Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 22


Chikamu 22

Zvakazarurwa zvakapihwa nekuna Joseph Smith Muporofita, paManchester, New York, Kubvumbi 1830 (History of the Church, 1:79–80). Chakazarurwa ichi chakapihwa kuChechi nekuda kwevamwe vakanga vakambobhabhatidzwa vachida kubatana neChechi pasina kubhabhatidzwa zvakare.

1, Rubhabhatidzo chibvumirano chitsva uye chisingaperi; 2–4, Rubhabhatidzo rwune mvumo ndirwo rwunodikanwa.

1 Tarisai, ndinoti kwauri zvose zvibvumirano azvakare ndaita kuti zvibviswe kuburikidza nechinhu ichi; uye ichi chibvumirano chitsva bchisingaperi, icho chakabvira pakutanga.

2 Nokudaro, kana dai munhu akabhabhatidzwa kazana hapana chazvinomuyamura, nokuti haungapinde nepakamusuwo kakamanikana anemutemo waMosesi, kana nemabasa ako bakafa.

3 Nokuti pamusoro pemabasa enyu akafa ndaita kuti ndiite chibvumirano ichi chekupedzisira nechechi ino kuti zvivakirwe ini, kana semazuva akare.

4 Nokudaro, pindai anepamusuwo, sekuraira kwandaita, uye bmusatsvake kuraira Mwari venyu. Ameni.