Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 21


Chikamu 21

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita kuFayette, New York, 6 Kubvumbi, 1830 (History of the Church, 1:74–79). Chakazarurwa ichi chakapihwa pakarongwa Chechi, pazuva rataurwa, mumba maPeter Whitmer, Baba. Varume vatanhatu, vakanga vabhabhatidzwa, vaivepo. Nesarudzo yakabvumiranwa nevose vanhu ava vakaratidza chido chavo nokuzvipira kwavo kuti varonge, maererano nomurairo waMwari (ona chikamu 20). Vakabvumawo kugashira nekutsigira Joseph Smith, Mwana, naOliver Cowdery sevatungamiri veChechi. Nekugadza maoko, Joseph akagadza Oliver ugosa hweChechi, uye Oliver zvimwechetewo akagadzawo Joseph. Mushure mekuropafadza sakaramende, Joseph naOliver vakaisa maoko pamunhu nemunhu kuvapa Mweya Mutsvene uye nokusimbisa mumwe nemumwe senhengo yeChechi.

1–3, Joseph Smith anodaidzwa kuva muoni, mududziri, muporofita, muapositori, negosa; 4–8, Izwi rake richatungamira chinangwa cheZioni; 9–12, Vatendi vachatenda mazwi ake paanotaura kuburikidza neMunyaradzi.

1 Tarisai, pachave anezvinyorwa zvinochengetwa pakati penyu; uye mazviri uchanzi bmuoni, mududziri, muporofita, cmuapositori waJesu Kristu, gosa rechechi kuburikidza nekuda kwaMwari Baba, uye nenyasha dzaIshe vako Jesu Kristu,

2 aUchifemerwa neMweya Mutsvene kuti uhwarika hwaro hwayo, uye nokuivaka kurutendo rwutsvene tsvene.

3 Riri achechi brakarongwa uye rakamiswa mugore raIshe wenyu 1830, mumwedzi wechina, uye muzuva rechitanhatu remwedzi unonzi Kubvumbi.

4 Nokudaro, zvakanangana nechechi, muchateerera akumazwi ake ose nemirairo yaachapa kwamuri sekugashira kwaanenge achiita, achifamba bmuhutsvene hwose pamberi pangu;

5 Nokuti ashoko rake mucharigashira, sekunge ririkubva mumuromo mangu, mumwoyo murefu wose nerutendo.

6 Nokuti mukuita zvinhu izvi amasuwo egehena haazokukundai; hongu, uye Ishe Mwari anoparadza masimba berima kubva kwamuri, uye nokuita kuti matenga cazunguzike zvinonakira imi, uye dnezvekurumbidzwa kwezita rake.

7 Nokuti ndiko kutaura kwaIshe Mwari; Iyeyo ndiye wandakafemera kufambisa chinangwa acheZioni musimba guru munezvakanaka, nekushingaira kwake ndinokuziva, uye minamato yake ndakainzwa.

8 Hongu, kuchemera kwake Zioni ndakakuona, uye ndichaita kuti asazoichemera zvakare; nokuti mazuva ake ekufara auya amukuregererwa kwezvitadzo zvake, uye nokuonekwa kwemaropafadzo angu pamabasa ake.

9 Nokuti tarisai, andicharopafadza vose avo vanoshanda mumunda wangu bwemizambiringa nemaropafadzo makuru, uye ivo vachatenda nemazwi ake, anopihwa kwaari kuburikidza nekwandiri cnaMweya Munyaradzi, ayo danoratidza kuti Jesu eakaroverwa nevanhu vane fzvitadzo pamusoro pezvitadzo gzvenyika, hongu, kuitira kuregererwa kwezvitadzo kune mwoyo hwakapfava.

10 Nokudaro zvinondifadza kuti anofanira akugadzwa newe Oliver Cowdery, muapositori wangu;

11 Ichi chiri chisungo kwauri, kuti uri gosa pasi peruoko rwake, iye ari awekutanga kwauri, kuti uve gosa kuchechi ino yaKristu, ine zita rangu.

12 Uye muparidzi wekutanga kuchechi ino, uye pamberi penyika, hongu, pamberi pamaJentairi; hongu ndiko kutaura kunoita Ishe Mwari, tarisa, tarisa anekumaJudawo. Ameni.