Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 26


Chikamu 26

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, Oliver Cowdery, naJohn Whitmer, paHarmony, Pennsylvania, Chikunguru 1830 (History of the Church, 1:104). (Ona musoro wenyaya muChikamu 24.)

1, Vanorairwa kuti vadzidze magwaro matsvene nekuparidza; 2, Mutemo wekubvumirana unogashirwa.

1 Tarisai, ndinoti kwamuri mucharegera nguva yenyu ichiiswa amukudzidza magwaro matsvene, nomukuparidza, nokusimbisa chechi bkuColesville, uye nomukuita basa renyu munyika sezvinodiwa kudakara maenda kumavirira kunoita muchechi mukuru unotevera; ipapo zvichazoziviswa zvamuchaita.

2 Uye zvose zvinhu zvichaitwa anokubvumirana kwevose muchechi, neminamato yakawanda nerutendo, nokuti zvose zvinhu muchazvigashira nerutendo. Ameni.