2010–2019
Chido
Kubvumbi 2011


Chido

Kuti tiwane mugumisiro wedu weupenyu hwekusingaperi, tinozoda uye nokushandira hunhu hunodikanwa kuti tive munhu wokusingaperi.

Ndasarudza kutaura pamusoro pekukosha kwechido. Ndinovimba kuti mumwe nemumwe wedu tinozotsvaka mumwoyo medu kuziva izvo zvatinoda pachokwadi uye mayerero atinoita zvido zvedu zvakanyanyisa kukosha.

Zvido zvinorayidza zvinhu zvakakoshesa zvedu, zvinhu zvakakoshesa zvinoumba sarudzo dzedu, uye sarudzo dzinotungamira kuzviito zvedu. Zvido zvatinoteerera kwazviri zvinotungamira mashandukiro atiri kuita, izvo zvatiri kubudirira pazviri, uye vanhu vatiri kuva.

Chokutanga ndinotaura nezve zvimwe zvido zvamazuva ose. Savanhu venyama vanofa tinezvidikanwi zvapanyama zvakakosha. Zvido zvokugutsa zvidikanwi izvi zvinogombedzera sarudzo dzedu uye zvichitungamira kuzviito zvedu. Mienzaniso mitatu inozoratidza kuti dzimwe nguva tinokunda sei zvido izvi nezvimwe zvido izvo zvatinofunga kuva zvakanyanya kukoshesa.

Chokutanga, zvokudya. Tinechidikanwi chakakosha chezvokudya, asi kwechinguva chido ichocho chinokwanisa kukundwa nechido chakanyanya kusimba chokutsanya.

Chechipiri, pokugara. Semukomana aiva namakore gumi namaviri okuzvarwa ndakakunda chido chopokugara nokuda kwechido changu chaiva chikurusa chokuzadzikisa chidikanwi cheSikauti yaVakomana chokurara musango usiku hwese. Ndaiva ndiri mumwe wavakomana vakati wandei vakasiya matende aiva norudekaro uye tikawana nzira yokuvaka musasa wokugara uye nokugadzira uvato hwechinyakare kubva muzvinhu zvemusango zvokuvakisa zvataikwanisa kuwana.

Chechitatu, kurara. Kunyangwe chido chakakosha ichi chinokwanisa kukundwa kwechinguva chipfupi kuburikidza nechido chakatonyanya kukosha kuchipfuura. Semusoja wechidiki muUtah National Guard, ndakadzidza muenzaniso weizvi kubva kune mumwe ofisa aiva neruzivo rukuru munezvokurwa.

Mumwedzi yokutanga yeHondo yechiKorean, chikwata chamauto anorwa nepfuti huru cheRichfield Utah National Guard chakadaidzwa kuti chiuye kuzorwa. Mauto aya, achitungamirirwa naKaputeni Ray Cox, aisanganisira varume vechiMormoni vangangosvika makumi mana. Mushure mekumwe kudzidziswa kwakawedzera uye nokupamhidzirwa pahuwandu nevarwi vaibva kumwewo, mauto akatumwa kuKorea, uko kwavakanosangana nekurwisana kwakaipisisa kwehondo iyoyo. Mune imwe hondo vakarwisa zvikuru mazana amauto avavengi, rudzi rwokurwiswa urwo rwakakurira uye rukaparadza zvimwe zvikwata zvamauto apasi.

Izvi zvinei nokukunda chido chokurara? Panguva yehumwe husiku, apo mauto avavengi paakanga auya akawanda nemunzvimbo mairwirwa uye akapinda munzvimbo dzaiva nechokuseri kwekwaiva kune mauto edu, kaputeni akaita kuti runhare ruiswe kutende yake uye akaraira varindi vakawanda vake vaiva kumucheto kwekembi kuti vamufonere iye pachake paawa yoga yoga usiku hwose. Izvi zvakaita kuti varindi varambe vakasvinura, asiwo zvakareva kuti Kaputeni Cox aimutswa kubva kuhope kakawanda husiku hwose. “Makakwanisa kuzviita sei izvozvo?” Ndakamubvunza. Mhinduro yake inotaridza simba rechido chikurusa kupfuura zvose.

“Ndaiziva kuti kana taizodzokera kumba, ndaizosangana navabereki vavakomana ivavo mumigwagwa yeguta redu diki, uye ndakanga ndisingadi kuzotarisana neupi wavo zvake kana mwanakomana wake akange asina kudzoka kumba nokuda kwechinhu chandainge ndatadza kuita semutungamiri wake.”1

Muenzaniso wakanaka zvakadii wechido chikurusa kupfuura zvose pazvinhu zvakakoshesa uye pazviito! Muenzaniso unesimba zvakadii kwatiri tose isu tine basa rokutaririra kugara zvakanaka kwavamwe—vabereki, vatungamiri veChechi, uye vadzidzisi!

Semhedziso kuchiratidzo ichocho, mangwanani ngwanani aitevera husiku hwaasina kurara, Kaputeni Cox akatungamira varwi vake mukurwa kwetsividzo pamauto avavengi. Vakatora vasungwa vanopfuura mazana masere uye ivo vakatambura vaviri chete vakakuvadzwa. Cox akarumbidzwa nemamenduru nokuda kweushingi hwake, uye chikwata chamauto chake chikagamuchira Presidential Unit Citation nokuda kweugamba hukurusa hwacho. Uye, savarwi majaya vaHiramani (ona Aruma 57:25–26), vose vakadzokera kumba vari vapenyu.2

Bhuku raMormoni rine dzidziso dzakawanda pakukosha kwechido.

Mumashure memaawa mazhinji okuteterera kuna Ishe, Enosi akaudzwa kuti zvivi zvake zvaiva zvaregererwa. Zvino “akatanga kunzwa chido kumagariro akanaka ehama [dzake]” (Enosi 1:9). Akanyora kuti , “Uye … mushure mokunge ndanamata uye ndashanda neushingi hwose, Ishe vakati kwandiri: Ndinozopa kwauri maererano nezvido zvako, nokuda kwerutendo rwako” (ndima 12). Cherechedza zvinhu zvakakosha zvitatu zvakavapo ropafadzo rakavimbiswa risati rapuwa: chido, kushanda, uye rutendo.

Mumharidzo yake pamusoro perutendo, Aruma anodzidzisa kuti rutendo runokwanisa kutanga “nezvisingapfuuri chido chokutenda” kana “tikazorega chido ichi chichishanda [matiri]” (Aruma 32:27).

Imwe dzidziso huru pachido, kunyanya pane icho chinofanira kuva chido chedu chikurusa, inoitika muchiitiko chamambo wechiRamani achidzidziswa nemushumiri Aroni. Apo dzidziso yaAroni payakamufadza, mambo akabvunza kuti, “Chii chandinofanira kuita kuti ndigozvarwa naMwari” uye “ndigowana upenyu hwokusingaperi uhwu?” (Aruma 22:15). Aroni akapindura kuti, “Kana uchida chinhu ichi, … kana iwe ukazotendeuka kubva kuzvivi zvako zvose, uye ukazopfugama pamberi paMwari, uye ukadaidza zita ravo murutendo, uchitenda kuti uchagamuchira, zvino ndipo iwe pauchagamuchira tariro iyo iwe yauri kuda” (ndima 16).

Mambo akaita kudaro uye mumunamato mukuru akazivisa pachena kuti, “Ndinozosiya zvivi zvangu zvose kuitira kukuzivai imi … uye nokuponeswa pazuva rokupedzisira” (ndima 18). Nekuzvipira ikoko uye nekuziva ikoko chido chake chikurusa, munamato wake wakapindurwa zvinoshamisa.

Muporofita Aruma akanga ane chido chikuru chokudaidzira rutendeuko kuvanhu vose, asi akasvika pakunzwisisa kuti haafaniri kuda simba rokugombedzera iro izvi razvaizoda nokuti, akafunga, “Mwari vanoruenzaniso … vanopa kuvanhu maererano nechido chavo, kana zvichizogumisira norufu kana noupenyu” (Aruma 29:4). Zvimwechetezvo, muzvakazarurwa zvamazuva ano Ishe vanozivisa pachena kuti, “Vanozotonga vanhu vose maererano nemabasa avo, maererano nechido chemwoyo yavo” (D&Z 137:9).

Takagadzirira zvechokwadi here kuti Mutongi Wokusingaperi wedu abatanidze ukoshi hukurusa uhwu kune izvo zvatinoda zvechokwadi chaizvo?

Zvinyorwa zvitsvene zvizhinji zvinotaura nezve izvo zvatinoda maererano neizvo zvatinotsvaka. “Uyo anonditsvaka nokukurumidza achandiwana, uye haachazoraswi” (D&Z 88:83). “Tsvakai imi nemwoyo wose zvipo zvakanakisisa” (D&Z 46:8). “Uyo anotsvaka neushingairi achawana” (1 Nifai 10:19). “Swederai pedyo neni uye ini ndinozoswedera pedyo nemi; nditsvakei noushingairi uye muchandiwana, kumbirai uye muchagamuchira; gogodzai, uye zvichazarurwa kwamuri” (D&Z 88:63).

Kushandura zvido zvedu kuitira kupa kukoshesesa kuzvinhu zvokusingaperi hazvisi nyore. Tose tinoedzwa kuda izvo zvinhu zvina zvenyika zvinova, pfuma, mukurumbira, rudado, uye simba. Tingangoda zvinhu izvi, asi hatifaniri kuzvimisa sezvinhu zvinokoshesesa zvedu.

Avo vane chido chikurusa chokuwana upfumi vanowira mumuteyo wekukoshesa zvinhu zvenyama kupfuura zvemweya. Vanotadza kuteerera yambiro yokuti “Musatsvaka upfumi kana zvinhu zvisina maturo zvepanyika pano” (Aruma 39:14; onawo Jakobho 2:18).

Avo vanoda mukurumbira kana simba vanofanira kutevera muenzaniso wemhare Kaputeni Moronai, uyo kushandira kwake kwaiva kusiri “kuitira simba” kana kuitira “rukudzo rwenyika” (Aruma 60:36).

Munhu anokudziridza zvido sei? Vashoma vanozova nerudzi rwechinetso icho chakakurudzira Aron Ralston,3 asi chiitiko chake chinopa chidzidzo chakakosha pamusoro pokukudziridza zvido. Apo Ralston paifamba mumupata uri kure kumaodzanyemba kweUtah, dombo rairema makirogiramu mazana matatu ane makumi matanhatu rakazungunuka pakarepo uye rikatsikirira ruoko rwake rwerudyi. Kwamazuva mashanu ari oga akatambura kuzvibvisa paraiva rakamutsimbirira. Apo paakanga ava kuda kuora mwoyo uye otambira rufu, akava nechiratidzo chemukomana ane makore matatu okuzvarwa achimhanya kuuya kwaari uye achisimudzwa mudenga neruoko rwake rworuboshwe. Achinzwisisa izvi sechiratidzo chemwanakomana wake waaizoita muneramagwana uye vimbiso yokuti aiva achikwanisa kurarama, Ralston akaunganidza ushingi uye akaita chinhu chakakomba zvakanyanyisa kuti aponese upenyu hwake asati apererwa nesimba. Akatyora mapfupa maviri muruoko rwake rwokurudyi rwaiva rwakatsimbirirwa uye zvino akashandisa banga diki rake raaiva naro kucheka ruoko irworwo kurubvisa. Zvino akaunganidza simba rokufamba mamaira mashanu (makiromita masere) kuitira kuti awane rubatsiro.4 Uyu muenzaniso mukuru wakadii wesimba iro chido chikurusa charinaro! Apo patinenge tiine chinangwa chakajeka cheizvo zvatinokwanisa kuva, chido chedu uye nesimba redu rokuita chinhu rinowedzera zvikurusa.

Vakawanda vedu havazombofi vakatarisana nedambudziko rakakomba zvikurusa kudaro, asi tose tinotarisana nemiteyo iyo inozotidzivirira kufambira mberi takananga kumugumisiro wedu wokusingaperi. Kana zvido zvedu zvakarurama zviri zvakasimba zvakakwana, zvinozotikurudzira kuzvicheka nokuzviveza kuti tizvisunungure kubva kumhangwa uye nezvimwe zvimanikidzo nezvatinokoshesa zvine huipi izvo zvinodzivirira kufambira mberi kwedu kwokusingaperi.

Tinofanira kurangarira kuti zvido zvakarurama hazvifaniri kuva zvokunyepedzera, zvisina kufungwa zvakanaka, kana zvechinguva chipfupi chete. Zvinofanira kuva zvemwoyo wose, zvisingazungunuki, uye zvisina mugumo. Apo patinokurudzirwa nezvido zvakarurama, tinozotsvaka mamiriro ayo akatsanangurwa naMuporofita Joseph Smith, umo matinenge “takurira huipi [hweupenyu hwedu] uye tarasa chido chose chekuita chivi.”5 Iyo isarudzo yomunhu iye pachake oga. Sokutaura kwakaita Gosa Neal A. Maxwell kuti:

“Apo vanhu pavanotsanangurwa ‘sokuva varasa chido chavo chokuita chivi,’ ndivo, uye ivo chete, vanosarudza nokuzvidira kurasa zvido zvakaipa izvozvo kuburikidza nokuva vanoda ‘kusiya zvivi [zvavo] zvose’ kuitira kuziva Mwari.”

“Naizvozvo, izvo zvatinoda nguva dzose, nekufamba kwenguva, ndizvo zvatinozogumusira tava uye ndizvo zvatinozogamuchira mukusingaperi.”6

Sekukosha kwazvakaita kubvisa chido chose chechivi, upenyu hwekusingaperi hunoda zvimwe zvakawanda. Kuti tiwane mugumisiro wedu weupenyu hwekusingaperi, tinozoda uye nokushandira hunhu hunodikanwa kuti tive vanhu vokusingaperi. Somuenzaniso, vanhu vokusingaperi vanoregerera avo vose vakavakanganisira. Vanonyanya kuva nehanya namagariro akanaka avamwe kupfuura avo pachavo. Uye vanoda vana vose vaMwari. Kana izvi zvichiratidzika sezvakanyanya kuoma—uye chokwadi hazvisi nyore kuna ani wedu zvake—zvino tinofanira kutanga nechido chehunhu ihwohwo uye todaidza kuna Baba vedu Vokudenga vane rudo kuti vatibatsire pamanzwiro edu. Bhuku raMormoni rinotidzidzisa kuti tinofanira kunamata kuna Baba nesimba rose romwoyo, kuti “[ti]gozadzwa norudo urwu, urwo rwavakapa kune avo vose vari vateveri vechokwadi voMwanakomana wavo, Jesu Kristu” (Moronai 7:48).

Ndinovhara nemuenzaniso wokupedzisira wechido icho chinofanira kuva chakakoshesesa kuvarume vose namadzimai ose—avo parizvino vakachata uye naavo vasina kuchata. Vose vanofanira kuda uye kushanda zvakasimba kuitira kuwana muchato wokusingaperi. Avo vane muchato wemutemberi nechakare vanofanira kuita zvose zvavanokwanisa kuuchengetedza. Avo vasina kuchata vanofanira kuda muchato wemutemberi uye kukoshesesa zviedzwa zvokuuwana. Vechidiki uye majaya nemhandara dzechidiki vanofanira kuramba mafungiro akanaka kunyika asi asiri echokwadi nokusingaperi ayo anoshora ukoshi hwekuchata uye nokuva navana.7

Varume vasina vakadzi, ndapota fungai pamusoro pedaidzo iri mutsamba iyi yakanyorwa nasisita asina murume. Akatetererera “vanasikana vakarurama vaMwari avo vari kutsvaka nomwoyo wose mufambidzani akakodzera, asi varume vanotaridzika kuva vakapofamadzwa uye vanovhiringidzika pakuti ibasa ravo here kana kuti kwete rokutsvaka vanasikana ava vanoshamisa uye vanodiwa vaBaba vedu Vokudenga uye vovapfimba uye vova nechido chokuita uye nokuchengeta zvibvumirano zvinoera muimba yaIshe.” Akagumisa achiti, “Kune varume vaVatendi vaMazuva Ekupedzisira vakawanda vasina kuchata vari pano avo vanofara kuenda kunofara, uye vopfimba nokufambidzana navasikana, asi vasina kana chido chokuzombofa vakaita rudzi rupi zvarwo rwevimbiso kumusikana.”8

Ndinechokwadi kuti vamwe varume vechidiki vanotsvaka nechido chikuru vanozoda kuti ndiwedzere kuti kune vamwe vasikana vechidiki avo zvido zvavo zvemuchato wakakodzera uye navana zviri zasi zasi kwezvido zvavo zvamabasa kana dzimwe budiriro dzezvenyama. Zvose varume navakadzi vanofanira kuva nezvido zvakarurama izvo zvinozovatungamira kuupenyu hwokusingaperi.

Ngatirangarirei kuti zvido zvinorayidza zvinhu zvakakoshesesa zvedu, zvinhu zvakakoshesesa zvinoumba sarudzo dzedu, uye sarudzo dzinotungamira kuzviito zvedu. Pamusoro pazvo, zviito zvedu uye zvido zvedu ndizvo zvinotikonzera kuva chimwe chinhu, kana kuri kuva shamwari yechokwadi, mudzidzisi ane chipo, kana munhu akakodzera kuva noupenyu hwokusingaperi.

Ndinopupura nezva Jesu Kristu, uyo rudo rwake, uyo dzidziso dzake, uye uyo Rudzikinuro rwake zvinoita kuti zvose zvikwanisike. Ndinonamata kuti pamusoro pezvimwe zvose tinozoda kuva saIye kuitira kuti nerimwe zuva tikwanise kudzoka pamberi Pake kuti tigamuchire kuzara kwemufaro Wake. Muzita raJesu Kristu, ameni.

  1. Ray Cox, interview by author, Nyamavhuvhu 1, 1985, Mount Pleasant, Utah, kutsinhira zvaakanditaurira muProvo, Utah, circa 1953.

  2. Ona Richard C. Roberts, Legacy: The History of the Utah National Guard (2003), 307–14; “Self-Propelled Task Force,” National Guardsman, Chivabvu 1971, back cover; Miracle at Kapyong: The Story of the 213th (firimu rakaitwa neSouthern Utah University, 2002).

  3. Ona Aron Ralston, Between a rock and a Hard Place (2004)

  4. Ralston, Between a Rock and a hard Place, 248.

  5. Ona Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 211.

  6. Neal A. Maxwell, “According to the Desire of [Our] Hearts,” Ensign, Mbudzi 1996, 22, 21.

  7. Ona Julie B. Beck, “Teaching the Doctrine of the Family,” Liahona, Kurume 2011, 32–37; Ensign, Kurume 2011, 12–17.

  8. Tsamba, Gunyana 14, 2006.