Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 93


Chikamu 93

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 6 Chivabvu 1833 (History of the Church, 1:343–346).

1–5, vose avo vakatendeka vachaona Ishe; 6–18, Johane akapupura achiti Mwanakomana waMwari akabva munyasha achienda munyasha kudakara agashira kuzara kwekubwinya kwaBaba; 19–20, Vanhu vakatendeka, vacharamba vachikura munyasha, naivowo vachagashira kuzara kwake; 21–22, Avo vakaberekwa kuburikidza naKristu ndivoChechi yeDangwe; 23–28, Kristu akagashira kuzara kwechokwadi chose, uye munhu kuburikidza nekuteerera anogona kudarowo; 29–32, Munhu akanga aripo pakutanga naMwari; 33–35, Zviumbiswa ndezvisingaperi, uye munhu anogona kugashira kuzara kwerufaro muKumuka kuvakafa; 36–37, Kubwinya kwaMwari ruzivo; 38–40, Vana havana mhosva pamberi paMwari pamusana perununuro rwaKristu; 41–53, Hama dzinotungamira dzinorairwa kuti dzigadzirise mhuri dzadzo.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe, zvichaitika kuti munhu wose aanosiya zvitadzo zvake uye ouya kwandiri, bnekudaidza zita rangu, cnekuteerera izwi rangu, uye achichengeta mirairo yangu, dachaona echiso changu uye agoziva kuti ndini.

2 Uye kuti ndini achiedza chechokwadi chinojekesera munhu wose anouya munyika;

3 Nokuti ndiri amunaBaba, uye Baba vari mandiri, Baba neni tiri vamwechete—

4 Baba apamusana pekuti bvakandipa kuzara kwavo, uye Mwanakomana pamusana pekuti ndakanga ndiri munyika uye ndikaita cnyama tabernakeri yangu, uye ndikagara pakati pevanakomana vevanhu.

5 Ndakanga ndiri munyika uye ndikagashirwa naBaba vangu, uye amabasa avo akaratidzwa pachena.

6 Uye aJohane akaona uye akapupura nokuzara bkwekubwinya kwangu, uye kuzara kweuchapupu chwaJohane kucharatidzwa pashure.

7 Uye akapupura achiti: Ndakaona kubwinya kwake, kuti akange aripo apakutanga, nyika isati yavepo;

8 Nokudaro, pakutanga pakanga paine aIzwi, nokuti ndiye aive Izwi, kunyangwe mutumwa weruponeso—

9 aChiedza bnoMununuri wenyika; Mweya wechokwadi, uyo waka uya munyika, nokuti nyika yakaitwa naiye uye maari maive neupenyu hwevanhu uye nechiedza chevanhu.

10 Nyika adzakaitwa naiye; vanhu vakaitwa naiye, zvose zvinhu zvakaitwa naiye, uye nokuburikidza naiye, uye zvichiitwa naiye.

11 Uye ini Johane, ndinopupura kuti ndakaona kubwinya kwake, sekubwinya kwaIyeyo Mumwechete Akaberekwa waBaba, azere nenyasha nechokwadi, kunyangwe Mweya wechokwadi, uyo akauya akagara munyama, uye akagara pakati pedu.

12 Uye ini Johane, ndakaona kuti haana kugashira akuzara pakutanga, asi akagashira bnyasha pane dzimwe nyasha;

13 Uye haana kugashira kuzara pakutanga, asi akaramba ari amunyasha nenyasha, kudakara agashira kuzara;

14 Uye ndikokudaidzwa kwaakaitwa kunzi aMwanakomana waMwari, nokuti haana kugashira kuzara pakutanga.

15 Uye ini aJohane, ndinopupura, uye onai, matenga akazuruka uye Mweya bMutsvene ukaburuka paari nechiratidzo cchenjiva, ukagara paari, uye kukauya izwi richibva kudenga richiti: Uyu Mwanakomana wangu dwandinoda.

16 Uye ini Johane, ndinopupura kuti akagashira kuzara kwekubwinya kwaBaba;

17 Uye akagashira asimba brose, kwose kudenga uye nepano pasi, uye kubwinya ckwaBaba kwakange kuinaye, nokuti akange agere mavari.

18 Uye zvichaitika kuti, kana muri vanotendeka muchagashira kuzara kweuchapupu hwaJohane.

19 Ndinokupai mashoko aya kuti munzwisise nokuziva akunamata, uye nokuziva chamunonamata, kuti mugouya kuna Baba muzita rangu, uye nenguva yakafanira mugogashira kuzara kwavo.

20 Nokuti kana mukachengeta amirairo yangu muchagashira bkuzara kwavo, uye cmugobwinya mandiri sezvandiri muna Baba; naizvozvo ndinoti kwamuri, muchagashira dnyasha kunyasha.

21 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndaivepo apakutanga ndiina Baba, uye ndini bDangwe;

22 Uye avo vose vanoberekwa kuburikidza neni, avagashiri bvekubwinya ikoko, uye ndevechechi yeDangwe.

23 Kana nemi maivepo pakutanga amuina Baba; avo vanova mweya, kunyange Mweya wechokwadi;

24 Uye achokwadi bruzivo rwezvinhu sezvazviri, uye nezvazvakange zviri, uye sekuzouya kwazvichaita;

25 Uye chose zvacho achizhinji kana chishoma pane izvi, mweya weuyo akaipa akanga ari bmunyepi kubvira pakutanga.

26 Mweya awechokwadi ndewaMwari. Ndini Mweya wechokwadi, uye Johane akapupura nezvangu, achiti: Akagashira kuzara kwechokwadi, hongu, kunyangwe kwechokwadi chose;

27 Uye hakuna munhu anogashira akuzara kunze kwekunge achichengeta mirairo yavo.

28 Uyo aanochengeta mirairo yavo anogashira chokwadi bnechiedza, kudakara abwinyiswa muchokwadi uye ave ckuziva zvose zvinhu.

29 Munhu naiyewo akanga aripo apakutanga naMwari. bRuzivo kana chiedza chechokwadi, hazvina kusikwa kana kuitwa, uyezve hazvingaitwe.

30 Chose chokwadi chakazvimirira munzvimbo yachakaiswa naMwari, kuti achizviitire, zvimwechetezvo neruzivo rwesewo, dai zvisirizvo hakuna chingavepo.

31 Tarisai, hokuno akuzvimiririra kwemunhu, uye hokuno kutongwa kwemunhu, nokuti icho chakanga chiripo kubva pakutanga chanyatsoiswa bpachena kwavari, uye havagashire chiedza.

32 Uye wose munhu ane mweya usingagashire achiedza ari pasi pekutongwa.

33 Nokuti munhu amweya. bZviumbiswa ndezvisingaperi, uye mweya nezviumbiswa, zvakabatana zvisingapatsanuke, zvinogashira kuzara kwerufaro;

34 Uye kana azvikapatsanurwa, munhu haangagashire kuzara bkwerufaro.

35 aZviumbiswa ndizvo tabernakeri yaMwari, hongu, munhu itabernakeri yaMwari, kana btemberi; uye kana ipi zvayo temberi ikasvibiswa, Mwari vachaparadza temberi iyoyo.

36 aKubwinya kwaMwari bizivo, kana kuti nemamwe mazwi, cchiedza nechokwadi.

37 Chiedza nechokwadi zvinodzinga uyo aakaipa.

38 Wose mweya wemunhu wakanga ausina mhosva pakutanga; uye Mwari bvanunura munhu kubva cmukupunzika, munhu akave zvakare sepahucheche hwake, dasina mhosva pamberi paMwari.

39 Uye uyo akaipa aanouya uye obvisa chiedza nechokwadi kuburikidza nekusateerera, kunobva kuvana vevanhu, uye nepamusana bpetsika dzamadzibaba avo.

40 Asi ndakurairai kuti mukudze avana venyu muchiedza nechokwadi.

41 Asi zvirokwazvo ndinoti kwauri, muranda wangu Frederick G. Williams, waramba uri pasi pekutongerwa izvi;

42 Hauna akudzidzisa vana vako chiedza nechokwadi, maererano nemirairo, uye uyo akaipa achiine simba pauri, uye ichi ndichochikonzero chedambudziko rako.

43 Uye zvino ndinokupa murairo—kana ukasasunungurwa auchagadzirisa imba yako, nokuti mune zvinhu zvizhinji zvisina kunaka mumba mako.

44 Zvirokwazvo ndinoti kumuranda wangu Sidney Rigdon, kuti mune zvimwe zvinhu haana kuchengeta mirairo maererano nevana vake; naizvozvo, tanga wagadzirisa imba yako.

45 Zvirokwazvo, ndinoti kumuranda wangu Joseph Smith, Mwana, kana kuti nemamwe mazwi, ndichakudaidzai kuti ashamwari dzangu, nokuti muri shamwari dzangu, uye muchave nenhaka neni—

46 Ndakakudaidzai kuti avaranda pamusana penyika, uye muri varanda vavo pamusana pangu—

47 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kuna Joseph Smith, Mwana—Hauna kuchengeta mirairo, uye unofanira akutsiurwa pamberi paIshe;

48 aMhuri yako inofanira kuti itendeuke uye isiye zvimwe zvinhu, uye itore hanya zvikuru kune zvaunotaura, kana kuti votobviswa kubva panzvimbo yavo.

49 Chandinotaura kune mumwechete ndinotaura kune vose; anamatai nguva dzose potse uyo akaipa angawane simba pamuri, uye akakubvisai panzvimbo dzenyu.

50 Muranda wanguwo Newel K. Whitney, bhishopi wechechi yangu, anofanira kurangwa, uye agadzirise mhuri yake, uye aone kuti vanoshingaira uye nekuve nehanya nemisha yavo kumba uye vachinamata nguva dzose, kana kuti vangazobviswa apanzvimbo yavo.

51 Zvino, ndinoti kwamuri, shamwari dzangu, regai muranda wangu Sidney Rigdon aende kurwendo rwake, akurumidze, ashambadze gore raIshe arakanaka, nevhangeri reruponeso, sekumupa kwandichaita zvekutaura; kuburikidza nemunamato wenyu werutendo nekubvumirana pamwechete ndichamutsigira.

52 Uye regai varanda vangu Joseph Smith, Mwana, naFrederick G. Williams vakurumidzewo, uye zvichapihwa kwavari kunyangwe maererano nemunamato werutendo; maererano nekuchengeta kwamunoita zvandinotaura hamuzonyadziswa munyika muno, kana munyika ichauya.

53 Uye, zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti chido changu kuti ukurumidze akududzira magwaro matsvene angu, bnokuwana cruzivo rwenhoroondo, nerwenyika, nerweumambo, rwemitemo yaMwari nemunhu, zvose izvi kuitira kuponeswa kweZioni. Ameni.