Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 60


Chikamu 60

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, muRuwa rweJackson County, Missouri, 8 Nyamavhuvhu 1831 (History of the Church, 1:201–202). Panguva iyi magosa akanga adomwa kuti adzokere kuMabvazuva vakada kuziva kuti vanofamba sei nenzira ipi nechavanofambisa.

1–9, Magosa vanofanira kuparidza vhangeri mumagungano evakaipa; 10–14, Havana kufanira kurasa nguva yavo, kana kufusira zvipo zvavo; 15–17, Vanogona kushamba tsoka dzavo seuchapupu pamusoro peavo vanoramba vhangeri.

1 Tarisai, vanodaro Ishe kumagosa echechi yavo, avo vakafanira kudzokera nokukurumidza kunyika kwavakabva: Tarisai, zvinondifadza ini, kuti mauya kuno;

2 Asi nevamwe handinyatsofara, nokuti havadi kuzurura amiromo yavo, asi bvanoviga chipo chandakapa kwavari, pamusana cpekutya munhu. Nhamo kune vakadaro, nokuti hasha dzangu dzinobatidzwa kwavari.

3 Uye zvichaitika kuti, kana vasiri vakatendeka zvikuru kwandiri, achichatorwa, kunyangwe neicho chavainacho.

4 Nokuti ini Ishe, ndinotonga mumatenga kumusoro, uye nepakati apemawuto epasi; uye muzuva iro randichaunganidza bzvishongo zvinokosha zvangu, vose vanhu vachaziva kuti chii icho chinotaura simba raMwari.

5 Asi zvirokwazvo, ndichataura kwamuri pamusoro perwendo rwenyu kunyika uko kwamakabva. Ngakugadzirwe chikepe, kana kuti chitengwe, sezvamunoona zvakakunakirai, hazvina mhosva kwandiri, uye mutore rwendo rwenyu nokukurumidza kuenda kunzvimbo inonzi St Louis.

6 Uye kubva ikoko regai varanda vangu, Sidney Rigdon, Joseph Smith, Mwana, naOliver Cowdery, vatore rwendo rwavo kuenda kuCincinnati;

7 Uye munzvimbo iyoyi regai vasimudze mazwi avo uye vataure shoko rangu nezwi guru, pasina hasha kana kukahadzika, vachisimudzira maoko matsvene pavari. Nokuti ndinokwanisa kukuitai avatsvene, uye zvitadzo zvenyu bmazviregererwa.

8 Uye regai vakasara vatore rwendo rwavo kubva kuSt. Louis, vari vaviri-vaviri, uye vachiparidza shoko, kwete mukukurumidza, pakati chechi dzevakaipa, kudakara vadzokera chechi dzavakabva.

9 Uye zvose izvi zvichaitirwa kunakira machechi; nechinangwa ichi ndavatumira.

10 Uye regai muranda wangu aEdward Partridge agove mari yandamupa, imwe kumagosa angu arairwa kuti adzokere;

11 Uye uyo anokwanisa, regai aidzore nekumumiririri; uyo asingakwanise, kwaari haidiwe.

12 Uye zvino ndavekutaura nevakasara vanofanira kuuya munyika muno.

13 Tarisai, vakatumirwa kuzoparidza vhangeri rangu pakati pemachechi evakaipa; nokudaro ndinovapa murairo, saizvozvi: aMusazoparadza nguva yenyu, kana kuti mugofusira bchipo chenyu kuti chirege kuzivikanwa.

14 Uye mushure mekunge mauya kunyika yeZioni, uye maparidza shoko rangu mukurumidze kudzoka muchishambadza izwi rangu pakati pemagungano evakaipa, kwete mukukurumidza, kana amukushatirwa kana mukupokana.

15 Uye mugumhe aguruva retsoka dzenyu pamusoro peavo vasingakugashirei, kwete vachiona, potse mungazovadenha, asi muruvande; uye mugeze tsoka dzenyu, seuchapupu hunovarwisa muzuva rekutongwa.

16 Tarisai, izvi zvakakwana kwamuri, uye nechido cheivo vakakutumai.

17 Uye nemuromo wemuranda wangu Joseph Smith, Mwana, zvichaitwa kuti zvizivikanwe zviri maererano naSidney Rigdon naOliver Cowdery. Zvasara zvichazouya mushure. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.