Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 54


Chikamu 54

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Newel Knight, paKirtland, Ohio, Chikumi 1831 (History of the Church, 1:180–181). Nhengo dzeChechi mubazi rekuThompson, Ohio, vakanga vachipesana munyaya dzainga dziri maererano nekupirwa kwezvinhu. Hudyire nemakaro zvakabuda pachena, uye Leman Copley akanga atyora chibvumirano chake chekutsaura purazi rake guru senzvimbo yenhaka yaVatendi vakanga vachisvika kubva kuColesville, New York, Ezra Thayre akanga arimo mukusawirirana uku. Pamusana paizvozvo, Newel Knight (mutungamiri webazi rekuThompson) nemamwe magosa vakanga vauya kuMuporofita vachibvunza kuti voita sei. Muporofita akabvunza kuna Ishe uye ndokugashira chakazarurwa chino. (Ona chikamu 56, chinove ndichochinoenderera mberi nenyaya yacho.)

1–6, Vatendi vanofanira kuchengeta chibvumirano chevhangeri kuti vawane tsitsi; 7–10, Vanofanira kuve nemwoyo murefu mumatambudziko.

1 Tarisai, vanodaro Ishe, kunyangwe aArfa naOmega, kutanga nokuguma, kunyangwe ivo bvakaroverwa pamusana pezvivi zvenyika—

2 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, muranda wangu Newel Knight, uchamira wakasimba muchinzvimbo icho chandakakudomera.

3 Uye kana hama dzako dzichida kupunyuka kuvavengi vadzo, regai vatendeuke kuzvitadzo zvose zvavo, uye vave avakazvininipisa zvechokwadi pamberi pangu uye vakazvirereka kwazvo.

4 Uye sezvo achibvumirano chavakaita kwandiri chakatyorwa, kunyangwe saizvozvo chave bchakapfudzwa chisisina simba.

5 Uye nhamo kwaari uyo anounza amhosva iyi, nokuti zvaitove nani kwaari dai akanga anyura muhudzame hwegungwa.

6 Asi vakaropafadzwa avo vakachengeta chibvumirano uye vakateerera murairo, nokuti vachawana atsitsi.

7 Nokudaro, endai zvino mutize nyika, potse vavengi venyu vangauye pamuri; uye endai rwendo rwenyu, mudome uyo wamunoda kuti ave mutungamiri wenyu, uye anokukubvisirai mari dzenyu.

8 Uye zvakadaro, muchatora rwendo rwenyu muchienda kumatunhu ekumadokero, kusvika kunyika ayeMissouri, kumiganhu yemaRamani.

9 Uye mushure mekunge mapedza rwendo, tarisai, ndinoti kwamuri, tsvagaiwo azvekurarama nazvo sevarume, kudakara ndakugadzirirai nzvimbo.

10 Uye zvakare, ivai anemwoyo murefu mumatambudziko kudakara bndauya; uye, tarisai, ndinouya nokukurumidza, uye mubairo wangu uneni, uye avo vakakasika ckunditsvaga vachawana dzororo kumweya yavo. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.