Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 15


Chikamu 15

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna John Whitmer, paFayette, New York, muna Chikumi 1829 (History of the Church, 1:50). (Ona musoro wenyaya kuchikamu 14.) Mashoko aya akanangana nemunhu mumwechete nokuti Ishe vanotaura zvakange zvichizivikanwa kuna John Whitmer chete uye naivo. John Whitmer akazove mumwe weVapupuri Vasere kuBhuku raMormoni.

1–2, Ruoko rwaIshe rwuri pamusoro penyika yose; 3–6, Kuparidza vhangeri nekuponesa mweya ndichochinhu chakanyanya kukosha.

1 Teerera, muranda wangu John, uye uteerere kumazwi aJesu Kristu, Ishe vako neMununuri wako.

2 Nokuti tarisai, ndinotaura kwauri nehukari uye anesimba, nokuti ruoko rwangu rwuri pamusoro penyika yose.

3 Uye ndichakutaurira icho chisina mumwe munhu anoziva kunze kwangu newe wega—

4 Nekuti kwenguva zhinji wakada kuziva kwandiri icho chingazove chakakoshesesa kwauri.

5 Tarisai, wakaropafadzwa iwe pamusoro pechinhu ichi, uye nokutaura mazwi angu ayo andakupa maererano nemirairo yangu.

6 Uye zvino tarisai, ndinoti kwauri, chinhu chichazove chakakoshesesa kwauri chichave akutaura kutendeuka kuvanhu ava, kuti ugounza mweya kwandiri, kuti bugozozorora navo cmuumambo dhwaBaba vangu. Ameni.