Zvibatsiro Zvekudzidza
Chisumo


Chisumo

Nhungamiri kuMagwaro Matsvene inotsanangura dzidziso dzakasarudzwa nemisimboti, vanhu, nenzvimbo dzinowanikwa muBhaibheri Dzvene, Bhuku raMormoni, Dzidziso neZvibvumirano, nemuDombo Remutengo Mukuru. Inokupawo zvinokosha zvinonangana nemagwaro matsvene zvaungadzidze pamusoro penhaurwa yega-yega. Nhungamiri inogona kukubatsira iwe pachako uye nemhuri mukudzidza magwaro matsvene. Inogona kukubatsira kupindura mibvunzo iri pamusoro pevhangeri, kuverenga nekunzwisisa nhaurwa dzemagwaro matsvene, kugadzirira nhaurwa nezvidzidzo, nekuwedzera ruzivo neuchapupu hwako hwevhangeri.

Nhungamiri ine zvikamu zvitatu: (1) misoro yenhaurwa yakarongwa zvichitevedza kurongana kwemavara, (2) zvakasarudzwa kubva muDudziro yaJoseph Smith yeBhaibheri (JSD), (3) Nhoroondo yesangano yakarongwa semaitikiro azvo, mamepu emuBhaibheri nemifananidzo.

  1. Kurongwa kwemisoro Yenhaurwa Ichitevedza. Chikamu ichi chinopa tsananguro pfupi kumusoro wenhaurwa yega-yega nekudoma zvinonyatsokosha zvinonangana nezvemusoro wacho wenhaurwa. Chose chine zvekuita nemagwaro chinoteverwa nenhapwa-mukanwa pfupi kana chidimbu chedudziro yemagwaro. Zvinonangana nemagwaro matsvene zvinovepo muhurongwa hunoti: Testamende yaKare, Testamende Itsva, Bhuku raMormoni, Dzidziso neZvibvumirano, neDombo Remutengo Mukuru.

  2. Zvakasarudzwa kubva muDudziro yaJoseph Smith yeBhaibheri. Mugore ra1830, Ishe vakaraira Muporofita Joseph Smith kuti atange basa rekudzokeredza kana kuti kududzira Bhaibheri rakadhindiswa naMambo Jemisi. Chinangwa cheMuporofita chaive chekudzorera zvakare zviripachena uye zvinokosha kwazvo zvakange zvarasika mumagwaro ekutanga eBhaibheri. Akapedza basa zhinji muna Chikunguru 1833. Zvisinei, kusvikira pakufa kwake muna 1844, akaramba achienderera mberi nekushandura apo achigadzirira zvinyorwa kuti zvidhindwe. Kana zvazvo chiunganidzwa chose chezvinyorwa chisina kupedziswa, kana kuzotorwa zviripamurawo neChechi, Dudziro yaJoseph Smith ine nzwisiso zhinji dzezvinorehwa nemagwaro matsvene uye iyamuro inokosha mukunzwisisa Bhaibheri. Zvimwe zvezvinyorwa zvakatiwandei zvinokosha zvakasanganiswa muNhungamiri kumagwaro matsvene. (Kuti ugoziva zvimwe, tarisa musoro wenhaurwa “Dudziro yaJoseph Smith” muNhungamiri.)

    Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira inoshandisa zviri pamurawo dudziro yechirungu yeBhaibheri rakadhindiswa naMambo Jemisi. Yakave nekukosha kukuru mukudzorerwazve kwevhangeri uye inoenderera mberi nekuve nekurudziro huru munyika dzakawanda pasi rose.

  3. Nhoroondo yeChechi yakarongwa semaitikiro azvo, mamepu, nemifananidzo, nemamepu emuBhaibheri nemifanandizo. Mukuziva mamiriro ematunhu anotaurwa nezvawo mumagwaro matsvene, unokwanisa kunzwisisa zvirinani zviitiko zvemumagwaro matsvene. Nhungamiri inosanganisa mamepu 6 enzvimbo dzinokosha munhoroondo yeChechi, mamepu 14 enzvimbo dzemuBhaibheri, nemepu 1 yepasi rose. Kuti uwane nzvimbo, shandisa chinogedzo chezviunganidzwa zvemamepu aunenge uchida. Chinongedzo chichakuendesa kune mepu chaiyo-chaiyo uye zvinangiso zvenzvimbo pamepu iyoyo. Mifananidzo 18 yenhoroondo yeChechi ne32 yemuBhaibheri inetsanangurowo inokubatsira kunzwisisa zvirinani zvimwe zviitiko zvemumagwaro matsvene.

    Nhoroondo yeChechi yakarongwa semaitikiro azvo inopa nguva yezviitiko zvinokosha mukudzorerwazve uye kukura kweChechi yaJesu Kristu mumazuva ano ekupedzisira.

Kukayamurazve mukudzidza kwako magwaro matsvene, Nhungamiri ine zvimwe zvakatiwandei zvinokuyamura. Semuyenzaniso, kana ukatarisa pakanzi “Jesu Kristu” unoona paine chinyorwa chakarongeka chinonzwisisika chemusoro wenhaurwa yega-yega muNhungamiri chinokupa zvaungade kuziva zvakanangana neMuponesi nehushumiri hwake. Uyu ndiwo wega musoro wenhaurwa muNhungamiri unehurongwa hwakawanda kudaro, hunonyatso kohomedza kukosha kwaKristu kuvanhu vose. Pamusoro pezvo, pasi pemusoro wenhaurwa “Zvakarongeka semaitikiro azvo” zvimwe zvezviitiko zvinokoshesesa zvenguva yemuBhaibheri nemuBhuku raMormoni, zvakanyorwa pamwechete nemazuva anofungidzirwa azvakaitika. Musoro wenhaurwa “Vhangeri” unosanganisa kupindirana kwemaVhangeri. Kupindirana uku kunoenzanisa dzidziso dzeMuponesi sekuwanikwa kwadzinoitwa muna Mateo, Marko, Ruka, Johane, nemune zvakazarurwa kumazuva ekupedzisira.