Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 74


Chikamu 74

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, Ndira 1832 (History of the Church, 1:242). Muporofita anonyora: “Pakugashira izwi rinotevera raIshe [D&Z 73], ndakatanga zvakare kududzira Magwaro Matsvene, uye ndikashanda nesimba kusvika musi wemusangano mukuru wave kuda kusvika, uyo wakange uchiitwa musi wa25 Ndira. Munguva iyoyi, ndakagashirawo zvinotevera, sekutsanangurwa kweTsamba Yekutanga kuVaKorinte, Chaitsauko 7, ndima yechi14” (History of the Church, 1:242).

1–5, Pauro anoraira Chechi yemazuva ake kuti isachengete mutemo waMosesi; 6–7, Vana vadiki vatsvene uye vakacheneswa kuburikidza neRudzikinuro.

1 Nokuti murume aasingatende anocheneswa nemukadzi; uye mudzimai asingatende anocheneswa nemurume; pasina izvozvo vana venyu vainge vasina kuchena, asi zvino vave vatsvene.

2 Zvino, mumazuva evaapositori mutemo wekudzingiswa waiitwa mukati memaJuda ose avo vakanga vasingatende vhangeri raJesu Kristu.

3 Uye zvakaitika kuti kwakamuka agakava guru mukati mevanhu pamusoro pemutemo bwekudzingiswa, nokuti murume akange asingatende aida kuti vana vake vadzingiswe, kuti vave pasi cpemutemo waMosesi, uri mutemo wakanga wazadzikiswa.

4 Uye zvakaitika kuti vana, sezvo vakarererwa pasi pemutemo waMosesi, vakateerera atsika dzemadzibaba avo uye vakasatenda vhangeri raKristu, mukudaro vakabva vave vasiri vatsvene.

5 Nokudaro nechikonzero ichi muapositori akanyorera kuchechi, achipa kwavari murairo, kwete waIshe, asi wake iye, kuti mutendi haana kufanira akubatana neasingatende; kunze kwekunge bmutemo waMosesi wabviswa pakati pavo.

6 Kuti vana vavo vagare vasina kudzingiswa; uye nokuti tsika iyoyo ibviswe, iyo inoti vana vadiki havasi vatsvene; nokuti zvaiitwa pakati pemaJuda;

7 Asi avana vadiki bvatsvene, nokuti cvakacheneswa kuburikidza dnerudzikinuro rwaJesu Kristu; uye izvi ndizvo zvinoreva magwaro matsvene.