Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 89


Chikamu 89

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburukidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtand, Ohio 27 Kukadzi 1833 (History of the Church, 1:327–329). Nekuda kwekuputa fodya kwevarume vekutanga mumichechi yavo, Muporofita akaitwa kuti afunge pamusoro penyaya iyi; nokudaro akabvunza kuna Ishe pamusoro pazvo. Zvakazarurwa zvino zvinozivikanwa seShoko reUngwaru, zvakapihwa pamusana pazvo. Ndima nhatu dzekutanga dzakanyorwa neMuporofita sechisumo chakafemerwa netsananguro.

1–9, Kushandiswa kwewaini, zvinwiwa zvinodhaka, fodya, uye kunwa zvinopisa zvakarambidzwa; 10–17, Makwenzi michero, nyama uye nembeu zvakaiswa kuti zvishandiswe nemunhu nemhuka; 18–21, Kuteerera mutemo wevhangeri, pamwechete nekuShoko reUngwaru, zvinounza maropafadzo enyama neemweya.

1 aIzwi Shoko reUngwaru, rekuyamura dare revapirisita vepamusoro, vakaungana muKirtland, nechechi, uyewo nekuvatendi varimuZioni—

2 Kuti vatumirwe kwaziso; kwete nemurairo kana nokumanikidzwa, asi nezvakazarurwa uye neShoko reUngwaru, zvichiratidza hurongwa uye anechido chaMwari mukuponesa vatendi vose munyama mumazuva ekupedzisira—

3 Zvakapihwa semutemo une achivimbiso; zvikaitwa kuti zvive zvinokwanisika kune vakaneta nekune vakanetesesa bvevatendi vose, vanove kana vangave vanodaidzwa kunzi vatendi.

4 Tarisai zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwamuri: Nechikonzero achezvakaipa uye nezvirongwa zviripo uye zvichagara zviripo mumwoyo yavanhu bvanofurirana mumazuva ekupedzisira, cndakakuyambirai, uye nokufanokuyambirai, nokukupai shoko iri reungwaru kuburikidza nezvakazarurwa—

5 Kuti sezvo munhu upi zvake akanwa awaini kana zvinodhaka pakati penyu, tarisai hazvina kunaka, kana kufanira mumaziso aBaba venyu, asi chete mukuungana kwenyu pamwechete kuti mupire sakaramende yenyu pamberi pavo.

6 Uye, tarisai iyi inofanira kuve waini, hongu, waini ayakachena yemudzambiringa, yamazvigadzirira mega.

7 Uye zvakare, zvinwiwa azvinodhaka, hazvizi zvedumbu, asi zvekugezesa miviri yenyu.

8 Uye zvakare, fodya haisi ayemuviri, kana dumbu, uye haina kunaka kumunhu, asi igwenzi remavanga emombe dzose dzinorwara, inofanira kushandiswa neungwaru uye neruzivo.

9 Uye zvakare, zvinwiwa zvinopisa hazvisi zvemuviri kana dumbu.

10 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ose amakwenzi akanaka Mwari vakaagadza kuumba, chimiro nekushandiswa nemunhu—

11 Rose gwenzi mumwaka yaro, uye nemuchero wose mumwaka wawo, zvose izvi kuti zvishandiswe neungwaru anekutenda.

12 Hongu, anyamawo byemhuka neyeshiri dzedenga, ini Ishe, ndakadzigadza kuti dzishandiswe nevanhu nokutenda; zvisinei, dzinoda kushandiswa zviri cpamwero;

13 Uye zvinondifadza kuti hazvina kufanira kushandiswa, kunze kwekunge dziri nguva dzechando, kana dzekutonhora, kana dzenzara.

14 Dzose ambeu dzakagadzwa kushandiswa nemunhu nemhuka, kuti dzive musimboti weupenyu, kwete kumunhu chete, asi nekumhuka dzesango, uye neshiri dzedenga, uye dzose mhuka dzesango dzinomhanya kana kukambaira munyika;

15 Uye izvi zvakaitwa naMwari kuti munhu ashandise chete munguva dzenzara uye nemunzara yakapfuurikidza.

16 Dzose mbeu dzakanaka sechidyo kumunhu; semucherowo wemudzambiringa; idzo dzinobereka michero, mungave muvhu kana pamusoro pevhu—

17 Zvisinei, gorosi kumunhu, nechibage kumombe, uye mapfunde kumabhiza, nemhunga kuhuku nenguruve, nemhuka dzose dzesango, nerukweza kumhuka dzose dzinoshandiswa, uye nokugadzirisa zvekunwa zviri pakati nepakati, sedzimwe mbeuwo.

18 Uye vose vatendi vanorangarira kuchengeta nekuita zviri kutaurwa izvi vachifamba mukuteerera mirairo, vachagashira ahutano muhura hwavo nemwongo mumapfupa avo;

19 Uye vachawana aungwaru neupfumi hukuru bhweruzivo, kunyangwe upfumi hwakavanzikwa;

20 Uye avachamhanya uye vasingazoneta, uyezve vachafamba vasingazorukutika.

21 Uye ini Ishe, ndinopa kwavari achivimbiso, kuti ngirozi inoparadza bichavapfuura, sevana veIsraeri, uye isingavauraye. Ameni.