Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 80


Chikamu 80

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio munaKurume 1832 (History of the Church, 1:257).

1–5, Stephen Burnett naEden Smith vanodaidzwa kuti vaparidze munzvimbo ipi zvayo yavanenge vasarudza.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwauri muranda wangu Stephen Burnett; Enda iwe, enda iwe munyika uye aunoparidza vhangeri kuchisikwa chose chinouya pasi pezwi rako.

2 Uye sekuda kwaunoita kuti uve neshamwari, ndichakupa muranda wangu Eden Smith.

3 Nokudaro, endai imi munoparidza vhangeri rangu, kana kumaodzanyemba kana kuchamhembe, kumabvazuva kana kumadokero, hazvina mhosva, nokuti hamungamboende padivi.

4 Naizvozvo, taurai zvinhu zvamanzwa, uye zvamunotenda zvirokwazvo, uye azvamunoziva kuti ichokwadi.

5 Tarisai ndichochido cheuyo aakudaidzai, Mununuri wenyu, kunyangwe Jesu Kristu. Ameni.