Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 30


Chikamu 30

Zvakazarurwa zvakapihwa nekuna Joseph Smith Muporofita, kuna David Whitmer, Peter Whitmer, Mwana, naJohn Whitmer, paFayette, New York, Gunyana 1830, mushure memuchechi mukuru wemazuva matatu paFayette, asi magosa eChechi asati aparadzana (History of the Church, 1:115–116). Pakutanga chinyorwa chino chakaburitswa sezvakazarurwa zvitatu zvikazobatanidzwa kuita chikamu chimwechete neMuporofita kuitira kunyorwa muna 1835 kweDzidziso neZvibvumirano.

1–4, David Whitmer anotsiurwa pamusana pekutadza kushanda zvine simba; 5–8, Peter Whitmer, Mwana, achaperekedza Oliver Cowdery nebasa kumaRamani; 9–11, John Whitmer anodaidzwa kuti aparidze vhangeri.

1 Tarisai, ndinoti kwauri aDavid, kuti bwakatya munhu uye hauna ckuvimba neni pasimba sezvaunofanirwa.

2 Asi pfungwa yako yanga iri muzvinhu azvenyika kupfuura muzvinhu zvangu, ini Musiki vako, nehushumiri uhwo hwawakadaidzirwa; uye hauna kuteerera kuMweya wangu, uye nekune avo vakaiswa pamusoro pako, asi wakanyengerwa neavo vandisina kuraira.

3 Nokudaro unosiiwa kuti uzvitsvakire wega kubva muruoko rwangu, uye augofungisisa pamusoro pezvinhu zvawatambira.

4 Uye musha wako uchave kumba kwababa vako, kudakara ndakupa mimwe mirairo. Uye uchabatsira amuhushumiri muchechi, uye nepamberi penyika, uye nemumatunhu akatenderedza. Ameni.

5 Tarisai, ndinoti kwauri, aPeter, uchatora brwendo rwako nehama yako Oliver; nokuti cnguva yasvika zvekuti zvinofanira kwandiri kuti uchashama muromo wako kuparidza vhangeri rangu; naizvozvo usatye, asi dteerera kumazwi nekuraira kwehama yako, uko kwaachakupa.

6 Uye utambudzike mukutambudzika kwake kwose, uchigara uchisimudzira mwoyo wako kwandiri nemunamato nemurutendo, kuitira kununurwa kwake nekwako, nokuti ndamupa simba rekuti avake achechi yangu pakati bpemaRamani;

7 Uye hakuna wandakamisa kuve murairi wake ari apamusoro pake muchechi, maererano nenyaya dzemuchechi, kunze kwekunge ari hama yake, Joseph Smith, Mwana.

8 Nokudaro, teerera kuzvinhu izvi uye ushingaire mukuchengeta mirairo yangu, uye ucharopafadzwa kuupenyu hwokusingaperi. Ameni.

9 Tarisai, ndinoti kwauri, iwe muranda wangu John, kuti uchatanga kubvira zvino akuparidza vhangeri rangu, bnezwi rinenge hwamanda.

10 Uye basa rako richave kwehama yako Philip Burroughs, uye nemudunhu iroro, hongu, pose paunganzwikwe, dakara ndakuraira kuti ubvepo.

11 Uye kushanda kwako kose kuchave muZioni, nemweya wako wose, kubvira zvino, hongu, uchagara uchishama muromo wako muchinangwa changu, ausingatye zvinoitwa bnemunhu nokuti ini cndinewe. Ameni.