Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 32


Chikamu 32

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Parley P. Pratt naZiba Peterson, Gumiguru 1830 (History of the Church, 118–120). Kufara kukuru nechido zvakanzwika namagosa pamusoro pemaRamani, avo vane maropafadzo akafanotaurwa pamusoro pavo akanga adzidzwa nezvawo neChechi kubva mubhuku raMormoni. Naizvozvo, munamato wakaitwa kuti Ishe varatidze kuda kwavo kuti magosa angatumirwe here panguva iyoyo kumarudzi emaIndia vari kuMadokero. Chakazarurwa ichi chakatevera.

1–3, Parley P. Pratt naZiba Peterson vanodaidzwa kuti vaparidze kumaRamani uye nokuperekedza Oliver Cowdery naPeter Whitmer, Mwana; 4–5, Vanofanira kunamatira nzwisiso yemagwaro matsvene.

1 Uye zvino pamusoro pemuranda wangu aParley P. Pratt, tarisai, ndinoti kwaari sezvo ndiri mupenyu ndinoda kuti azoparidza vhangeri rangu uye bnokudzidza nezvangu, uye ave wakazvirereka, uye ainemwoyo munyoro.

2 Uye icho chandakapa kwaari ndechekuti aachaenda nevaranda vangu, Oliver Cowdery naPeter Whitmer, Mwana, murenje mukati bmemaRamani.

3 Uyewo aZiba Peterson achaenda navo; uye ini pachangu ndichaenda navo ndigove bpakati pavo; uye ndini cmurevereri wavo kuna Baba, hakuna chichazovakunda.

4 aVachateerera kune icho chakanyorwa, vasingazoteedza zvimwe bzvakazarurwa; uye vachanamata nguva dzose kuti cndigovazarurira zvimwechetezvo kuti dvazvinzwisise.

5 Vachateerera kumazwi aya uye vasingaite zvekutamba neni, uye neni ndichavaropafadza. Ameni.