Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 24


Chikamu 24

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita naOliver Cowdery, paHarmony, Pennsylvania, Chikunguru 1830 (History of the Church, 1:101–103). Kana zvazvo kwakanga kwapera mwedzi isingasvike mina kubvira kurongwa kwakaitwa Chechi, kutambudzwa kwakanga kwatonyanya, uye vatungamiri vaitotsvaka kupona nekuzvivanza. Zvakazarurwa zvitatu zvinotevera zvakapihwa panguva iyi kuti zvivasimbise nokuvakurudzira, nokuvaraira.

1–9, Joseph Smith anodaidzwa kuti adudzire, aparidze, nokutsanangura magwaro matsvene; 10–12, Oliver Cowdery anodaidzwa kuti aparidze vhangeri; 13–19, Mutemo unoratidzwa pamusoro pekushanda nesimba raMwari, kutukwa, kuguma guruva retsoka, nokuenda usina chikwama kana mbuva.

1 Tarisai, wakadaidzwa ukasarudzwa kuti unyore Bhuku raMormoni, uye nokuhushumiri hwangu; ndakakusimudza kubva mumatambudziko ako uye ndikakuraira, zvekuti wakabviswa kune vose vavengi vako, uye ukabviswa mumasimba aSatani uye nemurima;

2 Zvisinei, haugone kuregerwa amukutadza kwako; zvisinei, enda zvako uye usazotadza zvakare.

3 aKudza basa rako; uye mushure mekunge wadyara minda yako uye waivakirira, enda nokukurumidza kuchechi iri bmuColesville, Fayette, neManchester, uye cvachakutsigira; uye ini ndichavaropafadza zvose mumweya nemunyama;

4 Asi vakasakutambira, ndinozotumira kwavari kutukwa kunze kwemaropafadzo.

5 Uye iwe ucharamba uchienderera mberi mukudaidzira kuna Mwari muzita rangu, uye nokunyora zvinhu zvamuchapihwa anaMunyaradzi, uye nokutsanangura magwaro matsvene ose kuchechi.

6 Uye zvichapihwa kwauri munguva iyoyo azvauchataura, nekunyora, uye vachazvinzwa, kana kuti ndinotumira kwavari kutukwa kunze kwemaropafadzo.

7 Nokuti uchaisa rose abasa rako muZioni; uye mukudaro uchaita simba.

8 Iva anemwoyo murefu, bmumatambudziko, nokuti uchava neakawanda; asi cushingirire, nokuti tarisa, ndinewe, kunyangwe kusvika dkumagumo emazuva ako.

9 Uye mumabasa emunyika hauzove nesimba, nokuti iri harisi basa rako. Ita azvebasa rako uye uchazove nezvekukudzisa basa rako, uye nokutsanangura ose magwaro matsvene, ramba uchigadza maoko nokusimbisa machechi.

10 Mumwe wako Oliver acharamba ari mukutakura zita rangu pamberi penyika, uye nechechiwo. Uye haafanirwe kuzombofunga kuti angataure zvakakwana mubasa rangu; uye tarisa, ndinaye kusvika kumagumo.

11 Mandiri achawana kubwinya, kwete kwake iye, chero mukusasimba kana mukusimba, chero mukusungwa kana murusununguko;

12 Uye panguva dzose nemunzvimbo dzose achavhura muromo wake aachitaura vhangeri rangu nezwi rinenge brehwamanda, zvose masikati neusiku. Ndichamupa simba iro risingazikanwe pakati pevanhu.

13 Usatsvage azvishamiso, kunze kwekunge bndakurairai, kunze ckwekubvisa mweya dyakaipa, ekurapa vanorwara, nokurwisana nenyoka dzine fmuchetura, nemuchetura inouraya.

14 Uye zvinhu aizvi hauzozviita kunze kwekunge zvichidiwa kwauri neavo vanozvida, kuti magwaro matsvene azadzikiswe; nokuti uchaita maererano neizvo zvakanyorwa.

15 Nemunzvimbo ipi zvayo ayauchapinda, uye vasingakutambire muzita rangu, uchasiya kutukwa kunze kwemaropafadzo, kuburikidza nekugumira bguruva retsoka dzako kwavari seuchapupu, nokugeza tsoka dzako parutivi rwenzira.

16 Uye zvichaitika kuti ani zvake achaisa maoko ake pauri kukurwisa, ucharaira kuti arohwe muzita rangu; tarisai; ndichavarova maererano nemazwi ako, mukukwana kwenguva yangu.

17 Uye ani zvake achaenda kumutemo newe achatukwa nemutemo.

18 Uye hautakure achikwama kana nhava, kana mudonzvo, kana mabhatyi maviri, nokuti chechi ichakupa panguva yose icho chaunoda chekudya uye nechekupfeka, neshangu nezvemari, nenhava.

19 Nokuti wakadaidzwa akuzochekerera munda wangu wemizambiringa nokuchekerera kukuru, hongu, kunyangwe kwenguva yekupedzisira; hongu uye neavowo vose bvawakagadza, uye vachaita kunyangwe nemaererano nenzira iyoyi. Ameni.