Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 79


Chikamu 79

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram,Ohio, muna Kurume 1832 (History of the Church, 1:257).

1–4, Jared Carter anodaidzwa kuti aparidze vhangeri naMunyaradzi.

1 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ichido changu kuti muranda wangu Jared Carter anofanira kuenda zvakare kunyika dzekumabvazuva, nzvimbo nenzvimbo, uye guta neguta, musimba arekugadzwa kwaakagadzwa nako, kuparidza mashoko akanaka emufaro mukuru, kunyangwe vhangeri rekusingaperi.

2 Uye ndichamutumira paari Mweya aMunyaradzi, uyo achamudzidzisa chokwadi uye nenzira yaachaenda nayo;

3 Uye sekutendeseka kwaanenge akaita, ndichamupfekedza zvakare korona yemasvinga.

4 Nokudaro, rega mwoyo wako ufare, muranda wangu Jared Carter, uye ausatye, vanodaro Ishe venyu, kunyangwe Jesu Kristu. Ameni.