Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 98


Chikamu 98

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirland, Ohio, 6 Nyamavhuvhu 1833 (History of the Church, 1:403–406). Chakazarurwa ichi chakauya pamusoro pekutambudzwa kweVatendi muMissouri. Zvakanga zvichinzwisisika kuti Vatendi muMissouri, vatambudzwa varasikirwa nezvinhu, vanganzwe kuda kudzorera nekutsividza. Nokudaro, Ishe vakapa chakazarurwa ichi. Kana dai zvawo mamwe mashoko ezvematambudziko ekuMissouri akanga atosvika kuMuporofita muKirtland (chinhambwe chemazana mapfumbamwe emamaira) kuipa kwezvinhu kwaitokwanisa kuzivikanwa naye pazuva iri, kuburikidza chete nekuzarurirwa.

1–3, Kutambudzwa kweVatendi kuchave kwakanakira ivo; 4–8, Vatendi vanofanira kushamwaridzana nebumbiro remutemo venyika; 9–10, Varume vanovimbika, vanoruzivo, nevarume vakanaka vanofanira kutsigirwa muharumende yezvenyika; 11–15, Avo vanopira upenyu hwavo mubasa raIshe vachave neupenyu hwokusingaperi; 16–18, Rambai hondo, mushambadze runyararo; 19–22, Vatendi vari muKirtland vanotsuurwa, nekuudzwa kuti vatendeuke; 23–32, Ishe vanoratidza mitemo yavo inotonga kutambudzwa nokunetswa kwakaiswa pavanhu vavo; 33–38, Hondo inorevererwa chete kana yataurwa naIshe; 39–48, Vatendi vanofanira kuregerera vavengi vavo, avo vekuti, kana vatendeuka, vanozopunyukawo kudzorera kwaIshe.

1 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri shamwari dzangu, amusatye, mwoyo yenyu ngainyaradzwe; hongu farai nokusingaperi, nemuchinhu chose ipai bkutenda;

2 aMirirai nemwoyo murefu pana Ishe, nokuti minamato yenyu yapinda munzeve dzaIshe weSabaoti, ikanyorwa nechisimbiso ichi nechisungo—Ishe vapika uye vakadzika kuti vachapihwa.

3 Naizvozvo, vanopa chivimbiso ichi kwamuri, nechibvumirano chisingagone kupindurwa kuti zvichazadzikiswa; zvose zvinhu azvamakatambudzwa nazvo zvichashanda pamwechete kuitira kupunduka kwenyu, nokubwinya kwezita rangu, vanodaro Ishe.

4 Uye nazvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri nezvemitemo yenyika, chido changu kuti vanhu vangu vanofanira kucherechedza nokuita zvose zvinhu zvipi zvazvo zvandinovaraira.

5 Uye amutemo iwoyo wenyika uri bbumbiro remitemo, uchitsigira hurongwa hwerusununguko mukuchengetedza kodzero nezvaunokodzera, ndewe vanhu vose, uye zvinonatsika pamberi pangu.

6 Nokudaro ini Ishe, ndinokureverera, uye nevazvarwa vako vechechi yangu, mukushamwaridzana nemutemo uyo unove ndiwobumbiro remutemo wenyika;

7 Uye maererano nemutemo wemunhu, chipi zvacho chizhinji kana chishoma pane izvi chinouya nehuipi.

8 Ini Ishe Mwari, ndinokuitai kuti amusununguke, nokudaro masununguka zvechokwadi; uye nemutemo unoitawo kuti musununguke.

9 Zvisinei, kana avakaipa vachitonga vanhu vanochema.

10 Nokudaro, varume avakavimbika uye nevarume vakangwara vanofanira kutsvagwa nesimba, uye vanhu vakanaka nevanhu vakangwara munofanira kuvacherechedza kuti muvatsigire; nokuti chose chishoma pane izvi chinobva kune wakaipa.

11 Uye ndinopa kwamuri murairo, kuti munofanira kusiya kuipa kwose uye mugobatirira pane zvose zvakanaka, kuti mugorarama aneshoko rose rinobva mumuromo waMwari.

12 Nokuti aachapa kune vanotendeka mutsetse nemutsetse uye mutemo nemutemo; uye bndichakuedzai nokukusimbisai naizvozvi.

13 Uye ani zvake aanopira upenyu hwake mubasa rangu, nekuda kwezita rangu achahuwana zvakare, kunyangwe upenyu hwokusingaperi.

14 Nokudaro, amusatye vavengi venyu, nokuti ndadzika mumwoyo mangu, vanodaro Ishe, kuti bndichakuyedzai muzvinhu zvose, kuti muchagara here muchibvumirano changu, kunyangwe kusvika cpakufa. Kuti muwanikwe makakodzera.

15 Nokuti kana musingagare muchibvumirano changu hamukodzere kuve vangu.

16 Nokudaro, arambai bhondo uye muparidze crunyararo, uye mushingaire kutsvaka kuti dmutendeutsire mwoyo yevana kumadzibaba, uye nemwoyo yemadzibaba kuvana;

17 Uye zvakare, mwoyo yevaJuda kuvaporofita, uye maporofita akuvaJuda; nokuti ndingazouya ndikarova nyika yose nechituko, uye yose nyama ikapera pamberi pangu.

18 Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika; nokuti mumba mababa vangu mune dzimba adzakawanda, uye ndakakugadzirirai nzvimbo, uye pana Baba vangu neni ipapo ndipopamuchavewo.

19 Tarisai, ini Ishe handinyatsofara nevazhinji vari muchechi kuKirtland;

20 Nokuti havasikusiya zvitadzo zvavo, uye nenzira dzavo dzakaipa, kuzvikudza kwemwoyo yavo, uye noruchiva rwavo, uye nezvinhu zvavo zvose zvakashoreka, uye nokucherechedza mashoko eungwaru neupenyu hwokusingaperi hwandakavapa.

21 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti ini Ishe, andichavaranga uye ndichaita zvose zvandinenge ndada, kana vasingatendeuke uye vachicherechedza zvinhu zvose izvo zvandakataura kwavari.

22 Uye zvakare ndinoti kwamuri kana amukacherechedza kuita chose chandinokurairai, ini Ishe, ndichabvisa kwose kushatirwa uye nokugumbuka kubva kwamuri, uye bmisuwo yegehena haizokumirirai.

23 Zvino, ndinotaura kwamuri pamusoro pemhuri dzenyu—kana vanhu avakakurovai, kana mhuri dzenyu, kamwechete, uye nemwoyo murefu chinyararire, uye mukasadzorera, kana kutsvaka kutsiva, muchawana mubairo;

24 Asi mukasava nemwoyo murefu, zvichatorwa kwamuri asekupihwa kuyananiswa kwakafanira kwamuri.

25 Uye zvakare, kana muvengi wenyu akakurovai kechipiri, uye imi mukasamudzosera muvengi wenyu, uye mukazvitora nemwoyo murefu, mubairo wenyu uchave wakapetwa kazana.

26 Uye zvakare, kana akakurovai kechitatu, uye imi mukazvitora anemwoyo murefu; mubairo wenyu uchapetwa kaviri kwamuri;

27 Uye uchapupu hutatu uhwu huchamira huchipokana nemuvengi wenyu kana asina kutendeuka, uye hauzodzimwa.

28 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muvengi uya akapunyuka kutsiva kwangu, kuti asatorwe mukutongwa pamberi pangu, zvino muchaona kuti amamuyambira muzita rangu, kuti asazouya pamuri zvakare, kana pamhuri yenyu, kunyangwe vana vevana venyu kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechina.

29 Uye zvino, kana akauya pamuri kana kuvana venyu, kana kuvana vevana venyu kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina, ndaisa muvengi wenyu mumaoko enyu;

30 Uye zvino kana mukamuregerera, muchapihwa mubairo wekururama kwenyu; uye nekuvana venyuwo uye nekuvana vevana vavo kusvika kuchizvarwa chechitatu nechechina.

31 Zvisinei, muvengi wenyu ari mumaoko enyu; uye kana mukamupa mubairo uri maererano nemabasa ake hamuna mhosva; kana achitsvaka kukuurayai, uye upenyu hwenyu huri mungozi pamusana pake, muvengi wenyu ari mumaoko enyu uye imi hamuna mhosva.

32 Tarisai, uyu ndiwomutemo wandakapa kumuranda wangu Nifai, uye anemadzibaba enyu, Josefa, uye Jakobo, Isaka, naAbrahama, uye nevose vaporofita vangu nevaapositori vekare.

33 Uye zvakare, uyo andiwomutemo wandakapa kune vangu vekare, kuti vasabude kuenda kunorwa nerudzi rwupi zvarwo, kana dzinza, rurimi, kana vanhu, kunze kwekunge ini Ishe, ndavaraira.

34 Uye kana rudzi rwupi zvarwo, rurimi kana vanhu vakadaidzira hondo kwavari, vanofanira kutanga vasimudzira mureza awerunyararo kuvanhu ivavo, kana rudzi irworwo, kana rurimi irworwo;

35 Uye kana vanhu ivavo vakasabvuma runyararo rwavari kupihwa, kana kechipiri kana kechitatu, vanofanira kuuya neuchapupu uhu pamberi paIshe;

36 Zvino ini Ishe, ndinozopa kwavari murairo, nekuvatsigira mukuenda kwavo kuhondo nenyika iyoyo, kana rurimi kana vanhu.

37 Uye ini Ishe, andinozorwa hondo dzavo, uye nehondo dzevana vavo, uye nedzevana vevana vavo, kusvika vazvitsividza pavavengi vavo vose, kusvika kuchizvarwa chechitatu nechechina.

38 Tarisai, uyu muenzaniso kuvanhu vose, vanodaro Ishe Mwari venyu, kuti pave nekuenzanisa pamberi pangu.

39 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri kana muvengi wenyu achinge auya kwamuri kekutanga, akatendeuka akauya kwamuri achikumbira ruregerero rwenyu, imi munofanira kumuregerera, uye imi hamuzozvichengeta seuchapupu pamusoro pemuvengi wenyu—

40 Uye zvichidaro kechipiri nekechitatu; uye nenguva dzose dzinotendeuka muvengi wenyu mukutadza kwaakakutadzirai, imi amuchamuregerera, kudakara kave makumi manomwe akapetwa kanomwe.

41 Uye akakutadzirai uye akasatendeuka kekutanga, zvisinei muchamuregerera.

42 Uye akakutadzirai kechipiri, uye akasatendeuka, zvisinei muchamuregerera.

43 Uye kana akutadzirai kechitatu, uye akasatendeuka muchamuregerera zvakare.

44 Asi akakutadzirai kwenguva yechina, hamuchamuregerera, asi muchaunza uchapupu uhu pamberi paIshe; uye hazvizodzimwa kudakara atendeuka uye nokukuripai kakapetwa kana muzvinhu zvose zvaakakutadzirai nazvo.

45 Uye kana akaita izvi, imi muchamuregerera nemwoyo wenyu wose; uye akasaita izvi, ini Ishe andichakutsivirai muvengi wenyu zvakapetwa kazana;

46 Uye nekuvana vake, uye nekuvana vevana veavo vose vanondivenga, kusvika kuchizvarwa achechitatu nechechina.

47 Asi kana vana vakatendeuka, kana vana vevana, uye avakatendeukira kuna Ishe Mwari vavo, nemwoyo yavo yose uye nemasimba avo ose, nepfungwa, uye nesimba, uye vakadzorera zvakapetwa kana zvekutadza kwose ukwo kwavakatadza nako, kana ukwo kwakatadzwa nemadzibaba avo, kana madzibaba emadzibaba avo, ipapo ndipo pachabviswa kugumbuka kwenyu.

48 Uye akutsividza hakwuzouya zvakare pavari, vanodaro Ishe Mwari venyu, uye kutadza kwavo hakuzouyiswa zvakare seuchapupu kwavari pamberi paIshe. Ameni.