Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 96


Chikamu 96

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, zvinoratidza kurongwa kweguta kana hoko yeZioni paKirtland, Ohio, 4 Chikumi 1833, semufananidzo kuVatendi muKirtland (History of the Church, 1:352–353). Paive pamuchechi mukuru wevapirisita vepamusoro, uye nhau huru yaitaurwa yaive yekutengesa dzimwe nzvimbo, dzaizivikanwa nokunzi purazi yaFrench, yaive yeChechi pedyo neKirtland. Sezvo muchechi mukuru wakatadza kubvumirana kuti ndiani angatore, vose vakabvumirana kuti vabvunze Ishe maererano nenyaya iyi.

1, Hoko yeKirtland muZioni inofanira kusimbiswa; 2–5, Bhishopi anofanira kugovanisa nhaka yeVatendi; 6–9, John Johnson achave nhengo yehurongwa hwemubatanidzwa.

1 Tarisai, ndinoti kwamuri, houno ungwaru, uhwo hwunoita kuti muzive zvekuita maererano nenyaya iyi, nokuti zvakanaka kwandiri kuti ahoko iyi yandaisa kuitira simba reZioni ive inosimbiswa.

2 Nokudaro, regai muranda wangu Newel K. Whitney atore nzvimbo iyoyi iyo yakadaidzwa pakati penyu, pandiri kuda kuvakira imba yangu tsvene.

3 Uye zvakare, ngaidimurwe-dimurwe, maererano neungwaru, kuyamura avo vari kutsvaka nhaka, sezvinenge zvabvumiranwa mudare pakati penyu.

4 Nokudaro, onai kuti matarisa nyaya iyi, uye icho chidimu icho chinofanirwa kuvepo kuti chibatsire ahurongwa hwangu kuitira chinangwa chekuunza shoko rangu kuvana vevanhu.

5 Nokuti tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ichi ndichochakanyanya kufanira mandiri, kuti shoko rangu riende kuvana vevanhu, nechinangwa chekukunda mwoyo yevana vevanhu kuitira kuti zvikunakirei. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

6 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ungwaru uye zvakafanira kwandiri, kuti muranda wangu John Johnson, uyo ane mupiro wandabvuma, uye ane minamato yandanzwa, kwaari ndinopa chivimbiso cheupenyu hwokusingaperi kana ari anochengeta mirairo yangu kubvira zvino—

7 Nokuti chizvarwa achaJosefa uye ari mugashiri wemaropafadzo echivimbiso chakaitwa kumadzibaba ake—

8 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvakanaka kwandiri kuti ave nhengo yehurongwa, kuti agoyamura mukuunza shoko rangu kuvana vevanhu.

9 Naizvozvo muchamugadza mumaropafadzo aya, uye achatsvaka nokushingaira kuti abvise zvibinga mupinyi zvose zviri pamba zvakataurwa pakati penyu, kuti agogara mairi. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.