Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 43


Chikamu 43

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, muna Kukadzi 1831 (History of the Church, 1:154–156). Panguva iyi dzimwe nhengo dzeChechi dzakanga dzichikanganiswa nevanhu vaitaura zvenhema vachiti vazaruri. Muporofita akabvunza kuna Ishe uye vakatambira mazwi aya akanga akanangana nemagosa eChechi. Chidimu chekutanga chinobata nezve nyaya dzematongerwo eChechi; chechipiri chinopa yambiro yekuti magosa anofanira kupa kumarudzi enyika.

1–7, Zvakazarurwa nemirairo zvinouya chete kuburikidza neuyo akadomwa; 8–14, Vatendi vanotsveneswa kuburikidza nokufamba muutsvene hwose pamberi paIshe; 15–22, Magosa anotumwa kuti anodaidzira kutendeuka uye nokugadzirisa vanhu kuzuva guru raIshe; 23–28, Ishe vanodaidza vanhu nezwi ravo uye nokuburikidza nemasimba enyika; 29–35, Mereniamu nekusungwa kwaSatani zvichauya.

1 Tererai, imi magosa echechi yangu, uye mupe nzeve kumazwi andichataura kwamuri.

2 Nokuti tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kuti magashira murairo uchave amutemo muchechi yangu, kuburikidza naiye uyo wandakakudomerai kuti agashire bmirairo nezvakazarurwa kubva muruoko rwangu.

3 Uye izvi muchazviziva zvechokwadi—kuti hakuna mumwezve wamakadomerwa kuti agashire mirairo nezvakazarurwa kudakara atorwa, kana ari aanogara mandiri.

4 Asi zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ahakuna mumwezve achadomwa kuchipo ichi kunze kwekunge zvaitwa kuburikidza naiye; nokuti kana chikabviswa kwaari haazowana simba kunze kwekutodoma mumwe panzvimbo yake.

5 Uye izvi zvichave mutemo kwamuri, kuti hamuzogashira dzidziso yaani zvake achauya pamberi penyu sezvakazarurwa kana semurairo;

6 Uye izvi ndinokupai kuti amusazonyengedzwa, kuti mugoziva kuti havasi vekwangu.

7 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti uyo aakagadzwa neni achapinda bnepasuwo uye ozogadzwa sekukutaurirai kwandaita kare, kuzodzidzisa izvo zvakazarurwa zvamakagashira uye zvamuchagashira kuburikidza naiye wandakadoma.

8 Uye zvino tarisai, ndinokupai murairo, kuti kana maungana pamwechete amuchadzidzisana nekusimudzirana, kuti mugoziva zvekuita nekutungamira chechi yangu, zvekuita pamusoro pemitemo nemirairo yangu, iyo yandakapa.

9 Uye muchave makadzidziswa mumutemo wechechi yangu, uye amugocheneswa neicho chamagashira, uye muchazvisunga mega kuti mushande neutsvene hwose pamberi pangu—

10 Kuti kana muri munoita izvi, kubwinya akuchapamhidzirwa paumambo hwamakagashira. Kana musiri kuzviita, bzvichabviswa, kunyangwe neichocho chamakagashira.

11 Bvisai akutadza kuri mukati menyu; zvichenesei pamberi pangu;

12 Uye kana muchida kubwinya kweumambo, domai muranda wangu Joseph Smith, Mwana, uye amomutsigira pamberi pangu nemunamato werutendo.

13 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, kana muchida azvakavanzika zveumambo, mupei zvekudya nezvipfeko, kana nechose zvacho chaanoda kuti aite basa randakamuraira;

14 Uye mukasazviita acharamba ari kune avo vakamugashira, kuti ini ndizvichengetere vanhu avakachena pamberi pangu.

15 Zvakare ndinoti, teererai imi magosa echechi yangu, imi vandakasarudza: Hamuna kutumirwa kuti muzodzidziswa, asi kuti amudzidzise vana vevanhu zvinhu zvandakaisa mumaoko enyu nesimba breMweya wangu;

16 Uye amuchadzidziswa kubva kumusoro. bZvichenesei, uye muchava cmunopihwa simba, kuti mugopa kunyangwe sekutaura kwandakaita.

17 Teerai imi, nokuti tarisai, azuva bguru raIshe rave pedyo.

18 Nokuti zuva riri kuuya rekuti Ishe vachataura aizwi ravo richibva kudenga; matenga bachazunguzika uye nyika cichadedera, uye dhwamanda yaMwari icharira kwenguva refu neruzha, uye vachati kumarudzi akarara: Imi vatsvene emukai murarame; imi vatadzi fgarayi uye gmurare kudakara ndadzoka zvakare.

19 Nokudaro sungira nguwo dzako muchiuno potse mungawanikwe muri mukati mavakaipa.

20 Simudzai mazwi enyu musanyarare. Daidzirai kumarudzi kuti atendeuke, vose vakuru nevadiki, vose vakasungwa nevakasununguka, muchiti: Zvigadzirirei kuitira zuva guru raIshe;

21 Nokuti kana ini, anove munhu, ndichisimudza izwi uye ndichikudaidzai kuti mutendeuke, uye imi mondivenga, muchazoti chii kana zuva rauya apo amabhanan’ana achataura mazwi aya kubva kumagumo enyika, achitaura kunzeve dzeavo vose vapenyu, achiti—Tendeukai, uye mugadzirire zuva guru raIshe?

22 Hongu, uye zvakare, kana mheni dzopenya kubva kumabvazuva dzichienda kumadokero, uye dzichitaura mazwi adzo kune vose vapenyu, uye dzichiita kuti dzose nzeve dzisekenyedzeke dzeavo vari kunzwa, dzichitaura mazwi aya—Tendeukai imi, nokuti zuva guru raIshe rauya?

23 Uye zvakare, Ishe vachataura izwi ravo richibva kudenga, achiti, Teererai imi marudzi enyika, uye munzwe mashoko eavo Mwari vakakusikai.

24 Imi marudzi enyika, kangani kandingadai ndakakuunganidzai pamwechete asehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pemapiro ayo, asi imi bmairamba!

25 Kangani andichikudaidzai nemiromo byevaranda vangu, uye cnokushumira kwengirozi, uye nezwi rangu pachangu, uye nezwi remabhanan’ana, uye nezwi remheni, uye nezwi remadutu, uye nezwi rekundengendeka kwenyika, uye nemvura huru ine zvimvuramabwe, uye nezwi drenzara uye nezvirwere zvemarudzi ose, uye nekuridzwa kukuru kwehwamanda, uye nezwi rekutonga, uye nezwi eretsitsi muswere wose wezuva, uye nezwi rekubwinya nerukudzo uye neupfumi hweupenyu hwokusingaperi, uye ndingadai ndakakuponesai fneruponeso rwusingaperi, asi hamuna kuda!

26 Tarisai, zuva rauya, apo mukombe wehasha dzangu nekushatirwa kwangu wazara.

27 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti aya mazwi aIshe Mwari venyu.

28 Nokudaro, ashandai imi, shandai imi mumunda wangu wemuzambiringa kwenguva yekupedzisira—kwenguva yekupedzisira daidzirai vagari vepasi.

29 Nokuti mukusvika kwenguva yangu andichauya pasi munyika mukutonga, uye vanhu vangu vachadzikinurwa uye vagotonga neni panyika.

30 Nokuti aMereniamu huru iyo yataurwa nemiromo yevaranda vangu, ichauya.

31 Nokuti aSatani bachasungwa, uye paachazosunungurwa zvakare achazotonga kwemwaka cmudiki, uye kobva kwauya dkuguma kwenyika.

32 Uye uyo anogara amukururama bachashandurwa mukubwaira kweziso, uye nyika ichapfuura sekupiswa nemoto.

33 Uye vakaipa vachaenda amumoto usingadzimike, uye magumo avo hapana munhu anoziva munyika, kana achazoziva nariini, kudakara vauya kwandiri bmukutongwa.

34 Teererai imi kumazwi aya. Tarisai, ndini Jesu Kristu, aMuponesi wenyika. bKoshesai zvinhu izvi mumwoyo yenyu, uye morega ckuera kwekusingaperi dkugare emupfungwa dzenyu.

35 Ivai amakadzikama. Chengetai mirairo yangu yose. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.