Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 82


Chikamu 82

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, muRuwa rweJackson, Missouri, 26 Kubvumbi 1832 (History of the Church, 1:267–269). Zuva iri raive zuva rekusangana kwedare reChechi umo Joseph Smith Muporofita akatsigirwa seMutungamiri weHupirisita Hwepamusoro, chinzvimbo ichi chiri chaakanga ambogadzwa pamusangano wevapirisita vepamusoro, magosa, nenhengo, paAmherst, Ohio, musi wa25 Ndira 1832 (onai musoro wenyaya wechikamu 75). Pekutanga mazita asiri emazuva ose akashandiswa mukushambadzwa kwezvakazarurwa zvino kuvanza vanhu vaitaurwa (ona musoro wenyaya wechikamu 78).

1–4, Panopihwa zvakawanda, panodiwa zvakawanda; 5–7, Rima rinotonga munyika; 8–13, Ishe vanosungirwa kana tichiita zvavanotaura;14–18, Zioni inofanira kukura murunako, nemuhutsvene; 19–24, Wose munhu anofanira kutsvaka zvinofadza muvakidzani wake.

1 Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, varanda vangu, kuti sezvo muchinge amaregererana kutadzirana kwenyu, kunyangwe saizvozvo, ini Ishe, ndinokuregererai.

2 Zvisinei, kune avo pakati penyu vakatadza zvakapfuuridza; hongu, kunyangwe amose imi makatadza, asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chenjerai kubvira zvino, uye murege chitema, potse kutongwa kunorwadza kungawire pamisoro yenyu.

3 Nokuti kubva kune uyo anopihwa azvizhinji bkunodiwawo zvizhinji; uye uyo canotadzira dchiedza chikuru achagashirawo kurangwa kukuru.

4 Imi munodaidza zita rangu kuti muwane azvakazarurwa, uye ini ndinozvipa kwamuri; sekutadza kuchengeta kwamunoita zvirevo zvangu, izvo zvandinopa kwamuri, munobva mave vatadzi; uye bkuenzanisa nekutonga ndichochirango chakaiswa pamutemo wangu.

5 Nokudaro, chandinotaura kumumwechete, ndinochitaura kune vose: aGaririrai, nokuti bmuvengi ari kuparadzira hutongi hwake cnerima rinotonga;

6 Uye kushatirwa kwaMwari kunotungidzwa pamusoro pevagari vepasi; uye hakuna anoita zvakanaka, nokuti vose vakaenda kunze akwenzira.

7 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ini Ishe, handikupei amhosva yechitadzo chipi zvacho; endai musazotadzazve; asi kune mweya uyo unotadza, zvivi bzvakare zvichadzoka, vanodaro Ishe Mwari venyu.

8 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, ndinokupai murairo amutsva, kuti munzwisise chido changu pamusoro penyu;

9 Kana kuti, nemamwe mazwi, ndinokupai maitirwo ekuti amunoita sei pamberi pangu, kuti zvigotendeukira kwamuri mukuponeswa kwenyu.

10 Ini Ishe, andakasungirwa kana muchiita zvandinotaura asi kana musingaite zvandinotaura, hamuna chivimbiso.

11 Naizvozvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvakafanira kuti varanda vangu Edward Partridge naNewel K. Whitney, A. Sidney Gilbert naSidney Rigdon, nemuranda wangu Joseph Smith, naJohn Whitmer naOliver Cowdery, naW. W. Phelps naMartin Harris vasungirwe apamwechete nechisungo nechibvumirano chisingagone kutyorwa nekutadza, kunze chete kwekuti kutongwa kuchatevera pakarepo, muhutariri hwenyu hwakasiyana-siyana—

12 Kutarisa nyaya dzevarombo, uye nezvinhu zvose zviri maererano nezvehubhishopi kwose munyika yeZioni nemunyika yeKirtland;

13 Nokuti ndakapira nyika yeKirtland munguva yangu yandakatara kuitira kupundutswa kwevatendi veUyo aripamusoro-soro, uye kuti ive ahoko kuZioni.

14 Nokuti Zioni yakafanira kukura murunako, nemuhutsvene; miganhu yayo yakafanira kukudzwa; hoko dzayo dzinofanira kusimbiswa; hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, aZioni inofanira kusimuka uye igoshonga nhumbi dzayo bdzakanaka.

15 Naizvozvo, ndiri kupa kwamuri murairo uyu kuti muzvisunge nechibvumirano ichi uye zvichaitwa zviri maererano nemitemo yaIshe.

16 Tarisai, houno ungwaru zvakare mandiri kuti zvinakire imi.

17 Uye muchave amakaenzana, kana nemamwe mazwi, muchafanira kuve nemugove wakafanana mumidziyo, kuti muyamurike pakuita basa rehutariri hwenyu, munhu wose maererano nezvaanoda nezvaanoshaya, zvichienderana nekuti zvaanoda zvakarurama—

18 Zvose izvi zviri zvinoyamura chechi yaMwari mupenyu, kuti munhu wose avandudzire achipo chake, kuti wose munhu agowana mamwe matarenda, hongu, kunyangwe zvakapetwa kazana, kuti zvikandwe bmuimba yekuchengetera yaIshe, kuti zvive zvechechi dzose—

19 Wose munhu achitsvaga zvakanakira muvakidzani wake nekuiita zvose zvinhu aneziso rakanangana nokubwinya kwaMwari.

20 aHurongwa uhu ndahudoma kuti huve hurongwa husingaperi kwamuri, nekune vachakuteverai, kana musingazotadza.

21 Uyo mweya uchatadzira chibvumirano chino, uchiomesa mwoyo wawo kwachiri, uchatongwa maererano nemitemo yechechi yangu, uchaiswa amukunetswa naSatani kusvika zuva rerununuro.

22 Zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uye uhu huri ungwaru, itai ushamwari neveupfumi hwekusarurama, uye havazokuparadzai.

23 Siyai kutonga kwega kuineni, nokuti ndekwangu uye andinoripira. Runyararo ngarwuve nemi, maropafadzo angu arambe ainemi.

24 Nokuti kunyangwe izvozvi aumambo ndehwenyu, huchave nariini, kana mukasapunzika kubva pakushingirira kwenyu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.