Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 86


Chikamu 86

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 6 Zvita 1832 (History of the Church, 1:300). Chakazarurwa chino chakatambirwa panguva Muporofita paakanga achidzokorora nekupepeta magwaro ezvinyorwa zvekududzira Bhaibheri.

1–7, Ishe vanopa zvinoreva rungano rwemufananidzo wegorosi nemasawi; 8–11, Vanotsanangura maropafadzo ehupirisita kune avo vagari venhaka vari mumurau, maererano nezvenyama.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwamuri imi varanda vangu, maererano nerungano arwemufananidzo wegorosi newemasawi:

2 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti, munda wakanga uri nyika, uye vaapositori ndivo vakanga vari vadyari vembeu.

3 Uye mushure mekunge varara, mutambudzi mukuru wechechi, uyo akarasika pachitendero, mhombwe, kunyangwe aBabironi, iyo inoita kuti marudzi ose anwe mukombe wayo, mumwoyo yavo muvengi, kunyangwe Satani agere achitonga, tarisai anodyara sawi; nokudaro, sawi rinovhunga gorosi uye nokuisa bchechi murenje.

4 Asi tarisai, mumazuva aekupedzisira, kunyangwe iye zvino apo Ishe vavekutanga kuunza izwi, uye sora riri kubuda uye richiri dete—

5 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, angirozi dziri kuchema kuna Ishe masikati nehusiku, dziri dzakamirira kutumwa kuti bdzizokohwa minda;

6 Asi Ishe vanoti kwavari, musatanhe sawi shizha richiridete (nokuti zvirokwazvo rutendo rwenyu haruna kusimba), potse mungaparadze negorosiwo.

7 Naizvozvo, regai gorosi nesawi zvikure pamwechete kudakara gohwo raibva; ndipo pamuchatanga kuunganidza gorosi kubva kusawi; uye mushure mokuunganidza gorosi, tarisai, uye muone, sawi rinosungwa masvinga, uye munda wosarira kupiswa.

8 Naizvozvo, vanodaro Ishe kwamuri, imi maramba muine ahupirisita kuburikidza nemutsetse wedzinza remadzibaba enyu—

9 Nokuti ndimi avagari venhaka vari pamurau, maererano nezvenyama, uye mange bmakavigwa kunyika naKristu muna Mwari—

10 Naizvozvo upenyu hwenyu nehupirisita hwaramba huripo uye hunofanira kuti huvepo kuburikidza nemi uye nemutsetse wedzinza renyu kudakara akudzorerwa pakare kwezvinhu zvose zvakataurwa nemiromo yevaporofita vatsvene vose kubvira pakutanga kwenyika.

11 Naizvozvo, makaropafadzwa imi kana mukaramba muri mukunaka kwangu, achiedza kuvaJentairi, uye kuburikidza nehupirisita huno, muponesi kuvanhu vangu bIsraeri. Ishe vazvitaura. Ameni.