Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 71


Chikamu 71

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita uye naSidney Rigdon, paHiram, Ohio, 1 Zvita, 1831 (History of the Church, 1:238–239). Muporofita akanga achienderera mberi nekududzira Bhaibheri, Sidney Rigdon ari munyori wake kusvika panguva yakagashirwa chakazarurwa chino, panguva iyoyi chakamboiswa parutivi kuti zvivaite kuti vagone kuzadzikisa zvairairwa imomo. Hama dzaifanira kuenda kunoparidza kuti vabvise pfungwa dzakaipa dzakange dzavepo maererano neChechi pamusana pezvakamboshambadzwa mumapepanhau naEzra Booth uyo akange arasika pachitendero.

1–4, Joseph Smith naSidney Rigdon vanotumwa kunoparidza vhangeri; 5–11, Vavengi vevatendi vachanyadziswa.

1 Tarisai, vanodaro Ishe kwamuri imi varanda vangu Joseph Smith Mwana, anaSidney Rigdon, kuti nguva, zvirokwazvo yauya kuti zvinofanira uye nokudiwa mandiri, kuti muzarure miromo yenyu bmukushambadza vhangeri rangu, zvinhu zveumambo, muchitsanangura czvakavanzika muchizviburitsa mumagwaro matsvene, maererano nemugove uyo weMweya nesimba izvo zvichapihwa kwamuri, kunyangwe sekuda kwangu ini.

2 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, paridzai kunyika mumatunhu akatenderedza, uye nemuchechiwo, kwechinguva chakati kuti, kunyangwe kusvika zvaitwa kuti zviziviswe kwamuri.

3 Zvirokwazvo iri ibasa rechinguvana, randiri kupa kwauri.

4 Nokudaro, shandai imi mumunda wangu wemizambiringa. Daidzirai kuvagari vemunyika, uye mupe uchapupu, uye mugadzirire nzira yemirairo nezvakazarurwa izvo zvichauya.

5 Zvino, tarisai uhu hungwaru; ani zvake anoverenga, regai aanzwisise uye bagogashirawo;

6 Nokuti kune uyo anogashira achapihwa zvizhinji azvakawedzerwa, kunyangwe simba.

7 Nokudaro, akangaidzai vavengi venyu; vadaidzei kuti bvasangane nemi kwose, pane vanhu uye nepamunenge muri mega; uye imi kana muri vakatendeka kunyara kwavo kuchaiswa pachena.

8 Nokudaro, regai vaunze zvikonzero zvavo zvakasimba zvekurwisana naIshe.

9 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwamuri—hakuna achombo chinoitirwa kukurwisai chichabudirira;

10 Uye kana mumwe munhu akasimudza izwi rake achikurwisai, achanyadziswa munguva yangu.

11 Nokudaro, chengetai mirairo yangu; ndeye chokwadi uye yakatendeka. Kunyangwe saizvovo. Ameni.