Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 47


Chikamu 47

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 8 Kurume 1831 (History of the Church, 1:166). Nguva iyi isati yasvika, Oliver Cowdery akanga ambofanobata chinzvimbo chemunyori wenhoroondo yeChechi uye semutapi. John Whitmer akanga asati atsvagwa kuitwa munyori wenhoroondo, asi akumbirwa kushanda munzvimbo iyi, akati achateerera kuda kwaIshe. Akanga atoshanda semunyori weMuporofita nokunyora zvizhinji zvezvakazarurwa zvakagashirwa muFayette, mudunhu reNew York.

1–4, John Whitmer anosarudzwa kuti achengete nhoroondo dzeChechi uye nekunyorera Muporofita.

1 Tarisai, zvakafanira kwandiri kuti muranda wangu John anofanira kunyora uye nekuchengeta anhoroondo nguva dzose, uye nokukuyamura iwe, muranda wangu Joseph, nekunyora zvose zvinhu zvauchapihwa, kudakara adaidzwa kune mamwe mabasa.

2 Zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwauri, anogona kusimudzawo izwi rake mumichechi, pose pazvinenge zvakakodzera.

3 Uye zvakare, ndinoti kwauri zvichapihwa kwaari kuti achengete zvinyorwa zvechechi nenhoroondo nguva dzose; nokuti Oliver Cowdery ndamudomesa kune chimwe chinzvimbo.

4 Nokudaro, zvichapihwa kwaari, kana ari akatendeka, aneMweya Munyaradzi, kuti anyore zvinhu izvi. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.