Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 16


Chikamu 16

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Peter Whitmer, Mwana, paFayette, New York, muna Chikumi 1829 (History of the Church, 1:51). (Ona musoro wenyaya kuchikamu 14.) Peter Whitmer, Mwana, akazove mumwe weVapupuri Vasere kuBhuku raMormoni.

1–2, Ruoko rwaIshe rwuri pamusoro penyika yose; 3–6, Kuparidza vhangeri nekuponesa mweya ndichochinhu chakanyanya kukosha.

1 aTeerera, muranda wangu Peter, uye uteerere kumazwi aJesu Kristu, Ishe vako neMununuri wako.

2 Nokuti tarisai, ndinotaura kwauri zvakajeka uye nesimba, nokuti ruoko rwangu rwuri pamusoro penyika yose.

3 Uye ndichakutaurira icho chisina mumwe munhu anoziva kunze kwangu newe wega—

4 Nekuti kwenguva zhinji wakada kuziva kwandiri icho chingazove chakakoshesesa kwauri.

5 Tarisai, wakaropafadzwa iwe pamusoro pechinhu ichi, uye nokutaura mazwi angu ayo andakupa maererano nemirairo yangu.

6 Uye zvino tarisai, ndinoti kwauri, chinhu chichave chakakoshesesa kwauri kutaura kutendeuka kuvanhu ava, kuti ugounza mweya kwandiri, kuti ugozozorora navo muumambo hwaBaba vangu. Ameni.