Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 94


Chikamu 94

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 6 Chivabvu 1833 (History of the Church, 1:346–347). Hyrum Smith, Reynolds Cahoon, naJared Carter vanodomwa kuti vave muchita cheruvako rweChechi.

1–9, Ishe vanopa murairo uri maererano nekumiswa kwemba yebasa reHutungamiri; 10–12, Imba yekudhindira yakafanira kuvakwa; 13–17, Dzimwe nhaka dzinopihwa.

1 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ashamwari dzangu, ndinokupai murairo, kuti mutange basa rekuhwarika uye nokugadzirira pekutangira uye nehwaro hweguta brehoko yeZioni, muno munyika yeKirtland, kutangira paimba yangu.

2 Uye tarisai, zvakafanira kuitwa maererano anemutowo wandakupai.

3 Uye itai kuti nzvimbo yekutanga nechekuchamhembe itsaurirwe kwandiri kuti pavakwe imba yevatungamiri, kuitira basa arevatungamiri, mukuwana zvakazarurwa; uye nokuitira basa rehushumiri hwevatungamiri, muzvinhu zvose zviri maererano nechechi neumambo.

4 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kuti ichavakwa iri makumi mashanu anemashanu nemakumi matanhatu anemashanu ezvinhano mukupamhama uye nemukureba, nechemukati.

5 Uye kuchave nedare remhosva repazasi uye nerepamusoro, maererano nemutowo wamuchapihwa mushure meizvi.

6 Uye ichapirwa kuna Ishe kubvira ichiri pahwaro hwayo, maererano nehurongwa hwehupirisita maererano nemutowo wamuchapihwa pano.

7 Uye ichapirwa yose zvayo kuna Ishe kuitira basa revatungamiri.

8 Uye hamufanire kubvumira chero chinhu chose achisina kuchena kuti chipinde mairi; uye bkubwinya kwangu kuchavepo, uye ini ndichavepo.

9 Asi kana kukauya achisina kuchena, kubwinya kwangu hakuzovepo; uye ini handizopinda mairi.

10 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nzvimbo yechipiri kuchamhembe ichapirwa kwandiri, muchaitirwa basa arekudhindira bzvakadudzirwa zvemagwaro angu matsvene, uye nezvinhu zvose zvose zvazvo zvandichakutaurirai.

11 Uye ichave zvinhano makumi mashanu nemashanu nemakumi matanhatu ane zvinhano zvishanu mukupamhama uye nemukumba kwayo, nechemukati uye muchave nezvimbo yepasi neyepamusoro.

12 Imba iyi ichapirwa yose kuna Ishe kubvira pahwaro hwayo, mubasa rekudhinda, muzvinhu zvose zvazvo zvandichakuudzai, kuti ive tsvene isina tsvina, maererano nemutowo muzvinhu zvose sekupihwa kwazvichaitwa kwamuri.

13 Panzvimbo yechitatu muranda wangu Hyrum Smith ndipo paachagashira nhaka yake.

14 Panzvimbo yekutanga neyechipiri kumaodzanyemba varanda vangu Reynolds Cahoon naJared Carter ndipo pavachagashira nhaka dzavo—

15 Kuti vaite basa randakapa kwavari, kuti vave dare rekuvaka dzimba dzangu, maererano nemurairo uyo ini Ishe Mwari, wandakakupai.

16 Idzi dzimba mbiri hadzivakwe kudakara ndapa kwamuri murairo pamusoro padzo.

17 Zvino handichakupai zvimwe panguva ino. Ameni.