2010–2019
Mwoyo yeVana Ichatendeukira
Gumiguru 2011


Mwoyo yeVana Ichatendeukira

Ndinokoka vanhu vechidiki veChechi kuti vadzidze uye vawane Mweya waEria.

Apo patinonzvera, kudzidza, uye nekurarama vhangeri raJesu Kristu, nhevedzano yezviitiko kazhinji inodzidzisa. Fungai, semuenzaniso, zvidzidzo zvatinodzidza pamusoro pezvakakoshesa zvemweya kubva pakutevedzana kwezviitiko zvikuru izvo zvakaitika apo kuzara kwevhangeri reMuponesi pakwakadzorerwa mumazuva ano ekupedzisira.

Muchisango Chinoera, Joseph Smith akaona uye akataura naBaba Vokusingaperi naJesu Kristu. Pakati pezvimwe zvinhu, Joseph akadzidza pamusoro pehunhu hwechokwadi hwemusoro wehuMwari uye pezvakazarurwa zvinoenderera mberi. Chiratidzo chikurusa ichi chakatanga “mukuwo wekuzara kwenguva,” (VaEfeso 1:10) uye ndicho chimwe chezviitiko zvakakosha zvikurusa munhoroondo yenyika.

Angangoita makore matatu pashure, mumhinduro kumunamato wemwoyo wose pamanheru aGunyana 21, 1823, mumupanda wekurara waJoseph makazadzwa nechiedza kudzamara “machena kupfuura masikati” (Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:30). Munhu akazviratidza padivi pemubhedha wake, akadaidza mukomana mudiki uyu nezita, uye akazivisa kuti “akange arimutumwa aiva atumwa kubva pamberi paMwari … uye akati zita rake rainzi Moronai” (ndima 33). Akaraira Joseph pamusoro pekuuya kweBhuku raMormoni. Uye zvino Moronai akatapa kubva mubhuku raMaraki muTestamente Yekare, nekusiyana kudiki mumutauro wakashandiswa muKing James Version achiti:

“Tarisa, ndicharatidza kwauri Hupirisita, neruoko rwaEria muporofita, risati rauya zuva guru uye rinotyisa raIshe.

“…Uye achadyara mumwoyo yevana zvivimbiso zvakaitwa kumadzibaba, uye mwoyo yevana ichatendeukira kumadzibaba avo. Dai zvakange zvisizvo, pasi pose paizoparadzwa zvachose pakuuya kwavo” (ndima 38, 39).

Mirayiridzo yaMoroni kumuporofita wechidiki pakupedzisira yakasanganisira madingindira maviri makuru: (1) Bhuku raMormoni uye (2) mashoko aMaraki achifanotaura basa raEria muKudzorerwa “kwezvinhu zvose, kwakarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga” (Mabasa Avaapositora 3:21). Naizvozvo, zviitiko zvekutanga zveKudzorerwa zvakaratidza kunzwisiswa kwakanaka kwemusoro wehuMwari, zvakasimbisa kukosha kweBhuku raMormoni, uye zvikafanotaura basa reruponeso nekusimudzirwa kumusoro-soro kwavose vapenyu nevakafa. Nhevedzano inokurudzira iyi inodzidzisa pamusoro penyaya dzezvemweya dzinokoshesesa kuna Mwari.

Shoko rangu rakanangana nehushumiri uye neMweya waEria wakafanotaurwa naMoronai mumirairidzo yake yekutanga kuna Joseph Smith. Ndinonamatira nemwoyo wose rubatsiro rweMweya Mutsvene.

Hushumiri hwaEria

Eria aive muporofita weTestamente Yekare uyo kuburikidza naye zvishamiso zvikuru zvakaitwa. Akanama matenga, uye hakuna mvura yakanaya muIsraeri yechinyakare kwemakore matatu nehafu. Akaita kuti zvokudya namafuta zvechirikadzi zviwande. Akamutsa mukomana mudiki kubva kuvakafa, uye akadaidza moto kubva kudenga mukupikisa vaporofita vaBaari. (Ona 1 Madzimambo 17–18.) Pakupera kwehushumiri hwepanyika hwaEria, “akakwira kudenga nechinyamupupuri” (2 Madzimambo 2:11) uye akatorwa arimupenyu.

“Tinodzidza kubva kuzvakazarurwa zvemazuva ekupedzisira kuti Eria aiva nesimba rekusunganidza rehupirisita hwaMerkizedeki uye aiva muporofita wekupedzisira kuva nesimba iri nguva yaJesu Kristu isati yasvika.” (Bible Dictionary, “Elijah”). Muporofita Joseph Smith akatsanangura kuti, “Mweya, simba, uye kudaidzwa kwaEria ndezvekuti, mune simba rekuva nekiyi … yekuzara kweHupirisita hwaMerkizedeki … ; uye … kuwana … zvisungo zvose zveumambo hwaMwari” (Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007], 311; kusimbisa kwakawedzerwa). Mvumo inoera yekusunganidza iyi yakakosha kuti zvisungo zvehupirisita zvive zvinoshanda uye zvinosunga zvose pasi nekudenga.

Eria akazviratidza aina Mosesi paGomo reKushandurwa (ona Mateo 17:3) uye akapa mvumo iyi kuna Petro, Jakobo, naJohane. Eria akazviratidza zvakare aina Mosesi nevamwe musi waKubvumbi 3, 1836, muTemberi yekuKirtland uye akapa makiyi mamwechetewo kuna Joseph Smith naOliver Cowdery.

Magwaro matsvene anotaura kuti Eria muporofita akamira pamberi paJoseph naOliver uye akati:

“Tarisai, nguva yasvika izere, iyo yakataurwa nemuromo waMaraki—achipupura kuti iye [Eria] achatumwa zuva guru rinotyisa raIshe risati rauya—

“Kutendeutsira mwoyo yaanababa kuvana, uye yevana kunanababa, nokuti pasi rose ringarohwe neshura—

“Nokudaro, kiyi dzemukuwo uno dzinokumikidzwa mumaoko enyu; uye naizvozvi mungaziva kuti zuva guru rinotyisa raIshe rava pedyo, kunyangwe pamisiwo chaipo.” (D&Z 110:14–16).

Kudzorerwa kwemvumo yokusunganidza naEria muna 1836 kwaidikanwa kuitira kugadzirira nyika kuKuuya kweChipiri kweMuponesi uye kwakatanga chido chakawedzerwa zvikuru uye chapanyika pose mutsvago yenhoroondo yemhuri.

Mweya uye neBasa raEria

Muporofita Joseph Smith vakazivisa kuti: “Basa gurusa munyika ino iro Mwari ravakaisa patiri ndere kutsvaga vakafa vedu. … Nokuti zvinodikanwa kuti simba rekusunganidza rinofanira kuva mumaoko edu kuti tisunganidze vana vedu uye vakafa vedu kuitira mukuwo wekuzara kwenguva—mukuwo wekuzadzikisa vimbiso dzakaitwa naJesu Kristu nyika isati yavambwa kuitira ruponeso rwavanhu. … Naizvozvo, Mwari vakati, ‘Ndichakutumirai muporofita Eria’” (Teachings: Joseph Smith, 475).

Joseph akawedzera kutsanangura achiti:

“Asi chii chinangwa [chekuuya kwaEria]? kana kuti chinozadzikiswa sei? Makiyi anofanira kuunzwa, mweya waEria unofanira kuuya, Vhangeri rinofanira kumiswa, Vatendi vaMwari vaunganidzwe, Zioni ivakwe, uye Vatendi vanofanira kuuya sevaponesi paGomo reZioni [ona Muporofita Obadia 1:21].

“Asi vanozova sei vaponesi paGomo reZioni? Nekuvaka matembere avo … uye nekuenda mberi nekutambira zvisungo zvese … pachinzvimbo chamadzitateguru avo ose akafa …; uye umu ndimo mune cheni inobatanidza mwoyo yamadzibaba kuvana, uye vana kumadzibaba, iyo inozadzikisa basa raEria” (Teachings: Joseph Smith, 472–73).

Gosa Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti Mweya waEria “chiratidzo cheMweya Mutsvene unopupura uchapupu hwechimiro chehumwari hwemhuri” (“A New Harvest Time,” Ensign, Chivabvu 1998, 34). Simba rakasiyana namamwe iri reMweya Mutsvene rinokurudzira vanhu kuti vazive, vanyore pasi, uye vakoshese madzitateguru avo uye nenhengo dzemhuri dzavo—vakararama kare uye navanorarama iyezvino.

Mweya waEria unobata vanhu vari nhengo dzeChechi uye vasiri nhengo dzeChechi. Zvisinei, senhengo dzeChechi yakadzorerwa yaKristu, tine basa rechisungo rekutsvaga madzitateguru edu uye nekuvapa zvisungo zvinoponesa zvevhangeri. “Kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.” (VaHeberu 11:40; onawo Teachings: Joseph Smith, 475). Uye “kana nesu hatingave vakakwana pasina vakafa vedu.” (D&Z 128:15).

Nezvikonzero izvi tinoita tsvagurudzo yenhoroondo yemhuri, tinovaka matemberi, uye tinoita zvisungo takamiririra vakafa. Nezvikonzero izvi Eria akatumwa kuzodzorera mvumo yokusunganidza iyo inosunga pasi nekudenga. Isu tiri vamiririri vaIshe mubasa reruponeso uye nekusimudzirwa kumusoro-soro iro rinozodzivirira “pasi rose [kubva] mukurohwa neshura” (D&Z 110:15) apo paAnodzoka zvakare. Iri ibasa redu uye chikomborero chedu chikuru.

Kukokwa kuChizvarwa Chiri Kukura

Iye zvino ndinokoka ruteerero rwavasikana vechidiki, vakomana vechidiki, uye nerwevana vechizvarwa chiri kukura apo pandinosimbisa kukosha kweMweya waEria muhupenyu hwenyu nhasi. Shoko rangu rakanangana neChechi yese zvayo—asi nderenyu kunyanya.

Vazhinji venyu mungafunga kuti basa renhoroondo yemhuri rinofanira kuitwa kunyanya nevanhu vakuru. Asi hapana muganhu wezera wandinoziva unotsanangurwa mumagwaro matsvene kana nhungamiro yakaziviswa nevatungamiriri veChechi inoti kushandira kwakakosha uku ndekwevanhu vakuru chete. Muri vanakomana nevanasikana vaMwari, vana vechibvumirano, uye vavaki veumambo. Hamufanire kumirira kusvikira makura kuti muzadzikise basa renyu rekubatsira mubasa reruponeso kumhuri yevanhu.

Ishe vakaita kuti zvishandiso zvinoshamisa zvivepo muzuva redu izvo zvinoita kuti mukwanise kudzidza uye kuda basa iri rinomutswa neMweya waEria. Semuenzaniso, FamilySearch muunganidzwa werondedzero, zvishandiso, uye zvibatsiro zvinowanikwa zviri nyore kuburikidza nemakombuyuta uye nemidziyo yakasiyana-siyana inobatwa muruoko, yakagadzirirwa kubatsira vanhu kuwana uye kunyora pasi nhoroondo yemhuri yavo. Izvi zvishandiso zvinowanikwawo munzvimbo dzenhoroondo dzemhuri dziri munzvimbo zhinji dzemaChechi edu panyika pose.

Hazvina kungoerekana zvaitika kuti FamilySearch uye zvimwe zvishandiso zvakauya mberi panguva apo vechidiki pavanoziva zvikuru marudzi akawanda etekinoroji dzokuwana ruzivo uye dzokutaurirana nadzo. Makadzidza kutumira mashoko panharembozha dzenyu nepamakombuyuta enyu kuitira kuchimbidzisa uye nokufambisira mberi basa raIshe—kwete chete kungotaurirana nekukurumidza neshamwari dzenyu. Unyanzvi nekwaniso izvo zvinoonekwa pakati pevanhu vechidiki vazhinji nhasi igadziriro yekubatsira kubasa reruponeso.

Ndinokoka vanhu vechidiki veChechi kuti vadzidze uye vawane Mweya waEria. Ndinokukurudzirai kuti munzvere, mutsvage madzitateguru enyu, uye muzvigadzirire kuita rubhabhatidzo muimba yaIshe makamiririra hama dzenyu dzakafa (ona D&Z 124:28–36). Uye ndinokukurudzirai kuti mubatsire vamwe vanhu kuziva nhoroondo dzemhuri dzavo.

Apo pamunodavira murutendo kukokwa uku, mwoyo yenyu ichatendeukira kumadzibaba. Vimbiso dzakaitwa kuna Abrahama, Isaka, naJakobo dzinozoiswa mumwoyo yenyu. Ropafadzo yapatiriyaki yenyu, nechiziviso chayo chemutsetse wedzinza, inozokubatanidzai kumadzibaba aya uye inozova yakanyanya kukosha kwamuri. Rudo uye noruvongo rwenyu kumadzitateguru enyu zvinozowedzera. Uchapupu hwenyu uye nerutendeukiro rwenyu kuMuponesi zvinozove zvakadzika uye zvinogara. Uye ndinokuvimbisai kuti munozodzivirirwa kubva kurunziro irikusimba zvikuru yemuvengi. Apo pamunotora chinhanho uye nokuda basa iri dzvene, munozochengetedzwa muhudiki hwenyu uye nemuhupenyu hwenyu hwese.

Vabereki nevatungamiriri, ndapota batsirai vana venyu nevechidiki kudzidza uye kuwana Mweya waEria. Asi musanyanyisa kuomesera basa iri kana kupa ruzivo kana rudzidziso rwakadzama uye ruzhinjisa. Kokai vanhu vechidiki kuti vawongorore, kuti vaedze, uye vadzidze ivo pachavo vega (ona Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:20). Munhu wechidiki upi zvake anokwanisa kuita izvo zvandiri kukurudzira, achishandisa zvidzidzo zvinowanikwa pawebhusaiti lds.org/familyhistoryyouth. Vatungamiri vekirasi dzeChikwata cheHupirisita hwaAroni nedzeVasikina veChidiki vanogona kutora chinzvimbo chakakosha mukubatsira vechidiki vese kuti vazive zvishandiso izvi zvakakosha. Vanhu vechidiki vari kunyanya kufanira kuva vadzidzi vanoita zvinhu uye nokudaro vanogashira chiedza neruzivo zvakawedzerwa kuburikidza nesimba reMweya Mutsvene—uye kwete kungova vadzidzi vakanyarara avo kazhinji vanoitirwa zvinhu (ona 2 Nifai 2:26).

Vabereki nevatungamiriri, munozoshamiswa nekukurumidza kunoita vana venyu nevechidiki veChechi kuva nehunyanzvi hukurusa nezvishandiso izvi. Chokwadi ndechekuti, munozodzidza zvidzidzo zvakakosha kubva kuvanhu vechidiki ava pamusoro pekushandisa zvinobudirira zvishandiso izvi. Vechidiki vanokwanisa kudzidzisa zvakawanda kuvanhu vakuru avo vanonetsekana kana vanotya tekinoroji kana kuti vasingazivi nezve FamilySearch. Imiwo munozoverenga maropafadzo enyu mazhinji apo vanhu vechidiki pavanopira nguva yakawanda kubasa renhoroondo yemhuri uye kukushandira mutemberi uye vopedza nguva shoma vachitamba mitambo yamavhidhiyo, vachitsvaka ruzivo paIndaneti, uye vachishandisa Facebook.

Troy Jackson, Jaren Hope, naAndrew Allan vabati veHupirisita hwaAroni avo vakadaidzwa nabhishopi akafemerwa kuti vadzidzise pamwechete kirasi yenhoroondo yemhuri muwadhi yavo. Vakomana vechidiki ava vanomiririra vazhinjisa venyu imi muchido chavo chokudzidza uye mushuviro yavo kushandira.

Troy akataura kuti, “Ndaiuya kuchechi uye ndongogaramo, asi ikozvino ndava kunzwisisa kuti ndinofanira kuenda kumba uye ndonoita chimwe chinhu. Tese tinogona kuita nhoroondo yemhuri.”

Jaren akataura kuti apo paakadzidza zvimwe zvakawanda pamusoro penhoroondo yemhuri, akanzwisisa “kuti aya aisangova mazita asi vanhu chaivo. Ndakanyanya kuva nemufaro pamusoro pokuendesa mazita kutemberi.”

Uye Andrew akataura kuti, “Ndava kufarira nhoroondo yemhuri nerudo uye nesimba izvo zvandaisaziva kuti ndinokwanisa kuva nazvo. Pandaigadzirira svondo rega-rega kudzidzisa, kazhinji ndaikurudzirwa neMweya Mutsvene kuti ndiite zvinhu uye ndiyedze mimwe yemitoo yakadzidziswa muchidzidzo. Ndisati ndadzidzisa zvidzidziso izvi, nhoroondo yemhuri yaive chinhu chinotyisa. Asi ndichibatsirwa neMweya ndakakwanisa kuzadzikisa daidzo yangu uye kubatsira vanhu vazhinji muwadhi redu.”

Mabhuratha nemasisita echidiki angu anodikanwa, nhoroondo yemhuri haisingori chirongwa chinonakidza kana chiitiko chinotsigirwa neChechi; asi, chikamu chakakosha chebasa reruponeso nekusimudzirwa kumusoro-soro. Makagadzirirwa kurarama munguva ino uye kuvaka humambo hwaMwari. Muri pano panyika iyezvino kuti mubatsire mubasa rakanakisisa iri.

Ndinopupura kuti Eria akadzoka panyika uye akadzorera mvumo inoyera yokusunganidza. Ndinopupura kuti icho chinenge chasungwa pasi chinokwanisa kusungwa kudenga. Uye ndinoziva kuti vechidiki vechizvarwa chiri kukura chikamu chakakosha mubasa guru iri. Ndinopupura kudaro muzita rinoyera raIshe Jesu Kristu, ameni.