Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 75


Chikamu 75

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paAmherst, Ohio, 25 Ndira 1832 (History of the Church, 1:242–245). Musi uyu waive musi wemusangano mukuru wakanga warongwa kare. Pamusangano uyu Joseph Smith akatsigirwa uye akagadzwa seMukuru weHupirisita hwePamusoro. Mamwe magosa, akange awomerwa mukusvitsa vanhu pakunzwisisa shoko ravo, vakada kudzidza zvakadzama pamusoro pemabasa avo. Chakazarurwa chino chakatevera.

1–5, Magosa akatendeka vanoparidza vhangeri vachawana upenyu hwokusingaperi; 6–12, Namatai kuti mugashire Munyaradzi, uyo anodzidzisa zvose zvinhu; 13–22, Magosa achagara mukutonga avo vanoramba mashoko avo; 23–36, Mhuri dzevashumairi dzinofanira kugashira ruyamuro kubva kuChechi.

1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndiri kutaura kunyangwe anezwi reMweya wangu, kunyangwe bArfa naOmega, Ishe venyu naMwari venyu—

2 Teererai, imi makapa mazita enyu kuti muende kunoparidza vhangeri rangu, uye anokukwanhurira bmunda wangu wemizambiringa.

3 Tarisai, ndinoti kwamuri chido changu kuti muende izvozvi uye musagare, kana kuve aneunyope asi kuti mushande nesimba renyu—

4 Muchisimudza mazwi enyu sekurira kwehwamanda, amuchishambadzira bchokwadi maererano nezvakazarurwa uye nemirairo iyo yandakakupai.

5 Uye saka, kana makatendeka muchatakudzwa amasvinga mazhinji, uye bmugogadzwa cnerukudzo, dnokubwinya, uye enokusafa, uye noupenyu fhwokusingaperi.

6 Naizvozvo, zvirokwazvo ndinoti kumuramda wangu William E. McLellin, andabvisa hutumwa hwandakapa kwaari kuti ayende kunyika dzekumabvazuva;

7 Uye ndinopa kwaari hutumwa hutsva uye nemurairo mutsva, umo ini Ishe andinomuranga pamusana bpekugunun’una kuri mumwoyo make;

8 Uye akaita chitadzo, zvisinei, ndinomuregerera uye ndinoti kwaari zvakare, Enda kunyika dzekuChamhembe.

9 Uye regai muranda wangu Luke Johnson ayende naye, uye vanoshambadza zvinhu zvandakavaraira—

10 Vachidaidzira kuzita raIshe kuti vawane aMweya Munyaradzi, uyo achavadzidzisa zvose zvinhu zvakafanira kwavari.

11 aVachinamata nguva dzose kuti vasanete; uye sekuita kwavanenge vachiita izvi, ndinenge ndinavo kunyangwe kusvika kumagumo.

12 Tarisai, ichi ndichochido chaIshe Mwari venyu maererano nemi. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

13 Uye zvakare, zvirokwazvo vanodaro Ishe, regai muranda wangu aOrson Hyde uye nemuranda wangu bSamuel H. Smith, vaende rwendo rwavo kunyika dzekumabvazuva, uye vachishambadza zvinhu zvandakavaraira; uye kana varivakatendeka, onai ndinenge cndinavo kunyangwe kusvika kumagumo.

14 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kumuranda wangu Lyman Johnson, nekumuranda wangu aOrson Pratt, naivowo vachaenda rwendo rwavo kunyika dzekumabvazuva, uye tarisai, uye muone, ndinavowo, kunyangwe kusvika kumagumo.

15 Uye zvakare, ndinoti kuramunda wangu Asa Dodds uye nekumuranda wangu Calves Wilson, kuti naivowo vachaenda rwendo rwavo kunyika dziri kumadokero, uye vagoshambadza vhangeri rangu, kunyangwe sekuvaraira kwandakaita.

16 Uye uyo akatendeseka achakurira zvose zvinhu, uye aachasimudzwa muzuva rekupedzisira.

17 Uye zvakare, ndinoti kumuranda wangu Major N. Ashley, uye nemuranda wangu Burr Riggs, regai vaende rwendo rwavo kunyika yekuchamhembe.

18 Hongu, regai vose ivavo vaende rwendo rwavo, sekuraira kwandaita kwavari, vachienda kubva kuimba neimba, uye kubva kumusha nemusha, uye kubva kuguta neguta.

19 Uye mumba ipi zvayo yamuchapinda, uye vakakutambirai, siyai maropafadzo enyu pamba iyoyo.

20 Uye mumba ipi zvayo yamuchapinda, uye vakasakutambirai, muchabva nokukurumidza pamba ipapo, uye amozunza guruva retsoka dzenyu seuchapupu pamusoro pavo.

21 Uye imi muchazadzwa anemufaro nekufara; uye muzive izvi, kuti muzuva rekutongwa imi muchave bvatongi vemba iyoyo, uye movatonga.

22 Uye zvichavenani kuvahedheni muzuva rekutongwa, pane vemba iyoyo; nokudaro, asungirai nguwo dzenyu muchiuno uye muve vakatendeka, uye muchakunda zvose zvinhu, uye mugosimudzwa muzuva rekupedzisira. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

23 Uye zvakare, vanodaro Ishe kwamuri, imi magosa echechi yangu, makapa mazita enyu kuti muzive chido chavo pamusoro penyu—

24 Tarisai, ndinoti kwamuri, ibasa rechechi kuyamura mukuriritira mhuri dzavo, uyewo nokuriritira mhuri dzeavo vakadaidzwa uye vari vanofanira kutumwa munyika kunoshambadza vhangeri kunyika.

25 Nokudaro, ini Ishe, ndinopa kwamuri murairo, kuti muwane nzvimbo dzemhuri dzenyu, kana hama dzenyu dzichida kuzurura mwoyo yadzo.

26 Uye regai avo vose vanokwanisa kuwana nzvimbo dzemhuri dzavo, uye nerutsigiro rwechechi kwavari, vasatadze kuenda munyika, kana kumabvazuva kana kumadokero, kana kumaodzanyemba, kana kuchamhembe.

27 Regai vakumbire uye vachagashira, vagogodze uye vachazarurirwa, uye zvichibva zvaziviswa kubva kumusoro kunyangwe anaMweya Munyaradzi, kwavachaenda.

28 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti wose munhu anosungirwa akuriritira bmhuri yake, anofanira kuiriritira, uye haazorasikirwa nengundu yake; uye regai ashande muchechi.

29 Regai munhu wose ashande anesimba muzvinhu zvose; uye bnyope haizove nenzvimbo muchechi kunze kwekunge atendeuka uye agadziridza nzira yake.

30 Nokudaro, regai muranda wangu Simeon Carter uye nemuranda wangu Emer Harris vabatane muhushumiri;

31 Uyewo nemuranda wangu Ezra Thayre nemuranda wangu aThomas B. Marsh;

32 Nemuranda wanguwo Hyrum Smith uye nemuranda wangu Reynolds Cahoon;

33 Uyewo nemuranda wangu Daniel Stanton uye nemuranda wangu Seymour Brunson;

34 Uyewo nemuranda wangu Sylvester Smith uye nemuranda wangu Gideon Carter;

35 Uyewo nemuranda wangu Ruggles Eames nemuranda wangu Stephen Burnett;

36 Uye nemuranda wangu Micah B. Welton uyewo nemuranda wangu Eden Smith. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.