Magwaro Matsvene
Chirevo cheChechi 1


Chirevo cheChechi—1

Kune uyo Angade kuzviziva:

Magwaro ekumapepanhau akatumirwa nechinangwa chezvematongerwo enyika, kubva kuGuta reSalt Lake, ayo akashambadzwa kwose kwose, zvakaita kuti dare reUtah Commission, mugwaro raro razvino kune Gurukota rezveMukati Menyika, vachiti barika richiri kuitwa uye vachiti kune makumi mana kana kupfuura eroorano yakadaro yakaitwa muUtah kubvira munaChikumi kana mukati megore rapfuura, zvakare nokutiwo mukutaura muvanhu vatungamiri veChechi vanodzidzisa, vachikurudzira nokutunha kuti kuita uku kwebarika kurambe kuripo—

Ini nokudaro seMutungamiri weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, ndinoti pano, netsika yekuremekedza zvikuru, ndinozivisa kuti izvi zvirikutaurwa inhema. Hatizi kudzidzisa kuti kuve nebarika kana kuroora vakadzi vazhinji, kana kubvumira munhu upi zvake kuti apinde mutsika yacho, uyezve ini ndinoramba kuti hakuna makumi mana kana humwe huwandu zvawo weroorano yevakadzi vazhinji panguva iyoyo yakaitwa mumaTemberi edu kana mune imwe nzvimbo munyika.

Nyaya imwechete yakataurwa, iyo inonzi nevakataura, roorano iyi yakaitirwa mumba Yeendawumenti, muSalt Lake City, munguva yepfumvudza ya1889, asi handisati ndakwanisa kuziva kuti ndiani akaitisa muchato iwoyu; chose chakaitwa munyaya iyi chakaitwa ndisingazive. Naizvozvo, pamusana pezvakaitika izvi, Imba Yemaendawumenti, nokuraira kwangu, yakabva yapazwa pasina kupedza nguva.

Sezvo kuine mitemo yakamiswa nedare reHurumende inorambidza kuroora vakadzi vazhinji, iri mitemo yakanzi inopindirana nebumbiro remitemo nedare remhosva kunoendwa pekupedzisira, ini pano ndinozivisa chido changu kuve pasi pemitemo iyoyo, uyezve nokushandisa hunhu hwangu munhengo dzeChechi iro randinotungamira kuti vaite zvimwechetezvo.

Hamuna mudzidziso dzangu kuChechi kana muzvidzidziso zveavo vamwe vangu, panguva iri kutaurwa iyi, chinganzi chaizvo kudzidzisa kana kukurudzira barika; uyezve kana ripi zvaro Gosa reChechi rikange riri rashandisa mazwi anoita seanopa dzidziso yakadaro, pakarepo rinobva ratsiurwa. Zvino ndavekuzivisa pachena kuti kuraira kwangu kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndekwekurega kutora roorano inorambidzwa nemutemo wenyika.

Wilford Woodruff

Mutungamiri weChechi yaJesu Kristu
yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

Mutungamiri Lorenzo Snow akapa zvinotevera:

“Ini ndinoti, nokuziva kuti Wilford Woodruff seMutungamiri weChechi raJesu Kristu raVatendi vaMazuva Ekupedzisira, uye ari iye chete munhu pasi pano panguva ino ane makiyi ezvisungo zvekusimbisa, tinomuti anemvumo yakazara pamusana pechinzvimbo chake yekuburitsa Gwaro iro raverengwa tichinzwa, uye riri ranyorwa musi wa24 Gunyana, 1890, uye seChechi riri muMuchechi Mukuru weVose raungana, tinobvuma kutaura kwake pamusoro pebarika sezwirine simba uye richisunga.”

Sarudzo yekutsigira gwaro iri yabvumiranwa nevose.

Salt Lake City, Utah, Gumiguru 6, 1890.

Zvakatorwa Kubva Kudzidziso Nhatu
Dzemutungamiri Wilford Woodruff
Maererano Nechiziviso

Ishe havazombofa vakabvumira ini kana mumwe munhu anomira seMutungamiri weChechi rino kuti akutungamirirei kusiri iko. Hazvizi muhurongwa. Hazvizi mupfungwa dzaMwari. Dai ndaizviyedza, Ishe vanondibvisa panzvimbo yangu, kana saizvozvo anobvisa wose munhu anoyedza kutungamira vana vevanhu kundorasika kubva mune zvakazarurwa zvaMwari uye nemubasa ravo. (Muchechi Mukuru weVose rechimakumi matanhatu nerimwechete reChechi rinoitwa kaviri pagore Muvhuro, Gumiguru 6, 1890, Guta reSalt Lake, Utah. Rakataurwa mubepanhau rinonzi Deseret Evening News [Bepanhau reManheru reDhezereti], Gumiguru 11, 1890, p. 2.)

Hazvina mhosva kuti ndiani anorarama kana kuti ndiani anofa, kana kuti ndiani anodaidzwa kuti atungamire Chechi rino, vanofanira kuritungamira nokufemerwa naMwari Samasimba. Kana vasingazviite nenzira iyoyo, havakwanise kuzviita zvachose. …

Ndakagashira zvakazarurwa munguva pfupi ichangopfuura, uye zviri zvakakosha chaizvo kwandiri, uye ndichakutaurirai kuti Ishe vakati chii kwandiri. Regai ndiunze pfungwa dzenyu kune chinonzi chirevo. …

Ishe vanditaurira kuti ndibvunze Vatendi vaMazuva Ekupedzisira, mubvunzo, uye vandiudzawo kuti kana vakateerera kune zvandakataura kwavari uye vakapindura mubvunzo waiswa kwavari, neMweya nesimba raMwari, vose vangapindure zvakafanana, uye vose vaitenda zvakafanana maererano nenyaya ino.

Mubvunzo ndeuyu: Ndeipi nzira ine ungwaru chaihwo yekuti Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vatevere—kuramba vachiedza kuita tsika yevakadzi vazhinji, mitemo yenyika ichizviramba nokushorwa nemamiriyoni makumi matanhatu evanhu nokutorerwa nokurasikirwa nematemberi ose, nokumiswa kwezvisungo zvinoitwamo zvose, zvose zvevapenyu nevakafa, nokuiswa mujeri kweHutungamiri hweKutanga nevaneGumi neVaviri nemisoro yemhuri muChechi, uye nokutorerwa zvinhu zvose zvevanhu (vose vari vanogona pachavo kuregera kuzviita); kana, mushure mekuita nokutambudzika kwataita kuburikidza nokubatirira patsika iyi, kuti tirege kuita uku uye tizviise pasi pemutemo, nekuburikidza nokudaro tigosiya Vaporofita, Vaapositori nemadzibaba kudzimba, kuti vagodzidzisa vanhu nokuona kumabasa eChechi, nokusiya maTemberi ari mumaoko aVatendi, kuti vagotarisa zvezvisungo zveVhangeri, zvose zvevapenyu nezvevakafa?

Ishe vandiratidza nechiratidzo nezvakazarurwa chaizvo zvaizoitika kana dai takaramba kuregera tsika iyi. Dai tisina kuiregera, mungadai musina basa naanani zvake wevarume vari muTemberi ino yeLogan; nokuti zvose zvisungo zvairegerwa kuitwa munyika yose yeZioni. Kukanganisika kwaizotonga munyika yose yeIsraeri, uye varume vazhinji vaizove vasungwa. Dambudziko iri ringadai rakauya muChechi yose, uye tingadai takamanikidzwa kuregera tsika iyi. Zvino mubvunzo ndeuyu, kuti zvomiswa here nenzira iyi, kana kuti nenzira yatakaratidzwa nayo naIshe, tigosiya Vaporofita neVaapositori nemadzibaba edu vari vanhu vakasununguka, neMatemberi ari mumaoko evanhu, kuti vakafa vagonunurwa. Vazhinji vakatobviswa kubva kumba yetirongo iri munyika yemweya, nevanhu ava, basa richaenderera here kana kumira? Mubvunzo uyu ndinouisa pamberi paVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Munofanira kuzvitongera. Ndinoda kuti muzvipindure pachenyu. Ini handizvipindure; asi ndinoti kwamuri ndizvo chaizvo zvatingadai tiri isu vanhu dai tisina kutora nzira yatave.

Ndakaona chaizvo zvaizouya dai pasina chakaitwa. Ndanga ndiine mweya uyu pandiri kwenguva huru. Asi ndinoda kuti: Ndingadai ndakarega matemberi akabva mumaoko edu; ndingadai ndakaenda kutirongo ini pachangu, uye ndakarega vose vamwe varume vakaendako, dai Mwari vekudenga vasina kunge vandiraira kuita zvandakaita; nguva isati yasvika iyo yandakanga ndarairwa kuzviita, zvose zvakanga zvakajeka kwandiri. Ndakaenda pamberi paIshe, uye ndikanyora zvandakaudzwa naIshe kuti ndinyore. …

Ndinosiya izvi nemi, kuti imi muzvifungire nokuzvitarisisa. Ishe vari pabasa nesu. (Muchechi wehoko yeCache, Logan Utah, Svondo, Mbudzi 1, 1891. Zvakanyora mubepanhau reDeseret Weekly [Dhezereti repaSvondo], Mbudzi 14, 1891.)

Zvino ndichakutaurirai zvakaiswa pachena kwandiri nezvakaitwa neMwanakomana waMwari muchinhu ichi. … Zvose zvinhu izvi zvingadai zvakazoitika, sekuvepo kwaMwari Samasimba vanorarama, dai Chirevo icho chisina kupihwa. Nokudaro, Mwanakomana waMwari vakanzwa zvakafanira kuti gwaro iroro riiswe kuChechi nekunyika kuitira zvaive mupfungwa dzavo. Ishe vakanga vadzika kumiswa kweZioni. Vakanga adzika kupedziswa kwetemberi ino. Vakanga adzika kuti ruponeso rwevapenyu nevakafa rwunofanira kupirwa mumanhika ano emakomo. Uye Mwari Samasimba vakadzika kuti Dhiabhorosi haakwanise kuzvitadzisa. Kana mukagona kunzwisisa izvozvo, ndiyo kiyi yacho. (Kubva kuhurukuro yekupinda kechitanhatu mukukumikidzwa kweTemberi yeSalt Lake City, muna Kubvumbi 1893. Zvinyorwa zveMunamato weKupira Zvichengetwa, Bazi reNhoroondo dzeChechi, Salt Lake City, muUtah.)