2010–2019
Mahwindo eKudenga
Gumiguru 2013


Mahwindo eKudenga

Maropafadzo ezvemweya uye ezvenyama anouya muupenyu hwedu apo patinorarama murairo wechegumi.

Ndinoda kutsanangura zvidzidzo zviviri zvakakosha zvandakadzidza pamusoro pemurairo wechegumi. Chidzidzo chekutanga chinonangisa pamaropafadzo anouya kuvanhu nekumhuri apo pavanoteerera zvakatendeka murairo uyu. Chidzidzo chechipiri chinosimbisa kukosha kwechegumi mukukura kweChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira panyika yose. Ndinonamata kuti Mweya Mutsvene unozosimbisa kune mumwe nemumwe wedu huchokwadi hwemisimboti yandinokurukura.

Chidzidzo Nhamba 1—Maropafadzo Akakosha asi Akavandika

Amai vaSisita Bednar mudzimai akatendeka uye muchengeti wemhuri akafemerwa. Kubvira pamazuva ekutangisisa emuchato wake, akachengeta zvakachenjerera marekodzi emari yemhuri. Kwemakumi emakore aichengeta zvakangwaririra marekodzi emari yaiuya neemari yaishandiswa yemhuri achishandisa mutoo weakaunzi uri nyore. Ruzivo rwavakaunganidza nemumakore rwakazara zvikuru uye runopa rairidzo yakakosha.

Apo Sisita Bednar pavakanga vari musikana wechidiki, amai vavo vaishandisa ruzivo rwaiva mumabhuku eakaunzi acho kusimbisa misimboti yekutanga yekushandisa mari zvine hungwaru uye nekutungamira pamba zvakachenjerera. Rimwe zuva pavaiwongorora pamwechete zvikamu zvakasiyana zvemashandirwo emari, amai vavo vakacherechedza mutoo unoshamisa. Mari yaishandiswa nemhuri yavo kuenda kwachiremba kunorapwa uye kutenga mishonga yaiva yakaderera zvikurusa kupfuura zvangange zvakatarisirwa. Vakatenda kuti izvo zvavakawana zvaiva zvine chekuita nevhangeri raJesu Kristu uye vakatsanangurira mwanasikana wavo chokwadi chine simba chokuti: apo patinorarama murairo wechegumi, kazhinji tinogashira maropafadzo akakosha asi akavandika ayo asiri nguva dzose atinotarisira uye zviri nyore anokwanisa kusacherechedzwa. Mhuri yakanga isina kugamuchira pakarepo kana zviri pachena wedzero kumari yemhuri. Asi panokudaro, Baba Vokudenga vane rudo vakanga vapa maropafadzo akareruka munzira dzinoratidzika sedzamazuva ose. Sisita Bednar vanogara vachirangarira chidzidzo chakakosha ichi kubva kuna amai vavo pamusoro perubatsiro rwunouya kwatiri kuburikidza namahwindo ekudenga, sekuvimbisa kwakaita Maraki muTestamente Yekare (ona Maraki 3:10).

Kazhinji apo patinodzidzisa nekupupura pamusoro pemurairo wechegumi, tinosimbisa maropafadzo epanyama epakarepo, makuru, uye atinoona zvirinyore ayo atinogamuchira. Uye zvirokwazvo maropafadzo akadaro anopihwa. Asi mamwe emaropafadzo akasiyana siyana atinowana apo patinoteerera kumurairo uyu akakosha asi akavandika. Maropafadzo akadaro anokwanisa kunzwisiswa chete kana pamweya tichiteera uye nokucherechedza (ona 1 Vakorinte 2:14).

Mufananidzo “wemahwindo” ekudenga unoshandiswa naMaraki unorairidza zvikuru. Mahwindo anobvumira chiedza chapanze kuti chipinde muchivako. Nenzira imwecheteyo, vhenekero uye nzwisiso yezvemweya zvinodururwa kuburikidza nemahwindo ekudenga kuiswa muupenyu hwedu apo patinokudza murairo wechegumi.

Semuenzaniso, ropafadzo rakavandika asi rakakosha ratinogamuchira ndere chipo chemweya wekutenda icho chinokwanisa ruvongo rwatinonzwa pamusoro pezvatiinazvo kuti rudzore zvishuviro zvezvatinoda. Munhu anotenda akagutsikana zvakazara. Munhu asingatendi haagutsikane nekusingaperi (ona Ruka 12:15).

Tinogona kuda rubatsiro uye kunamatira rubatsiro mukuwana basa rakakodzera. Kwaniso yokunzwisisa kana kuona zvinhu zvemweya kuburikidza nerutendo (ona Eta 12:19) inodikanwa, zvisinei, kuti tizive chipo chepamweya chenzwisiso yakawedzerwa iyo inokwanisa kutipa simba rekuziva mikana yebasa iyo vamwe vanhu vazhinji yavangangotadza kuaona—kana ropafadzo reutsungi hukuru hwako pachako hwekutsvaga nesimba uye kwenguva yakareba kupfuura izvo vamwe vanhu zvavangakwanisa kana zvavagada kuita. Tinogona kuda uye kutarisira kupihwa basa, asi ropafadzo rinouya kwatiri kuburikidza nemahwindo ekudenga rinogona kuva kwaniso huru yekuita nekushandura mamiriro ezvinhu edu pachedu pane kutarisira mamiriro ezvinhu edu kuti ashandurwe nemumwe munhu kana chimwewo chinhu.

Tinogona kuda uye kushanda zvakakodzera kugamuchira wedzero yemubhadharo webasa redu kuitira kuriritira zvirinani zvidikanwi zveupenyu. Kwaniso yokunzwisisa kana kuona zvinhu zvemweya kuburikidza nerutendo inodikanwa, zvisinei, kucherechedza matiri kwaniso yakawedzerwa yezvepamweya uye zvepanyama (ona Ruka 2:52) yokuzadzikisa zvirinani zvidikanwi zvedu nemari shoma, kwaniso yakawedzerwa yokutara zvatinonyanya kukoshesa uye nekurarama nenzira yakareruka, uye kwaniso yakawedzerwa yokunyatsochengeta pfuma yepanyama iyo yatakaunganidza nechakare. Tinogona kuda uye kutarisira kutambira mari yakawanda, asi ropafadzo rinouya kwatiri kuburikidza nemahwindo ekudenga rinogona kuva kwaniso huru yekushandura mamiriro ezvinhu edu pachedu pane kutarisira mamiriro ezvinhu edu kushandurwa nemumwe munhu kana nechimwewo chinhu.

Varwi vechidiki muBhuku raMormoni (ona Aruma 53; 56–58) vakanamata nemwoyo wose kuti Mwari vavasimbise uye vavasunungure kubva mumaoko emhandu dzavo. Chinoshamisa ndechekuti, mhinduro kuminamato iyi hadzina kuvapa zvimwe zvombo kana kuwedzera huwandu hwevarwi. Pane kudaro, Mwari akapa varwi vakatendeka vimbiso yekuti Vaizovanunura, runyararo kumweya yavo, uye rutendo rukuru netariro yekusunungurwa kwavo maVari (ona Aruma 58:11). Nokudaro, vanakomana vaHiramani vakatora ushingi, vakava nekusazungunika nekutsunga kwekuda kukunda, uye vakaenda nesimba ravo rose kunorwisa maRamani (ona Aruma 58:12–13). Vimbiso, runyararo, rutendo, uye tariro pakutanga zvingangosataridzika samaropafadzo ayo varwi vari muhondo avangada, asi aiva iwo chaiwo maropafadzo majaya echidiki aiva akashinga aya avaida kuti vaenderere mberi uye vakunde panyama nepamweya.

Dzimwe nguva tinogona kukumbira Mwari budiriro, uye Votipa kugwinya kwepanyama uye kwemupfungwa. Tinogona kuteterera upfumi, uye togashira maonero akawedzerwa uye nemwoyo murefu wakawedzerwa, kana tinokumbira kukura pamweya uye toropafadzwa nechipo chenyasha. Vanogona kutipa tendeseko nechivimbo apo patinoedza kubudirira pazvinangwa zvakakodzera. Uye apo patinoteterera zororo kubva kumatambudziko epanyama, epfungwa, uye epamweya, Vanogona kuwedzera kutsungirira uye nokutirira kwedu.

Ndino vimbisa kuti apo iwe neni patinoteera nekuchengeta murairo wechegumi, zvirokwazvo mahwindo ekudenga anozovhurwa uye maropafadzo epamweya uye epanyama anozodururwazvokuti hakuzove nenzvimbo yakakwana yekuagamuchira (ona Maraki 3:10). Tinozorangarirawo chiziviso chaIshe chokuti:

“Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Ishe.

“Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu” (Isaya 55: 8–9).

Ndinopupura kuti apo patinova vanoteerera uye vanocherechedza pamweya, tinozoropafadzwa nemaziso anoona zvakanyanya kujeka, nzeve dzinonzwa nguva dzose, uye nemwoyo inonzwisisa zvakanyanya kuzara kukosha nekuvandika kwenzira Dzavo, pfungwa Dzavo, uye namaropafadzo Avo muupenyu hwedu.

Chidzidzo Nhamba 2—Hureruki hweNzira yaIshe

Ndisati ndadaidzwa kunoshanda senhengo yeChikwata cheVane Gumi neVaviri, ndakaverenga kakawanda muDzidziso neZvibvumirano pamusoro pedare rakagadzwa kuti ritarire nekugovera mari inoyera yechegumi. Dare rezveMashandisirwo eZvegumi rakamiswa kuburikidza nezvakazarurwa uye rinosanganisira Hutungamiri Hwekutanga, Chikwata cheVaapositora Vane Gumi neVaviri, uye neHutungamiri hweHubhishopi (ona D&Z 120). Apo ndaigadzirira muna Zvita wa2004 kuenda kumusangano wangu wekutanga wedare iri, ndakatarisira nechido kukuru mukana unoshamisa zvikuru wekudzidza.

Ndichiri kurangarira zvinhu zvandakasangana nazvo uye zvandakanzwa mudare iroro. Ndakawana kosheso huru uye rukudzo rukuru kumitemo yaIshe yezvemari yemunhu pachake, yemhuri, uye neyeChechi Yavo. Chirongwa chekutanga chezvemari cheChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira—chemari inowanikwa pamwepo nemashandisirwo ayo chinotsanangurwa muzvikamu 119 ne120 zveDzidziso neZvibvumirano. Zvirevo zviviri zvinowanikwa muzvakazarurwa izvi zvinopa hwaro hwenyaya dzezvemari dzeChechi.

Chikamu 119 chinotaura zvakareruka kuti nenhengo dzose “dzichabvisa chikamu chimwechete mugumi chezvavanowana pagore; uye uyu uchave mutemo wakamiswa kwavari nariinhi, … vanodaro Ishe” (ndima 4).

Zvino, maererano nekugoverwa kwakabvumirwa kwezvegumi, Ishe vakati, “Zvichagoverwa nedare, rinosanganisira Hutungamiri Hwekutanga hweChechi yangu, nabhishopi nedare rake, uye nedare rangu rapamusoro; uye neinzwi rangu pachangu kwavari, vanodaro Ishe” (D&Z 120:1). “Bhishopi nedare rake” uye “dare rangu rapamusoro” zvinotaurwa muchakazarurwa ichi zvinozivikanwa nhasi seHutungamiri hweHuBhishopi uye neChikwata cheVaapositora Vane Gumi neVaviri, zvichiteerana. Mari dzinoyera idzi dzinoshandiswa muchechi irikukura nekukurumidza kuropafadza pane zvemweya vanhu pachavo uye nemhuri kuburikidza nekuvaka nekuchengetedza matemberi nedzimba dzekunamatira, kutsigira basa rehushumiri, kududzira nekushambadza magwaro matsvene, kukurudzira tsvagurudzo yenhoroondo yemhuri, kutsigira zvikoro nedzidzo dzezvechitendero, uye kuzadzikisa zvimwe zvinangwa zvakawanda zveChechi sokuraira kwavaranda vakagadzwa vaIshe.

Ini ndinoshamiswa nerujeko uye hupfupi hwezvakazarurwa zviviri izvi mukuenzanisa nemirairidzo yakaoma yezvemari nenzira dzokutungamira nadzoizvo zvinoshandiswa mumasangano mazhinjisa uye nehurumende zhinjisa napanyika pose. Nyaya dzezvepanyama dzesangano rakakura seChechi yakadzorerwa yaJesu Kristu dzinokwanisa kufambiswa sei napanyika pose nokushandisa mirairidzo mipfupi yakadaro? Kwandiri mhinduro yakareruka zvikuru: iri ibasa raIshe, Vanokwanisa kuita basa Ravo pachavo (ona 2 Nifai 27:20), uye Muponesi anofemera nekuraira varanda Vake apo pavanoshandisa rairo Dzake uye nekushanda muchinangwa Chake.

Mumusangano wekutanga iwowo ndakafadzwa nehureruki hwemisimboti yaitungamira hurukuro nesarudzo dzedu. Mukushandiswa kwemari kweChechi, misimboti miviri yakakosha uye yakatarwa zvisingashandurwi inocherechedzwa. Chekutanga, Chechi inoshandisa chete zvaiinazvo. uye haishandisi zvinopfuura zvainotambira. Chechipiri, chikamu chemari inowanikwa yegore rose chinoiswa padivi semari inochengeterwa njodzi uye zvidikanwi zvisingatarisirwi. Kwemakumi emakore Chechi yakadzidzisa nhengo dzayo musimboti wekuisa parutivi zvimwe zvokudya, zvokubatidzisa moto, uye mari yekushandisa panjodzi dzinogona kumuka. Chechi sesangano inongotevera misimboti mimwecheteyo iyo inodzokororwa kudzidziswa kunhengo.

Apo musangano pawaienderera mberi, ndakazviwana ndichishuvira kuti dai nhengo dzese dzeChechi dzichicherechedza hureruki, rujeko, kurongeka, rubatsiro, uye nesimba zvenzira yaIshe pachavo (ona D&Z 104: 16) mukutungamirira nyaya dzapanyama dzeChechi Yavo. Ini zvino ndakatora chinhanho muDare rezveMashandisirwo eZvegumi kwemakore mazhinji. Ruvongo noruremekedzo rwangu rwemutoo waIshe rwakakura gore rega rega, uye zvidzidzo zvakadzidzwa zvakava zvakatonyanya kudzama.

Mwoyo wangu unozara nerudo neruyemuro rwenhengo dzakatendeka uye dzinoteerera dzeChechi ino kubva kudzose ndudzi, hama, ndimi, uye nevanhu vose. Apo pandinofamba nepanyika pese, ndinodzidza pamusoro petariro dzenyu nezvishuwiro zvenyu, magariro nemamiriro ezvinhu enyu akasiyana siyana, uye nematambudziko enyu. Ndakapinda misangano yeChechi nemi uye ndikashanyira dzimwe dzedzimba dzenyu. Rutendo rwenyu runosimbisa rutendo rwangu. Kuzvipira kwenyu kunoita kuti ndinyanye kuzvipira. Uye runako rwenyu uye nokuteerera nekuda kwenyu kumurairo wechegumi zvinondikurudzira kuti ndive munhurume, murume, baba, uye mutungamiri weChechi arinani. Ndinokurangarira uye ndinofunga nezvenyu nguva imwe neimwe yandinotora chinhanho muDare rezveMashandisirwo eChegumi. Ndinokutendai norunako uye norutendeseko rwenyu apo pamunochengeta zvibvumirano zvenyu.

Vatungamiri veChechi yakadzorerwa yaIshe vanonzwa basa gurusa rekutaririra zvakakodzera zvipo zvakatsaurwa zvenhengo dzeChechi. Tinoziva zvikuru nezve chimiro chinoera chechipo chemari chidukusa chechirikadzi murombo.

“Zvino Jesu wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira vanhu vazhinji vachiisa mari muchivigiro: vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji.

“Kukasvika chirikadzi, waiva murombo, akaisa tumari tuviri tuduku tunoita fadini.

“Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, Zvirokwazvo ndinoti kwamuri Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa zvizhinji kunaavo vose vakaisa muchivigiro:

“Nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo, asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo” (Marko 12: 41–44).

Ndinoziva kubva paruzivo rwandakawana pachangu kuti Dare rezveMashandisirwo eChegumi rakangwarira mukuchengetedza chipo chemari chidukusa chechirikadzi iri murombo. Ndinotaura ruvongo kuMutungamiri Thomas S. Monson nevatevedzeri vavo nekuda kwehutungamiriri hwavo hunobudirira mukuita hutariri hutsvene uhwu. Uye ndinocherechedza izwi (ona D&Z 120: 1) uye ruoko rwaIshe urwo runotsigira varanda Vavo vakagadzwa mukuzadzikisa basa rekuVamiririra.

Kukoka uye Uchapupu

Kubhadhara kwakavimbika kwechegumi kunopfuura kungova basa; idanho rakakosha munzira yokushanangurwa kwemunhu pachake. Kune avo venyu vanobhadhara chegumi chenyu, Ndinokurumbidzai.

Kune avo venyu avo parizvino vasiri kuteerera mutemo wechegumi, ndinokukokai kuti mufunge pamusoro pezvamuri kuita uye mutendeuke. Ndinopupura kuti kuburikidza nekuteerera kwenyu kumutemo uyu waIshe, mahwindo ekudenga anozovhurwa kwamuri. Ndapota musaverengera zuva rokutendeuka kwenyu.

Ndinopupura kuti maropafadzo epamweya uye epanyama anouya muhupenyu hwedu apo patinorarama mutemo wechegumi. Ndinopa uchapupu kuti maropafadzo akadaro kazhinji akakosha asi akavandika. Ndinozivisawo kuti hureruki hwenzira yaIshe uhwo hwuri pachena zvikuru munyaya dzezvepanyama dzeChechi Yavo mienzaniso iyo inokwanisa kutitungamira sevanhu pachavo uye semhuri. Ndinonamata kuti mumwe nemumwe wedu adzidze uye awane pundutso kubva kuzvidzidzo zvakakosha izvi, muzita rinoyera raIshe Jesu Kristu, ameni.