Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 99


Chikamu 99

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, kuna John Murdock, Nyamavhuvhu 1832, paHiram, Ohio. Kana dai zvazvo magwaro eDzidziso neZvibvumirano kubvira muna 1876 akati zvakazarurwa zvino ndezve paKirtland, Nyamavhuvhu 1833, magwaro ekutanga nezvimwe zvinyorwa zvenhoroondo zvinotsinhira kuruzivo chairwo nguva yacho chaiyo.

1–8, John Murdock anodaidzwa kuti aparidze vhangeri, uye avo vanomugashira vanogashira Ishe nekuwana tsitsi.

1 Tarisai vanodaro Ishe kumuranda wangu John Murdock—iwe wadaidzwa kuti uende kunyika dzekumabvazuva, kubva kuimba neimba, kubva kumusha nemusha, uye kubva kuguta neguta, kuti uparidze vhangeri rangu risingaperi kuvagari vemo, mukati amekutambudzwa uye nohuipi.

2 Uye uyo aanokugashira anogashira ini, uye uchawana simba rekutaura izwi rangu bmukuratidza kweMweya Mutsvene wangu.

3 Uye uyo anogashira asemwana mudiki, anogashira bumambo hwangu; vakaropafadzwa ivavo nokuti vachawana ctsitsi.

4 Uye ani zvake achakuramba aacharambwa naBaba vangu nemba yake; uye uchageza btsoka dzako munzvimbo dzakahwanda dzamunofamba nadzo seuchapupu kwavari.

5 Uye tarisai, muone, andinouya nokukurumidza bkuzotonga, kupwisa vose zviito zvavo zvisiri zvehumwari nezvavakaita kwandiri ini, sekunyorwa kwazvakaitwa pamusoro pangu mukati mebhuku.

6 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hazvina kufanira kuti muende kudakara vana venyu variritirwa, uye vatumirwa zvakanaka kuna bhishopi weZioni.

7 Mushure memakore akati, kana muchida kwandiri, munogonawo kuenda kunyika yakanaka, kuti munogara nhaka yenyu;

8 Kana zvisirizvo ucharamba uchiparidza vhangeri rangu akusvika watorwa. Ameni.