Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 4


Chikamu 4

Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza nekuna Joseph Smith Muporofita zvichipihwa kuna baba vake, Joseph Smith, Baba, paHarmony, Pennsylvania, muna Kukadzi 1829 (History of the Church, 1:28).

1–4, Kusatya pakushanda kunoponesa vashumiri vaIshe; 5–6, Kuita kwehumwari kunoita kuti vakodzere hushumiri; 7, Zvinhu zvaMwari zvinofanira kutsvagwa.

1 Zvino tarisai, basa arinoshamisa rave kuda kuuya pakati pevana vevanhu.

2 Naizvozvo, imi munopinda amubasa raMwari, onai kuti bmamushandira cnemwoyo yenyu yose, nokugwinya, nepfungwa, uye nesimba, kuti mumire dmusina mhaka pamberi paMwari pazuva rokupedzisira.

3 Naizvozvo, kana muine chido chekushandira Mwari, amunodaidzwa kubasa;

4 Nokuti tarisai amunda wachena wave kuda bkukohwewa uye onai; uyo anoisa jeko rake nokugwinya, iyeyo canochengetedza zvekuti asafe, asi anounza ruponeso kumweya wake;

5 Uye arutendo, btariro, crudo rwakadzama dnerudo, eneziso rakatarisana bedzi fkukubwinya kwaMwari, kunomuita kuti akwanise basa.

6 Rangarira rutendo, atsika, ruzivo, kuzvidzora, bmwoyo murefu, tsitsi kunevamwe, umwari, rudo crwakadzama, kuzvirereka, dkushingaira.

7 aKumbira, uye uchagashira; gogodza, uye richazarurirwa kwauri. Ameni.