfeko, uye nezvimwe zvinodiwa parwendo, zvavanokwanisa.

6 Kana zvikwata zvarongwa ngazvishande nesimba razvo, kugadzirira avo varikusara.

7 Regai chikwata chega-chega, nevatungamiri vacho nevakuru, vafunge kuti vangani vangaende muchirimo chinotevera; zvino vosarudza varume vakasimba uye vane unyanzvi, kuti vatore zvipani, mbeu, nemidziyo inodiwa pakurima, kuenda sevavaruri kuti vanogadzirira kudyara mbeu dzezhizha.

8 Regai chikwata chega-chega chitakure zvakaenzana, maererano nekukura kwakaita midziyo yavo, mukutora avarombo, bshirikadzi, cvasina madzibaba, nemhuri dzeavo vakaenda kuchiuto, kuti kuchema kweshirikadzi nevasina madzibaba, kurege kukwira kunzeve dzaIshe pamusana pevanhu ava.

9 Regai chikwata chega-chega chigadzire dzimba, neminda yekurima mbeu, kuitira avo vari kusara mwaka uno; uye ichi ndicho chido chaIshe maererano nevanhu vavo.

10 Regai munhu wose ashandise rwose ruzivo rwake nezvaainazvo kubvisa vanhu ava achivaendesa kunzvimbo uko Ishe vachamisa ahoko yeZioni.

11 Uye kana mukaita nemwoyo wakachena, nokutendeka kose, mucharopafadzwa; amucharopafadzwa muhwai dzenyu, nemumombe dzenyu, nemuminda yenyu, nemudzimba dzenyu, nemumhuri dzenyu.

12 Regai varanda vangu Ezra T. Benson naErastus Snow varonge chikwata.

13 Uye regai varanda vangu Orson Pratt naWilford Woodruff varonge chikwata.

14 Zvakare, regai varanda vangu Amasa Lyman naGeorge A. Smith varonge chikwata.

15 Uye vadome vakuru, nevatungamiri vemazana neve makumi mashanu, nevemakumi.

16 Uye regai varanda vangu avo vadomwa vaende vanodzidzisa ichi, chido changu, kuvatendi, kuti vagova vakagadzirira kuenda kunyika yerunyararo.

17 Endai munzira menyu uye muite sezvandakutaurirai, uye musatye vavengi venyu; nokuti havachazowana simba rekumisa basa rangu.

18 Zioni aichanunurwa munguva yangu kana yasvika.

19 Uye kana ani zvake munhu akatsvaka kuzvivaka iye pachake, uye akasatsvaka akuraira kwangu, haazove nesimba, uye hurema hwake huchaiswa pachena.

20 Tsvakai imi; uye amuchengete zvamakatsidzirana mumwe nomumwe; uye bmusachive icho chehama yenyu.

21 aZvibvisei kune zvakaipa kutora zita raIshe pasina, nokuti ndini Ishe Mwari vako, kunyangwe bMwari vemadzibaba ako, Mwari vaAbrahama, naIsaka naJakobo.

22 aNdini iye akatungamira vana veIsraeri kubva munyika yeEgipita; uye ruoko rwangu rwakatambanudzwa mumazuva ekupedzisira, kuti bndiponese vanhu vangu veIsraeri.

23 Regai akukakavadzana; regai kutaura bzvakaipa pamusoro pemumwe.

24 Regai ahudhakwa; uye regai mazwi enyu ave anoita kuti bmusimbisane.

25 Kana mukakwereta kumuvakidzani wenyu, muchadzorera icho achamakwereta; kana musingakwanise kubhadhahara zvino endai pakarepo uye munotaurirana nemuvakidzani wenyu, potse asazokubatai nemhosva.

26 Kana mukawana icho achakaraswa nemuvakidzani wenyu, muchashingaira kumutsvaga kudakara manochipa kwaari.

27 aMuchashingaira kuchengeta izvo zvamuinazvo kuti muve bmutariri akangwara; nokuti chipo chemahara chaIshe Mwari venyu, uye imi ndimi mutariri wavo.

28 Kana makafara, rumbidzai Ishe anokuimba, nenziyo nekutamba, bnomunamato wekurumbidza cnokutenda.

29 Kana amakasuwa daidzirai kuna Ishe Mwari venyu nemunamato kuti mweya yenyu ive bnemufaro.

30 Musatye vavengi venyu, nokuti vari mumaoko angu, uye ndichaita zvandinoda navo.

31 Vanhu vangu vanofanira akuyedzwa muzvinhu zvose kuti vagokwanisa kugashira bkubwinya kwandiinako, kana kubwinya kweZioni; uye uyo asingadi ckurangwa haakodzere umambo hwangu.

32 Regai uyo asingazive adzidze aungwaru bnokuzvininipisa nokudaidza Ishe Mwari wavo, kuti maziso ake avhurwe kuti aone, nenzeve dzake dzivhurwe kuti anzwe;

33 Nokuti aMweya wangu wakatumwa munyika kuti upe chiedza kune vakazvininipisa nevakatyoka, uye kuitira kutongwa kwevasina humwari.

34 Hama dzako dzakurambai neuchapupu hwenyu, kunyangwe rudzi urwo arwakutandai;

35 Uye zvino kunouya zuva redambudziko ravo, kunyangwe mazuva ekusuwa, semukadzi anorwadziwa nemimba; uye kusuwa kwavo kuchakura kunze kwekunge vatendeuka nokukurumidza, hongu, nokukurumidza chaizvo.

36 Nokuti vakauraya vaporofita, neavo vakanga vatumirwa kwavari; uye vakadeura ropa risina mhosva, iro riri kuvachemera kubva pasi.

37 Naizvozvo, musashamiswe nezvinhu izvi, nokuti imi hamusati amachena; hamusati mave kugona kutakura kubwinya kwangu; asi muchakuona kana muri munotendeka mukuchengeta ose mazwi angu ayo bandakakupai, kubvira kumazuva aAdama kusvika kuna Abrahama, kubva kunaAbrahama kusvika kuna Mosesi, kubva kuna Mosesi kusvika kuna Jesu neVaapositori vake, uye kubva kuna Jesu neVaapositori vake kusvika kuna Joseph Smith, uyo andakadaidza cnengirozi dzangu, varanda vangu vekushandira, nezwi rangu kubva mumatenga, kuti aunze basa rangu;

38 Huri hwaro hwaakahwarika, uye achitendeka; uye ndikamutora kwandiri.

39 Vazhinji vakashamiswa pamusoro perufu rwake; asi ndozvaidiwa kuti aasimbise buchapupu hwake cneropa rake, kuti iye agokudzwa uye vakaipa vagotongwa.

40 Handina kukubvisai here akuvavengi venyu, zvekuti ndakasiya uchapupu hwezita rangu?

41 Zvino, naizvozvo, teererai, imi vanhu avechechi yangu; uye nemi magosa teererai pamwechete; magashira bumambo hwangu.

42 Shingirirai mukuchengeta yose mirairo yangu, potse kutongwa kungauya pamuri, uye kutenda kwenyu kukakundikana, uye vavengi venyu vokukurirai. Saka kwazvino hapasisina. Ameni naAmeni.