Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 97


Chikamu 97

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio 2 Nyamavhuvhu 1833 (History of the Church, 1:400–402). Chakazarurwa chino chinotaura kunyanya nezvenyaya dzeVatendi vari muZioni, muRuwa rweJackson, Missouri, semhinduro kumibvunzo yeMuporofita kuna Ishe. Nhengo dzeChechi kuMissouri panguva iyoyi dzakanga dziri mukati mekutambudzwa kukuru uye, 23 Chikunguru 1833, dzakanga dzamanikidzwa kusaina chibvumirano chekuti dzibve kuRuwa rweJackson.

1–2, Vazhinji veVatendi muZioni (muRuwa rweJackson, Missouri) vanoropafadzwa pamusoro pekutendeka kwavo; 3–5, Parley P. Pratt anotendwa pamusana pekushanda kwake muchikoro chiri muZioni; 6–9, Avo vanochengeta zvibvumirano zvavo vanotambirwa naIshe; 10–17, Imba ichave inovakwa muZioni umo vakachena mumwoyo vachaona Mwari; 18–21, Zioni ndiyo yakachena mumwoyo; 22–28, Zioni ichapunyuka shamu yaIshe kana iri yakatendeka.

1 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri shamwari dzangu, ndinotaura kwamuri nezwi rangu, kunyangwe izwi reMweya wangu, kuti ndiratidze kwamuri chido changu pamusoro pehama dzenyu dziri munyika ayeZioni, vazhinji vavo vanove vakazvininipisa zvechokwadi uye vachitsvaka nokushingaira kuti vadzidze ungwaru uye nokutsvaka chokwadi.

2 Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vakaropafadzwa ivavo, nokuti vachawana; nokuti ini Ishe ndinoratidza tsitsi kune vose avakazvirereka, uye nepane vose zvavo vandinoda, kuitira kuti ndigowana kodzero apo pandichavaunza mukuzotongwa.

3 Tarisai, ndinoti kwamuri, maererano anechikoro chiri muZioni, ini Ishe ndinofara chaizvo kuti muve nechikoro muZioni, uye nemuranda wangu bParley P. Pratt, nokuti anogara mandiri.

4 Uye kana akaramba agere mandiri acharamba achitungamira chikoro munyika yeZioni kudakara ndapa kwaari mimwe mirairo.

5 Uye ndichamuropafadza nemaropafadzo akapetwa kakawanda, mukutsanangura magwaro matsvene ose uye nezvakavanzika mukusimbiswa kwechikoro, uye nekwechechi muZioni.

6 Uye kune vanosara vechikoro, ini Ishe ndinoda kuratidza tsitsi, zvisinei, kune avo vanofanira akurangwa, mabasa avo achaitwa kuti azivikanwe.

7 aDemo raiswa pamudzi yemiti; uye wose muti usingaunze bmichero yakanaka uchatemwa wokandwa mumoto. Ini Ishe, ndazvitaura.

8 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vose vari pakati pavo vanoziva kuti amwoyo yavo binovimbika, uye yakatyoka, uye mweya yavo yakazvirereka, uye cvanoda kuchengeta zvibvumirano dnemupiro yavo—hongu, wose mupiro uyo ini Ishe, wandichataura—evanotambirwa neni.

9 Nokuti ini Ishe, ndichaita kuti vabereke semuti unobereka kwazvo wakadyarwa mumunda wakanaka, pedyo nerukova rwakachena, unounza michero mizhinji yakanaka.

10 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti chido changu kuti aimba inofanira kuvakwa kwandiri munyika yeZioni, bnemutowo wandakakupai.

11 Hongu, ngaivakwe nokukurumidza, nechegumi chevanhu vangu.

12 Tarisai, ichi andichochegumi uye nekuzvipira ukwo ini Ishe, kwandinoda kubva mumaoko avo, kuti kuve bnemba inovakwa kwandiri kuti kuve neruponeso rweZioni—

13 Kuitira nzvimbo ayekupa kutenda yevatendi vose, uye nenzvimbo yekudzidziswa kune avo vose vakadaidzwa kubasa rekuhushumiri mukudaidzwa kwavo kwose kwakasiyana-siyana nezvigaro;

14 Kuti vave vakakwana amukunzwisisa hushumiri hwavo, mupfungwa, mumitemo, uye nemudzidziso, muzvinhu zvose zviri maererano bneumambo hwaMwari pano pasi, cmakiyi eumambo uhu akaiswa pamuri.

15 Sekuvaka kunenge kwaita vanhu vangu imba kwandiri muzita raIshe vorega kubvumira kana chipi zvacho chinhu achisina kuchena kuti chiuye mairi kuti isasvibiswe, bkubwinya kwangu kuchagara pamusoro payo.

16 Hongu, uye andichavepo, nokuti ndichauya kwairi uye vose bvakachena mumwoyo vachauya kwairi vachaona Mwari.

17 Asi kana iri yasvibiswa handiuye mairi, uye kubwinya kwangu hakuzovemo; nokuti handiuye kutemberi dzisiri tsvene.

18 Uye zvino, tarisai kana Zioni ikaita zvinhu izvi aichabudirira, uye igozvitambanudza uye igokudzwa zvikuru, iine mbiri kwazvo, uye ichityisa zvikuru.

19 Uye amarudzi epasi achaikudza, uye achati: Chokwadi bZioni iguta raMwari vedu, uye chokwadi Zioni haingapunzike, kana kubviswa panzvimbo payo, nokuti ndipo panaMwari, uye neruoko rwaIshe rwuripo.

20 Uye vakapika nesimba rehukuru hwavo kuti vave ruponeso rwayo aneshongwe refu yaro.

21 Naizvozvo, zvirokwazvo, vanodaro Ishe, Zioni ngaifare, nokuti ino andiyoZionivakachena mumwoyo; nokudaro regai Zioni ifare, vose vakaipa vachachema.

22 Nokuti tarisai, uye muone, akudzorera kunouya nokukurumidza kune vasina humwari sechamupupuri; uye ndiani achachipunyuka?

23 Uye ashamu yaIshe ichapfuura neusiku uye namasikati, uye zvichataurwa ipapo zvichanetsa vanhu vose; hongu, haizomiswa kudakara Ishe vauya;

24 Nokuti kugumbuka kwaIshe kwakatungidzirwa kuipa kwavo uye nokuipa kwemabasa avo ose.

25 Zvisinei, Zioni aichapunyuka kana ikacherechedza kuita zvose zvinhu zviri zvipi zvazvo zvandakairaira.

26 Asi kana ikasacherechedza kuita chose zvacho chandakairaira, andichaishanyira maererano nemabasa ayo ose, nedambudziko rakaoma, bnezvirwere, nehosha, nemunondo, cnekutsiva, nemoto dunoparadza.

27 Zvisinei ngazviverengwe kamwechete aka kunzeve dzayo, kuti ini Ishe, ndatambira kupira kwayo; uye ikasatadza zvakare, ahapana chimwechete chezvinhu izvi chichauya pairi;

28 Uye andichairopafadza nemaropafadzo, uye ndigopeta ndapetazve maropafadzo akawanda pairi, uye nepazvizvarwa zvayo nariini nariini, vanodaro Mwari wenyu. Ameni.