Magwaro Matsvene
Chisumo


Chisumo

Dzidziso neZvibvumirano zviunganidzwa zvezvakazarurwa zvinoyera nezvirevo zvakafemerwa zvakapihwa kuitira kumiswa nokugadziridzwa kweumambo hwaMwari pano pasi mumazuva ekupedzisira. Kunyangwe zvazvo zvikamu zvizhinji zvakanangana nenhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, mashoko, yambiro nezvikomekedzwa zviripo pakubatsira munhu wose uye zvinekukoka kuvanhu vose kwose kwose kuti vanzwe izwi raIshe Jesu Kristu, vachitaura kwavari nezveupenyu hwavo hwenguva ino nezveruponeso rwavo rwusingaperi.

Zvakazarurwa zvizhinji muchiunganidzwa ichi zvakagamuchirwa nekuburikidza naJoseph Smith, Mwana, muporofita nemutungamiriri wekutanga weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Zvimwewo zvakazounzwa kuburikidza nevamwe vevatevedzeri vake muhutungamiri (ona misoro yezvikamu 135, 136 ne138, neZvirevo zveChechi 1 ne 2).

Bhuku reDzidziso neZvibvumirano nderimwe remagwaro anoshandiswa neChechi pamwechete neBhaibheri, Bhuku raMormoni, neDombo reMutengo Mukuru. Zvisinei, Dzidziso neZvibvumirano rinokosha zvikuru nokuti harisi dudziro yegwaro rakare, asi nderenguva ino uye rakapihwa naMwari mukuburikidza nevaporofita vake vakasarudzirwa mukudzorerwazve kwebasa ravo tsvene nekumiswa kweumambo hwaMwari pasi mumazuva ano. Mune zvakazarurwa, mumwe anonzwa izwi raIshe Jesu Kristu rakapfava asi rakatsunga, richitaura patsva mumukuwo wekuzara kwenguva, uye basa ratangiswa pano iri, nderekugadzirira kuuya kwavo kwepiri, mukuzadzikisa uye zvichiwirirana nemazwi evose vaporofita matsvene kubva nyika ichatanga.

Joseph Smith, Mwana, akaberekwa musi wa23 Zvita 1805, muSharon, muRuwa rweWindsor, Vermont. Munguva yekutanga yeupenyu hwake, akatama nemhuri yake kuenda kuManchester, kumadokero kweNew York. Apo paaigara pedyo neManchester mumwaka wepfumvudza muna 1820, aine makore gumi nemana okuberekwa, akaona chiratidzwa chake chokutanga, munove maakashanyirwa naMwari Baba vekusingaperi, neMwanakomana wavo Jesu Kristu, pachezvavo. Akataurirwa muchiratidzo ichi kuti Chechi yechokwadi yaJesu Kristu yakange yakamiswa munguva yeTestamende Itsva, uye yakange yashandira kuzadzikiswa kwevhangeri, rakange risisipo pano pasi. Zvimwe zviratidzo zvinoyera zvakatevera munove ndimo maakadzidziswa nengirozi dzakawanda, zvikaratidzwa kwaari kuti Mwari vaive nebasa rinokosha rekuti iye agozoita pano pasi uye kuti nekuburikidza maari Chechi yaJesu Kristu yaizodzoserwazve pasi.

Mukufamba kwenguva, Joseph Smith akakwanisa nerubatsiro rwunoyera nekuburitsa Bhuku raMormoni. Munguva iyoyo, iye naOliver Cowdery vakagadzwa hupurisita hwaAroni naJohane Mubapatidzi muna Chivabvu 1829 (ona D&Z 13), uye mushure mezvo vakazogadzwa zvakare Hupirisita hwaMerkizedeki neVaapositori vakare Petro, Jakobo naJohane (ona D&Z 27:12) Kumwe kugadzwa kwazotevera monove makiyi ehupirisita akagadzwa pavari naMosesi, Erija, Eria nevaporofita vakawanda (ona D&Z 110; 128:18, 21). Kugadzwa uku, kwatove kudzorerwa kutsvene kwemasimba dzvene raMwari kuvanhu pano pasi. Musi wa6 Kubvumbi 1830, pasi pehutungamiri hwekudenga muporofita Joseph Smith akaronga nekumisa Chechi nekudaro Chechi yechokwadi yaJesu Kristu yave kushandazve sehurongwa mukati mevanhu, riinemvumo yekudzidzisa vhangeri nekuita zvisungo zveruponeso. (Ona Dombo reMutengo Mukuru, Nhoroondo—yaJoseph Smith 1: 1–75 neD&Z 20.)

Zvakazarurwa izvi zvinoera zvakatambirwa kubva mumhinduro yemunamato, munguva dzekuda rubatsiro, uye zvakazoburitsa zvinhu zvinoitika muupenyu zvichibatanidzira vanhu chaivo. Muporofita nevamwe vake vakatsvaga hutungamiriri hunoyera uye zvakazarurwa izvi zvinotsigira kuti vakazvitambira. Mune zvakazarurwa mumwe anoona kudzoserwazve nekuvhurika kwevhangeri raJesu Kristu nekuunza muupenyu mukuwo wekuzadzikiswa kwenguva. Kufamba kuenda kumadokero kweChechi kubva kuNew York uye Pennsylvania kusvikira Ohio kuMissouri, kuIllinois nekupedzisira nekuGreat Basin yekumadokero kweAmerica uye kutambura kukuru kweVatendi mukuedza kuvaka Zioni pano pasi munguva ino zvinoratidzwa mune zvakazarurwa izvi.

Zvimwe zvezvikamu zvakatikuti zvekutanga zvinosanganisa zvinhu zviri maererano nekupindurwa nekuburitswa kweBhuku raMormoni (ona zvikamu 3, 5, 10, 17, na19). Zvimwe zvikamu zvinotevera zvinoratidza basa reMuporofita Joseph Smith mukugadzirira mukupindura kwakafemerwa kweBhaibheri munova zvizhinji zvezvikamu zvikuru zvedzidziso zvakazotambirwa (ona, semuenzaniso, zvikamu 37, 45, 73, 76, 77, 86, 91, ne132, chimwe nechimwe chine kuwirirana kwakanangana nekupindurwa kweBhaibheri).

Muzvakazarurwa, dzidziso dzevhangeri dzinoiswa pachena netsananguro dzehwaro hwezvinhu sechimiro cheMusoro wehuMwari, mavambo emunhu, mamiriro chaiwo aSatani, chinangwa cheupenyu huno, kukosha kwekuteerera, kudikanwa kwekutendeuka, mashandiro eMweya Mutsvene, zvisungo nezviitiko zvinechekuita neruponeso, magumo enyika, mamiriro achateera emunhu mushure meKumuka kuVakafa neKutongwa, kusapera kwehukama hwekuroorana, uye mamiriro emhuri okusingaperi. Saizvozvo, kubuda pachena zvishoma nezvishoma kwehurongwa hwemashandiro echimiro cheChechi zvinoratidzwa nekudaidzwa kwemaBhishopi, vaTungamiri veKutanga, Dare revaneGumi neVaviri nevaneMakumi Manomwe uye kumiswa kweZvimwe zvinzvimbo zvehutungamiri nezvikwata. Mukupedzisira, uchapupu hunopihwa pamusoro paJesu Kristu—humwari hwake, hukuru hwake, hururami hwake, rudo rwake nesimba rake rerununuro—zvinoita kuti bhuku rino rive nekukosha kukuru kumhuri yemunhu uye richiva rinokosha kudarika upfumi hwepasi rose.

Zvakazarurwa zvakatiwandeyi zvakaburitswa muZioni (Independence), Missouri, muna 1833, pasi pemusoro unoti A Book of Commandments for the Government of the Church of Christ (Bhuku reMirairo yeHurumende yeChechi yaKristu). Maererano nechinyorwa ichi, vakuru veChechi vakapa uchapupu hwavo pamwechete kuti Ishe vakange vavapupurira mumwoyo yavo kuti zvakazarurwa izvi zvaive zvechokwadi. Apo Ishe vaienderera mberi nekutaura nevashandi vavo, chinyorwa chakakura chakazoburitswa mumakore maviri akatevera muKirtland, Ohio, chiine musoro unoti Doctrine and Covenants of the Church of Jesus Christ of the Latter Day Saints (Dzidziso neZvibvumirano zveChechi yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira). Kuchinyorwa ichi muna 1835, uchapupu hwakanyorwa hweVaapositori vaneGumi neVaviri hwakabatanidzwa sezvinotevera:

Uchapupu
hweVaapositori Vanegumi Nevaviri Kuchokwadi
cheBhuku reDzidziso neZvibvumirano

Uchapupu hwevapupuri kuBhuku reMirairo yaIshe, mirairo inove Ivo yavakapa kuChechi Yavo mukuburikidza naJoseph Smith, Mwana, uyo akadomwa nezwi reChechi kuchinangwa ichi:

Isu, naizvozvo, tinonzwa kuda kupa uchapupu kune nyika yose yevanhu, kune chisikwa chose chiri pauso hwenyika, kuti Ishe vapa umboo kumwoyo yedu mukuburikidza neMweya Mutsvene wakanga uri matiri kuti mirairo iyi yakapihwa nekufemerwa kwaMwari, uye zvinobatsira vanhu vose uye zvirokwazvo ndezvechokwadi.

Tinopa uchapupu kunyika yose, Ishe vari mubatsiri wedu uye kuburikidza nenyasha dzaMwari Baba, neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, kuti tinobvumidzwa kuwana mukana uyu wekupa uchapupu kunyika yose zvinove zvinotipa rufaro rwakanyanyisisa, tichinamata Ishe nguva dzose kuti vana vevanhu vanga batsirikane nazvo.

Mazita evaneGumi neVaviri:

Thomas B. Marsh

David W. Patten

Brigham Young

Heber C. Kimball

Orson Hyde

Wm. E. McLellin

Parley P. Pratt

Luke S. Johnson

William Smith

Orson Pratt

John F. Boynton

Lyman E. Johnson

Mukuburitswa kwakatevedzana kweDzidziso neZvibvumirano, zvakazarurwa zvakazowedzerwa kana zvimwe zvezvinyorwa zvakazowedzerwa sekutambirwa nekugamuchirwa nemagungano kana misangano yeChechi.

Kutanga nerakaburitswa muna 1835, zviteedzwa zvinomwe zvedzidziso yaMwari zvakazosanganiswa zvakare; izvi zvakatumidzwa kunzi Lectures on Faith (Zvidzidzo zveRutendo). Izvi zvakange zvagadzirirwa kushandiswa muChikoro cheVaporofita muKirtland, Ohio, kubva 1834 kusvikira 1835. Kunyangwe zvazvo zvichibatsira mukudzidzisa nekuraira, zvidzidzo izvi zvakasiiwa kubva muDzidziso neZvibvumirano kubvira mune rakaburitswa muna 1921 nekuti akange asina kupihwa kana nekuburitswa sezvakazarurwa kuSangano rose.

Zviri pachena kuti zvimwe zvikanganiso zvakaramba zvichingodzokererwa mune zvakaburitswa kare muChirungu, kunyanya muzvikamu zvenhoroondo yemisoro yezvikamu. Zvakadaro, chinyorwa chino chinegadziridzo yemusi nemazita enzvimbo uyezve nezvimwe zvigadziridzo zvidiki zvainge zvichikodzera. Shanduro idzi dzakaitwa kuti dziunze zvinyorwa izvi mukuwirirana nemagwaro enhoroondo. Zvimwe zvimiro zvinokosha zvechinyorwa ichi chitsva zvinosanganisira kunhadziridzwa kwerubatsiro rwemagwaro, misoro yezvikamu, zvidimbu zvechitaurwa, zvose izvi zvinove zvakagadzirirwa kubatsira vaverengi kuti vanzwisise uye kuti vafare mushoko raIshe sekupihwa kwaro muDzidziso neZvibvumirano.

Zvisumo zvezvikamu zveDzidziso neZvibvumirano zvine kuwirana neHistory of the Church (Nhoroondo yeChechi). History of the Church mabhuku anokwana kuita manomwe ezviitiko zvenhoroondo zveChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva eKupedzisira kubva 1820 kusvikira 1848. Nokuti mabhuku aya haana kududzirwa uye anowanikwa chete mururimi rweChirungu, mavambo eHistory of the Church muzvisumo zvezvikamu zvechinyorwa chino cheDzidziso neZvibvumirano chinokunongedzera kumabhuku enhoroondo yeSangano ari mururimi rweChirungu.