Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 1


Dzidziso neZvibvumirano

Chikamu 1

Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza nekuna Joseph Smith Muporofita, munguva yemuchechi wakakosha wemagosa eChechi, wakaitirwa paHiram, kuOhio, 1 Mbudzi, 1831 (History of the Church [Nhoroondo yeChechi], 1:221–224). Zvakazarurwa zvizhinji zvakanga zvagamuchirwa kubva kuna Ishe nguva iyi isati yasvika uye kuiswa pamwechete kweizvi kuti zvishambadzwe zvave bhuku, ndicho chaive chimwe chezvinhu zvikuru zvakatenderanwa pamusangano uyu. Chikamu ichi chinoita chisumo chaIshe kuzvidzidziso, zvibvumirano, uye nemirairo yakapihwa munguva ino.

1–7, Izwi rekuyambira riri kuvanhu vose; 8–16, Kurasika pachitendero nehuipi kunotungamira Kuuya Kwechipiri; 17–23, Joseph Smith anodaidzwa kuti adzorere panyika chokwadi uye nemasimba aIshe; 24–33, Bhuku raMormoni rinounzwa, uye Chechi yechokwadi inomiswa; 34–36, Runyararo rwuchabviswa panyika; 37–39, Nzverai mirairo iyi.

1 Teererai imi vanhu avechechi yangu, inotaura izwi reuyo agere kumusoro, uye ane bmaziso ari pamunhu wose; hongu, zviro kwazvo ndinoti: cTeererai imi vanhu munobva kure; uye nemi muri pamusoro pezvitsuwa zvegungwa, teererai pamwechete.

2 Nokuti zviro kwazvo aizwi raIshe riri kuvanhu vose, uye hakuna banopunyuka; uye hakuna ziso richatadza kuona, kana nzeve ichatadza kunzwa, kana cmwoyo uchatadza kupindwa.

3 Uye avapanduki vachabaiwa nokusuwa kukuru; nokuti kuipa kwavo bkuchataurwa pamusoro pedzimba, uye zviito zvavo zvemuruvande zvichaiswa pachena.

4 Uye aizwi rekuyambira richave kuvanhu vose, nemiromo yevadzidzi vangu, avo vandakasarudza mumazuva ano bekupedzisira.

5 Uye vachaenda mberi uye hapana achavarambidza, nokuti ini Ishe ndakavaraira.

6 Tarisai, iyi aimvumo yangu, uye nemvumo yevaranda vangu, nechisumo changu kubhuku remirairo yangu, yandakavapa kuti bvaishambadze kwamuri, vagari vepanyika.

7 Nokudaro aityai uye mubvunde, imi vanhu, nokuti ini Ishe zvandataura mavari bzvichazadzikiswa.

8 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti avo vachaenda mberi, vakatakura mazwi aya kuvagari vepasi, kwavari simba rinopihwa arekusunga kwose panyika nekudenga, uye avo vasingatende bnevapanduki;

9 Hongu, zvirokwazvo, kuvasunga kuitira zuva iro ahasha dzaMwari dzichadirwa pamusoro bpevakaipa zvisina mupimo—

10 aPazuva iro Ishe ravachauya bkuzopa mubairo kumunhu wose maererano cnebasa rake, dnemwero kumunhu wose maererano nekuyera nekwaanenge ayera nako kune mumwe wake.

11 Nokudaro izwi raIshe riri nekumigumo yenyika, kuti vose avo vanoda kunzwa, vanzwe:

12 Gadzirirai imi, gadzirirai imi icho chichauya, nokuti Ishe vave pedyo;

13 Uye ahasha dzaIshe dzatungidzwa, bnemunondo wavo wasukwa mudenga, uye uchawira pavagari vepasi.

14 Uye aruoko rwaIshe rwucharatidzwa; uye zuva richauya iro rekuti avo vasingade bkunzwa izwi raIshe, kana izwi revaranda vavo, kana cvasingateerere mashoko evaporofita nevaapositori, dvachabviswa kubva mukati mevanhu;

15 Nokuti avarasika kubva bmuzvisungo zvangu, uye cvatyora chibvumirano changu dchisingaperi;

16 aHavatsvake Ishe kuti vamise kururama kwavo, asi wose munhu anofamba bmunzira dzake cpachake, uye achitevera dmufananidzo wamwari wake pachake, uyo ane chimiro chakafanana nezvemunyika, uye hunhu hwacho huri hwechivezwa, icho echinochembera uye chofira fmuBabironi, kunyangwe Babironi huru, iyo ichapunzika.

17 Nokudaro, ini Ishe, ndichiziva njodzi ichauya apavagari vepasi ndakadaidza muranda wangu Joseph Smith, Mwana, uye ndikataura naye ndiri kudenga, uye ndikamupa mirairo;

18 Uye ndikapawo mirairo kune vamwe, kuti vashambadze zvinhu izvi kunyika; uye zvose izvi kuti zvizadzikiswe, izvo zvakanyorwa nemaporofita—

19 aZvisinasimba zvemunyika zvichauya zvigotyora vemasimba uye nevakasimba, kuti munhu asaraye mumwe wake, kana bkuvimba neruoko rwenyama—

20 Asi kuti wose munhu aataure muzita raMwari Ishe, kunyangwe iye Muponesi wenyika;

21 Kutiwo rutendo rwuwande panyika;

22 Kuti achibvumirano changu chisingaperi chimiswe;

23 Kuti kuzara akwevhangeri rangu bkushambadzwe cnevasinasimba nevanhuwo zvavo, kusvika kumagumo enyika, nepamberi pemadzimambo nevatongi.

24 Tarisai, ndini Mwari uye ndazvitaura; amirairo iyi ndeyangu, uye yakapihwa kuvaranda vangu mukushaya simba kwavo, mutsika byerurimi rwavo, kuti vasvike cmukunzwisisa.

25 Uye kuti kana vakakanganisa zviitwe kuti zvizivikanwe.

26 Kuti kana sokutsvaga kwavanoita aungwaru vachadzidziswa;

27 Uye kuti kana sokutadza kwavanoita avanorangwa, kuti bvatendeuke;

28 Kuti kana vakange avakazvininipisa vachaitwa kuti vasimbe, uye vagoropafadzwa kubva kumusoro, uye vagogashira bruzivo nguva nenguva.

29 Uye mushure mekugashira zvinyorwa zvemaNifai, hongu, kunyangwe muranda wangu Joseph Smith, Mwana, ave anokwanisa kuwana simba rekududzira kuburikidza nenyasha dzaMwari, nesimba raMwari, aBhuku raMormoni.

30 Uyewo neavo vakapihwa mirairo iyi vagove vanowana asimba rekuwaridza hwaro bhwechechi ino, uye nekuriburitsa kubva mukusaziikanwa uye cnemurima, iro chete dchechi rechokwadi uye rinorarama pamusoro pepasi rose, randinoti ini Ishe, erinondifadza zvikuru, ndichitaura kuchechi pamwechete kwete kune mumwe nemumwe—

31 Nokuti ini Ishe handigone kutarisa achitadzo ndigombochibvumira kana nepadukuduku zvapo;

32 Zvisinei, uyo anotendeuka uye oita mirairo yaIshe aacharegererwa;

33 Uye uyo aasingatendeuke, kwaari bkuchabviswa kunyangwe chiedza chaakagashira; nokuti cMweya wangu hauzogara duchinetsana nemunhu, vanodaro Ishe veHondo.

34 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vagari vepasi: Ini Ishe ndinoda kuita kuti zvinhu izvi zvizikanwe kune venyama avose;

35 Nokuti handina atsvete kuvanhu, uye ndinoda kuti vose vanhu vazive kuti bzuva riri kukurumidza kuuya; nguva haisati yasvika, asi iri pedyo, apo crunyararo rwuchabviswa panyika, uye ddhiabhorosi achave nesimba munzvimbo yake.

36 Uye naiyewo Ishe vachave nesimba akuvatendi vavo, uye bvachatonga vari cpakati pavo, uye vachauya pasi vari dmukutonga emuEdomi, kana kuti nyika.

37 Nzverai amirairo iyi nokuti ndeye chokwadi uye yakatendeka, uye huporofita bnezvivimbiso zviri mairi, zvose zvichazadzikiswa.

38 Zvandataura ini Ishe, ndataura, uye handitsvage chikonzero; uye kana dai zvazvo denga nenyika zvichipfuura, aizwi rangu haripfuuri, asi zvose bzvichazadzikiswa, kunyangwe cnezwi rangu ini kana nezwi dravaranda vangu, ezvakangofanana.

39 Nokuti tarisai, uye onai, Ishe ndiMwari, uye aneMweya unopupura, uye uchapupu ndehwe chokwadi, uye bchokwadi chinogara nariini nariini. Ameni.